16 “Nekuti Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga,+ kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.+ 17 Nekuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.+