RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mako 14:60-65
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 60 Mupristi mukuru akabva asimuka pakati pavo, akabvunza Jesu kuti: “Haupinduri here? Unoti chii nezvauri kupomerwa nevarume ava?”+ 61 Asi akaramba akanyarara uye haana kumbopindura.+ Mupristi mukuru akatangazve kumubvunza, akati kwaari: “Ndiwe Kristu Mwanakomana weAnokudzwa here?” 62 Jesu akabva ati: “Ndini; uye muchaona Mwanakomana wemunhu+ agere kuruoko rwerudyi+ rwesimba achiuya nemakore ekudenga.”+ 63 Mupristi mukuru akabva abvarura nguo dzake, akati: “Tichadirei zvimwe zvapupu?+ 64 Manzwa kumhura kwacho. Munoti kudii?” Vese vakati aifanira kufa.+ 65 Vamwe vakatanga kumusvipira mate+ uye kumufukidza kumeso vomurova nezvibhakera vachiti kwaari: “Profita!” Uye vashandi vepadare vakamurova kumeso nembama ndokuenda naye.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe