RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 21:23-27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Paakapinda mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevakuru vevanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa vakati: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Uye ndiani akakupa mvumo yacho?”+ 24 Jesu akavapindura achiti: “Ndichakubvunzaiwo chimwe chinhu. Kana mukandiudza, ndichabva ndakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi: 25 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabvepi? Kudenga here kana kuti kuvanhu?” Asi vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati kwatiri, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 26 Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya vanhu, nekuti vese vanoti Johani muprofita.” 27 Saka vakapindura Jesu vachiti: “Hatizivi.” Akabva atiwo kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.

  • Mako 11:27-33
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Vakasvikazve kuJerusarema. Uye paaifamba mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakauya 28 vakati kwaari: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Kana kuti ndiani akakupa mvumo yekuita zvinhu izvi?”+ 29 Jesu akati kwavari: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura, ndichakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi. 30 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani+ rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’ 32 Asi tingashinga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?” Vaitya vanhu, nekuti vese vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.+ 33 Saka vakapindura Jesu vachiti: “Hatizivi.” Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe