-
Mateu 10:2-4Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 Mazita evaapostora vacho 12 ndeaya:+ Wekutanga, Simoni, uya ainzi Petro,+ naAndreya+ munin’ina wake; Jakobho mwanakomana waZebhedhi naJohani+ munin’ina wake; 3 Firipi naBhatoromeyo;+ Tomasi+ naMateu+ muteresi; Jakobho mwanakomana waArifiyosi; uye Tadhiyosi; 4 Simoni muKenani;* naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.+
-
-
Mako 3:14-19Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
14 Uye akaumba* boka revarume 12, avo vaakatumidzawo kuti vaapostora, vaizofamba naye uye vaaizotuma kunoparidza 15 uye kuti vave nesimba rekudzinga madhimoni.+
16 Varume vacho 12+ vaakagadza vaiva, Simoni, waakatumidzawo kuti Petro,+ 17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munin’ina waJakobho (akatumidzawo ava zita rekuti Bhoanajisi, rinoreva kuti “Vanakomana Vekutinhira”),+ 18 Andreya, Firipi, Bhatoromeyo, Mateu, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Tadhiyosi, Simoni muKenani,* 19 naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.
Akabva apinda mune imwe imba,
-