-
Mako 8:27-29Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
27 Jesu nevadzidzi vake vakasimuka vakananga kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 28 Vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ asi vamwe vanoti Eriya,+ vamwewo vachiti, mumwe wevaprofita.” 29 Uye akabvunza ivo vacho kuti: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro akamupindura kuti: “Ndimi Kristu.”+
-
-
Ruka 9:18-20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
18 Rimwe zuva paakanga achinyengetera ari ega, vadzidzi vakauya kwaari, akavabvunza kuti: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 19 Vakapindura vachiti: “Johani Mubhabhatidzi, asi vamwe vanoti Eriya, vamwewo vachiti mumwe wevaprofita vekare akamuka.”+ 20 Akabva ati kwavari: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro akapindura achiti: “Kristu waMwari.”+
-