Isaya
25 Haiwa Jehovha, muri Mwari wangu.
Ndinokukudzai, ndinorumbidza zita renyu,
Nekuti makaita zvinhu zvinoshamisa;+
Makasarudza zvinhu izvi kare,+
Mukutendeka+ nemukuvimbika.
2 Nekuti makaita kuti guta rive murwi wematombo,
Uye kuti guta rakakomberedzwa nemasvingo rive matongo.
Shongwe yemunhu wekune imwe nyika haisisiri guta;
Haichazombovakwizve.
4 Nekuti mava nhare* kune akaderera,
Nhare kumurombo pakutambudzika kwake,+
Pekuhwanda mvura ine simba,
Nemumvuri pakupisa.+
Dutu revanodzvinyirira parinenge rakaita semvura inonaya ichirovera pamadziro nesimba,
5 Parinenge rakaita sekupisa kunenge kuri munyika yakaoma,
Imi munokunda ruzha rwevatorwa.
Sekukurirwa kunoita kupisa nemumvuri wegore,
Rwiyo rwevanodzvinyirira runonyaradzwa.
6 Mugomo iri,+ Jehovha wemauto achaitira marudzi ese
Mabiko emachikichori ezvekudya,+
Mabiko ewaini yakanaka kwazvo,*
Emachikichori azere nemwongo,
Ewaini yakanaka kwazvo, yakasvinwa.
7 Mugomo iri achaparadza* chifukidziro chakafukidza marudzi ese,
Nejira rakarukirirwa richivhara marudzi ese.
Achabvisa kuzvidzwa kwevanhu vake panyika yese,
Nekuti Jehovha pachake azvitaura.
9 Pazuva iroro vachati:
“Onai! Uyu ndiye Mwari wedu!+
Uyu ndiye Jehovha!
Takatarisira kwaari.
Ngatifarei, tifarire ruponeso rwake chaizvo.”+
10 Nekuti ruoko rwaJehovha ruchauya rwogara pagomo iri,+
Uye Moabhi ichatsikwa-tsikwa munzvimbo yayo+
Semashanga anotsikwa-tsikwa kusvikira ava murwi wemupfudze.
11 Achatambanudza maoko ake achiapinza mairi
Sekutambanudza maoko kunoitwa neanoshambira kuti ashambire,
Uye achaderedza kuzvikudza kwayo+
Paachafambisa maoko ake neunyanzvi.
12 Uye guta rakakomberedzwa nemasvingo, rine masvingo akakwirira ekudzivirira,
Acharidonhedza;
Achariwisira pasi, muguruva chaimo.