-
Mako 14:12-16Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
12 Pazuva rekutanga reChingwa Chisina Mbiriso,+ pavaiwanzobayira chibayiro chePaseka,+ vadzidzi vake vakati kwaari: “Munoda kuti tinokugadzirirai kupi pekudyira Paseka?”+ 13 Akabva atuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nemurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei,+ 14 uye chero maanenge apinda, muti kumuridzi wemba, ‘Zvanzi neMudzidzisi: “Imba yevaenzi yandingadyira Paseka nevadzidzi vangu ndeipi?”’ 15 Achabva akuratidzai imba huru yepamusoro, inotova nezvese zvekushandisa. Motigadzirira imomo.” 16 Saka vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira Paseka.
-
-
Ruka 22:7-13Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
7 Zuva rekutanga reChingwa Chisina Mbiriso rakazosvika, paifanira kubayirwa chibayiro chePaseka;+ 8 saka Jesu akatuma Petro naJohani, achiti: “Endai munotigadzirira Paseka kuti tidye.”+ 9 Ivo vakati kwaari: “Munoda kuti tinoigadzirira kupi?” 10 Iye akati kwavari: “Onai! Pamunopinda muguta muchasangana nemurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei mumba maanopinda.+ 11 Muti kumuridzi wemba, ‘Zvanzi neMudzidzisi: “Imba yevaenzi yandingadyira Paseka nevadzidzi vangu ndeipi?”’ 12 Murume iyeye achabva akuratidzai imba huru yepamusoro ine zvinhu zvekushandisa. Igadzirirei imomo.” 13 Saka vakaenda, vakazviwana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira Paseka yacho.
-