-
Ruka 24:39-41Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
39 Onai maoko angu netsoka dzangu, ndini chaiye; ndibatei muone, nekuti mweya hauna nyama nemapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo izvi.” 40 Paaitaura izvi, aivaratidza maoko ake netsoka dzake. 41 Asi vasati vanyatsotenda kuti ndiye here nekuda kwekufara uye kushamiswa kwavaiita, akati kwavari: “Mune chekudya here pano?”
-
-
Johani 20:19, 20Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
19 Paakanga ava manheru pazuva iroro rekutanga revhiki, masuo emaiva nevadzidzi akanga akakiyiwa vachitya vaJudha, uye Jesu akauya, akamira pakati pavo, akati kwavari: “Rugare ngaruve nemi.”+ 20 Pashure pekutaura izvi, akavaratidza maoko ake nerutivi rwake.+ Vadzidzi vakabva vafara kuti vakanga vaona Ishe.+
-