RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 53:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Nemhaka yemarwadzo ake akanyanya,* iye achaona, ogutsikana.

      Achishandisa ruzivo rwake, mushumiri wangu akarurama+

      Achaita kuti vanhu vakawanda vave vakarurama,+

      Uye achatakura kukanganisa kwavo.+

  • Mako 10:45
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 45 Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+

  • 1 Timoti 2:5, 6
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 5 Nekuti kuna Mwari mumwe chete,+ nemurevereri mumwe chete+ pakati paMwari nevanhu,+ ariwo munhu, Kristu Jesu,+ 6 uyo akazvipa kuti ave rudzikinuro runoenzanirana nevanhu vese;*+ izvi ndizvo zvichapupurirwa nezvazvo panguva yacho chaiyo.

  • Tito 2:13, 14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 tichimirira tariro inofadza+ nekuratidzwa pachena kunobwinya kwaMwari mukuru uye kweMuponesi wedu, Jesu Kristu, 14 uyo akazvipa kuti atisunungure*+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ese uye kuti azvichenesere vanhu vake ega, vanoshingairira mabasa akanaka.+

  • VaHebheru 9:28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Kristu akabayirwawo kamwe chete zvikabva zvakwana kuti atakure zvivi zvevakawanda;+ uye paachaoneka kechipiri zvinenge zvisinei nechivi, uye achaonekwa nevaya vari kumutsvaga nemwoyo wese kuti vaponeswe.+

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe