-
Mako 14:37-42Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
37 Akadzoka, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Simoni, uri kurara? Washaya simba rekuramba wakarinda kweawa imwe chete here?+ 38 Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.+ Mweya* unoda zvawo, asi nyama haina simba.”+ 39 Akaendazve akanyengetera, achitaura zvaakanga ambotaura.+ 40 Akadzokazve akavawana vachirara, nekuti maziso avo akanga achirema, saka vakashaya kuti vomupindura vachitii. 41 Uye akadzoka kechitatu akati kwavari: “Nguva yakaita seino ndiyo yamuri kurara muchizorora henyu! Zvakwana! Nguva yacho yasvika!+ Onai! Mwanakomana wemunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi. 42 Simukai tiende. Onai! Mutengesi wangu ava kusvika.”+
-