Jobho
10 “Ndinosema* upenyu hwangu.+
Ndichabudisa kunyunyuta kwangu.
Ndichataura ndichirwadziwa!*
2 Ndichati kuna Mwari: ‘Musanditi ndine mhosva.
Ndiudzei kuti muri kundirwisirei.
3 Zvinokubatsirai chii kuti mudzvinyirire,
Uye kuti mushore basa remaoko enyu+
Muchifarira zano revakaipa?
4 Mune maziso enyama here,
Kana kuti munoona sekuona kunoita munhu here?
5 Mazuva enyu akaita semazuva evanhu vanofa here,
Kana kuti makore enyu akaita seemunhu here,+
6 Zvamuri kutsvaga chikanganiso changu
Nekuramba muchitsvaga chivi changu?+
9 Ndapota zvangu, yeukai kuti makandiumba nevhu,+
Asi iye zvino mava kuita kuti ndidzokere kuguruva.+
10 Hamuna here kundidurura semukaka
Uye kundikodzeka semukaka wakakora?
13 Asi manga makaronga nechemumwoyo kuzoita zvinhu izvi.*
Ndinoziva kuti zvinhu izvi zviri kubva kwamuri.
15 Kana ndiine mhosva, ndine nhamo!
Uye kunyange kana ndisina mhosva, handigoni kusimudza musoro,+
Nekuti ndakazara nekuzvidzwa uye nekutambudzika.+
17 Munounza zvapupu zvitsva zvichindiwanira mhosva
Mowedzera hasha dzenyu pandiri,
Matambudziko achiramba achiuya pandiri akatevedzana.
18 Saka makandibudisireiko muchibereko?+
Ndingadai ndakafa pasina kana ziso rakandiona.
19 Ndingadai ndakaita sekunge kuti handina kumbovapo;
Ndingadai ndakangobudiswa muchibereko ndichinanga muguva.’