Mapisarema
Rwiyo rwaAsafi.+
79 Haiwa Mwari, marudzi apinda nechisimba munhaka yenyu;+
Asvibisa temberi yenyu tsvene;+
Aita kuti Jerusarema rive murwi wematongo.+
2 Apa shiri dzekudenga zvitunha zvevashumiri venyu kuti zvive zvekudya zvadzo
Uye apa mhuka dzesango nyama yevatsvene venyu.+
5 Haiwa Jehovha, mucharamba makashatirwa kusvikira riini? Nekusingaperi here?+
Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira semoto kusvikira riini?+
8 Musaita kuti tizvidavirire pazvivi zvemadzitateguru edu.+
Kurumidzai kutinzwirawo tsitsi,+
Nekuti taderedzwa zvikuru.
9 Tibatsirei, haiwa Mwari weruponeso rwedu,+
Nekuda kwezita renyu rinokudzwa;
Tinunurei uye kanganwirai* zvivi zvedu nekuda kwezita renyu.+
10 Nei marudzi achifanira kuti: “Mwari wavo ari kupi?”+
Itai kuti tizvione nemaziso edu marudzi achiratidzwa
Kuti ropa revashumiri venyu rakadeurwa ratsiviwa.+
11 Inzwaiwo kugomera kwemusungwa.+
Shandisai simba renyu* kuchengetedza* vaya vakatongerwa rufu.*+