-
Mabasa 16:37, 38Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
37 Asi Pauro akati kwavari: “Vakatirova pamberi pevanhu vese tisina kuwanirwa mhosva,* isu tiri vaRoma,+ vakatikanda mujeri. Iye zvino vava kutibudisa kunze pachivande! Aiwa, hazviiti! Ivo ngavauye vatibudise.” 38 Mapurisa akanoudza vatongi vehurumende mashoko aya. Vatongi vacho vakatya pavakanzwa kuti varume vacho vaiva vaRoma.+
-