RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 9:20
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 20 Uye mumwe mukadzi akanga achitambura nekubuda ropa kwemakore 12+ akauya nechekumashure kwake, akabata masa* enguo yake yekunze,+

  • Mako 5:25-28
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Paiva nemukadzi akanga ava nemakore 12+ achibuda ropa.+ 26 Akanga arwadziswa zvikuru navanachiremba vakawanda uye akanga apedza pfuma yake yese, pasina zvazvakabatsira, zvichitowedzera. 27 Paakanzwa zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechekumashure kwevanhu, akabata nguo yake yekunze,+ 28 nekuti aingoti: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze chete, ndichapora.”+

  • Ruka 8:43, 44
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 43 Paiva nemumwe mukadzi akanga ava nemakore 12 achibuda ropa,+ uye aishaya munhu angakwanisa kumurapa.+ 44 Akauya nechekumashure ndokubata masa* enguo yake yekunze,+ uye ropa rake rikabva rangomira kubuda.

  • Mabasa 19:11, 12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Uye Mwari akaramba achiita mabasa anoshamisa esimba achishandisa Pauro,+ 12 zvekuti kunyange machira nemaepuroni anenge agumha muviri wake, aiendeswa kuvanhu vanorwara,+ zvirwere zvavo zvopera, uye mweya yakaipa yaibuda.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe