-
Mateu 22:41-46Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
41 VaFarisi pavakanga vakaungana Jesu akavabvunza kuti:+ 42 “Munofungei nezvaKristu? Mwanakomana waani?” Ivo vakati kwaari: “WaDhavhidhi.”+ 43 Iye akavabvunza kuti: “Saka sei Dhavhidhi paakanga afemerwa+ akamudana kuti Ishe, paakati, 44 ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’?+ 45 Saka kana Dhavhidhi achimuti Ishe, iye mwanakomana wake pakudii?”+ 46 Hapana akakwanisa kumupindura, uye kubvira musi iwoyo, hapana akazoshinga kumubvunza zvakare.
-
-
Mako 12:35-37Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
35 Asi Jesu paaidzidzisa mutemberi akati: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36 Achitungamirirwa nemweya mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37 Kana Dhavhidhi pachake achimuti Ishe, anozova mwanakomana wake pakudii?”+
Vanhu vakawanda vakanga vachimuteerera vachifara.
-