-
Mateu 22:42-45Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
42 “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Ivo vakati kwaari: “WaDhavhidhi.”+ 43 Iye akavabvunza kuti: “Saka sei Dhavhidhi paakanga afemerwa+ akamudana kuti Ishe, paakati, 44 ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’?+ 45 Saka kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”+
-
-
Ruka 20:41-44Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
41 Iye akabva avabvunza kuti: “Sei vachiti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 42 Nekuti Dhavhidhi anoti mubhuku reMapisarema, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi 43 kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”’+ 44 Zvino kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”
-