-
1 Samueri 14:32, 33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
32 Saka vanhu vakava nemakaro vakatanga kumhanyira zvinhu zvavainge vapamba, uye vakatora makwai nemombe nemhuru, vakazviurayira pasi, uye vakadya nyama pamwe chete neropa.+ 33 Saka Sauro akaudzwa kuti: “Vanhu vari kutadzira Jehovha nekudya nyama pamwe chete neropa.”+ Iye akabva ati: “Maratidza kusatendeka. Kungurutsirai dombo guru kuno kwandiri izvozvi.”
-