Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Jehovha achamuchengetedza oita kuti arambe ari mupenyu.
3 Jehovha achamutsigira paanenge achirwara ari pamubhedha wake;+
Mukurwara kwake muchachinja mubhedha wake zvakakwana.
4 Nekuti ndakati: “Jehovha, ndinzwireiwo nyasha.+
Ndiporeseiwo,*+ nekuti ndakakutadzirai.”+
5 Asi vavengi vangu vanotaura zvakaipa nezvangu vachiti:
“Achafa riini, zita rake riparare?”
6 Kana mumwe wavo akauya kuzondiona, mwoyo wake unotaura nhema.
Anotsvaga zvinhu zvakaipa zvekuzotaura;
Anobva abuda onozviparadzira kune vamwe vanhu.
7 Vese vaya vanondivenga vanozevezerana;
Vari kundirongera zvakaipa vachiti:
10 Asi imi Jehovha, ndinzwireiwo nyasha uye ndisimudzei,
Kuti ndivatsive.
11 Ndichaziva kuti munondifarira kana izvi zvaitika:
Kana muvengi wangu akasapemberera achifara kuti andikunda.+
12 Asi ini munonditsigira nekuti ndakaperera kwamuri;+
Mucharamba makandiisa pamberi penyu nekusingaperi.+
Ameni, Ameni.