RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 115:5
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    •  5 Zvine muromo, asi hazvitauri;+

      Zvine maziso, asi hazvioni;

  • Habhakuki 2:18
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 18 Mufananidzo wakavezwa unobatsirei

      Zvawakangovezwawo nemunhu?

      Mufananidzo wesimbi* nemudzidzisi wenhema zvinobatsirei,

      Kunyange zvazvo uya akazvigadzira achivimba nazvo,

      Achigadzira vanamwari vasingatauri, vasina zvavanobatsira?+

  • 1 VaKorinde 8:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Panyaya yekudya zvekudya zvakabayirwa kuzvidhori, tinoziva kuti chidhori hachisi chinhu+ panyika uye kuti hakuna mumwe Mwari kunze kwemumwe chete.+

  • VaGaratiya 4:8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 8 Kunyange zvakadaro, pamakanga musingazivi Mwari, maiva varanda vevaya vasiri vanamwari.

  • 1 VaTesaronika 1:9
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 9 Nekuti ivo vanoramba vachitaura nezvekutanga kwatakaita kuonana nemi uye kutendeukira kuna Mwari kwamakaita muchibva kuzvidhori zvenyu+ kuti muve varanda vaMwari mupenyu uye wechokwadi,

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe