Revhitiko
20 Jehovha akaenderera mberi achitaura naMozisi, achiti: 2 “Uti kuvaIsraeri, ‘Munhu wese pavaIsraeri, uye mutorwa wese anogara pakati paIsraeri anopa Moreki mumwe wevana vake, anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vemunyika yenyu vanofanira kumutema nematombo kusvikira afa. 3 Ini ndichatarisa munhu iyeye ndakatsamwa, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake,* nekuti apa Moreki vamwe vana vake uye asvibisa nzvimbo yangu tsvene+ uye ashora zita rangu dzvene. 4 Kana vanhu vemunyika yacho vakaita sevasingaoni zvinenge zvichiitwa nemunhu iyeye paanopa Moreki vana vake uye vakarega kumuuraya,+ 5 ini ndichabva ndatarisa munhu iyeye pamwe chete nemhuri yake ndakatsamwa.+ Ndichabvisa munhu iyeye pakati pevanhu vake* pamwe nevamwe vese vanenge vabatana naye pakuita unzenza naMoreki.
6 “‘Kana ari munhu anoenda kumasvikiro+ nekuvafemberi+ kuti aite unzenza hwekunamata navo, ndichatsamwira munhu iyeye, uye ndichamubvisa pakati pevanhu vake.*+
7 “‘Munofanira kuzvitsaura mova vatsvene,+ nekuti ndini Jehovha Mwari wenyu. 8 Uye munofanira kuchengeta mirau yangu, muchiitevedzera.+ Ndini Jehovha, ari kukutsvenesai.+
9 “‘Kana pakava nemunhu anotuka baba vake kana amai vake, anotofanira kuurayiwa.+ Sezvo atuka baba vake kana amai vake, ndiye anenge azviurayisa ega.*
10 “‘Kana ari murume anoita upombwe nemudzimai wemunhu, uya anoita upombwe nemudzimai wemumwe wake, anotofanira kuurayiwa, iye pamwe chete nemukadzi wacho waaita naye upombwe.+ 11 Murume anorara nemudzimai wababa vake anyadzisa baba vake.*+ Vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.* 12 Kana murume akarara nemuroora wake, vese vari vaviri vanotofanira kuurayiwa. Vaita zvinopesana nemasikirwo akaitwa vanhu. Ndivo vanenge vazviurayisa.*+
13 “‘Kana murume akarara nemunhurume sekurara kunoita murume nemukadzi, vese vari vaviri vaita zvinosemesa.+ Vanotofanira kuurayiwa. Ndivo vanenge vazviurayisa.*
14 “‘Kana murume akatora mukadzi naamai vake, ikoko kuita zvinhu zvakafumuka.*+ Vanofanira kumupisa nemoto pamwe chete nevakadzi vacho,+ kuti tsika dzakafumuka dzirege kuramba dzichiitwa pakati penyu.
15 “‘Kana murume akarara nemhuka, anotofanira kuurayiwa, uye munofanira kuurayawo mhuka yacho.+ 16 Kana mukadzi akaswedera pedyo nemhuka chero ipi zvayo kuti akwirwe nayo,+ munofanira kuuraya mukadzi wacho pamwe chete nemhuka yacho. Anotofanira kuurayiwa pamwe chete nemhuka yacho. Vanhu vacho vanenge vazviurayisa vega.*
17 “‘Kana murume akarara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana kuti mwanasikana waamai vake, akaona kusapfeka kwake, uye iyewo akaona kusapfeka kwake, zvinonyadzisa.+ Vanofanira kubviswa* pamberi pevanakomana vevanhu vekwavo. Murume wacho anyadzisa hanzvadzi yake.* Anofanira kuzvidavirira kukanganisa kwake.
18 “‘Kana murume akarara nemukadzi ari kumwedzi, murume wacho nemukadzi wacho vafumura panobva ropa rake.+ Vese vari vaviri vanofanira kubviswa pakati pevanhu vekwavo.*
19 “‘Usarara nemunin’ina waamai vako kana hanzvadzi yababa vako, nekuti unenge uchinyadzisa hama yemumba.+ Vanoita izvi vanofanira kuzvidavirira kukanganisa kwavo. 20 Murume anorara nemudzimai wababamudiki vake anyadzisa babamudiki vake.*+ Iye nemukadzi wacho vanofanira kuzvidavirira chivi chavo. Vanofanira kufa vasina mwana. 21 Kana murume akatora mudzimai wemukoma kana munin’ina wake, zvinosemesa.+ Anyadzisa mukoma kana munin’ina wake.* Havafaniri kuva nemwana.
22 “‘Munofanira kuchengeta mirau yangu yese nemitongo yangu yese+ muchiitevedzera,+ kuti nyika yandiri kukuendesai kuti munogara irege kukurutsai.+ 23 Musatevedzera mirau yemarudzi andiri kudzinga pamberi penyu;+ nekuti akaita zvinhu izvi zvese uye ndinoasema.+ 24 Ndokusaka ndakati kwamuri: “Muchatora nyika yavo kuti ive yenyu, uye ini ndichakupai kuti ive yenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu, akutsaurai pakati pemamwe marudzi.”+ 25 Munofanira kusiyanisa mhuka dzakachena nedzisina kuchena, shiri dzisina kuchena nedzakachena;+ musaita kuti mhuka kana shiri kana chero chinhu chinokambaira panyika chandakatsaura kwamuri kuti hachina kuchena chikuitei vanhu vanosemesa.+ 26 Munofanira kuva vatsvene kwandiri, nekuti ini, Jehovha, ndiri mutsvene,+ uye ndiri kukutsaurai pakati pemamwe marudzi kuti muve vangu.+
27 “‘Murume wese kana mukadzi anosvikirwa kana kuti anoita zvekufembera,* anotofanira kuurayiwa.+ Vanhu vanofanira kuvatema nematombo kusvikira vafa. Ndivo vanenge vazviurayisa.’”*