2 Samueri
7 Zvino mambo paakagara muimba yake+ uye Jehovha amuzorodza pavavengi vake vose vakanga vakamupoteredza,+ 2 mambo akabva ati kumuprofita Natani:+ “Zvino tarira, ini ndiri kugara muimba yemisidhari+ asi areka yaMwari wechokwadi iri kugara mukati memachira etende.”+ 3 Natani akabva ati kuna mambo: “Endai muite zvose zviri mumwoyo menyu+—nokuti Jehovha anemi.”
4 Zvino usiku ihwohwo shoko+ raJehovha rakauya kuna Natani, richiti: 5 “Enda, uti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha: “Iwe ungandivakira imba yokuti ndigare here?+ 6 Nokuti handina kugara mumba kubvira pazuva randakabudisa vanakomana vaIsraeri muIjipiti kusvikira nhasi,+ asi ndakaramba ndichifamba+ ndiri mutende+ uye ndiri mutebhenekeri.+ 7 Munguva yose yandakafamba-famba ndiri pakati pevanakomana vaIsraeri vose,+ pane here shoko randakataura nerimwe remadzinza aIsraeri+ randakarayira kuti rifudze vanhu vangu vaIsraeri, ndichiti, ‘Nei musina kundivakira imba yemisidhari?’”’ 8 Zvino unoti kumushumiri wangu Dhavhidhi, ‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Ini ndakakutora kumafuro kwawaifudza makwai+ kuti uve mutungamiriri+ wevanhu vangu vaIsraeri. 9 Ndichava newe kwose kwaunoenda,+ ndichaparadza vavengi vako vose pamberi pako;+ ndichakuitira zita guru,+ rakafanana nezita revakuru vari panyika. 10 Ndichagadzirira vanhu vangu vaIsraeri nzvimbo+ ndovadyara,+ uye chokwadi vachagara munzvimbo dzavo dzavari, havachazonetswizve; uye vanakomana vokusarurama havazovatambudzizve sezvavakaita pakutanga,+ 11 kubvira pazuva randakarayira vatongi+ kuti vatarisire vanhu vangu vaIsraeri; ndichakuzorodza pavavengi vako vose.+
“‘“Jehovha akuudza kuti Jehovha achakugadzirira imba.+ 12 Mazuva ako paanokwana,+ paucharara nemadzitateguru ako,+ ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.+ 13 Ndiye achavakira zita rangu imba,+ uye ndichasimbisa kwazvo chigaro choumambo hwake nokusingagumi.+ 14 Ini ndichava baba vake,+ uye iye achava mwanakomana wangu.+ Kana akakanganisa, ndichamutsiurawo neshamhu+ yevanhu nokurova kwevanakomana vaAdhamu. 15 Mutsa wangu worudo, hauzobvi kwaari semabvisiro andakauita pana Sauro,+ wandakabvisa nokuda kwako. 16 Imba yako noumambo hwako zvichava zvakasimba nokusingagumi pamberi pako; chigaro chako choumambo chichava chakasimba kwazvo nokusingagumi.”’”+
17 Natani akataura naDhavhidhi maererano nemashoko aya ose uye maererano nezvaakaratidzwa zvose izvi.+
18 Mambo Dhavhidhi akabva apinda, akagara pasi pamberi paJehovha, akati: “Haiwa Changamire Ishe Jehovha, ndini ani?+ Imba yangu chii zvamandisvitsa pano? 19 Sokunge ichi chinhu chiduku kwamuri, haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi muri kutaurawo nezveimba yomushumiri wenyu kusvikira kunguva yemberi iri kure; uyu ndiwo mutemo wakapiwa vanhu,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha.+ 20 Dhavhidhi angawedzereizve nokutaureizve kwamuri, imi zvamunonyatsoziva mushumiri wenyu,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha? 21 Makaita zvinhu zvikuru zvose izvi nokuda kweshoko renyu,+ uye sezvaidiwa nomwoyo wenyu+ kuti muite kuti mushumiri wenyu azvizive.+ 22 Ndokusaka muri mukuru,+ haiwa Changamire Ishe Jehovha; nokuti hakuna mumwe akaita semi,+ uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu+ pakati pavose vatakanzwa nezvavo nenzeve dzedu. 23 Ndorupi rumwe rudzi panyika rwakafanana nevanhu venyu vaIsraeri,+ vakadzikinurwa naMwari kuti vave rudzi rwake,+ kuti aite kuti zita rake rikurumbire,+ kuti avaitire zvinhu zvikuru nezvinotyisa+—kuti mudzinge marudzi navanamwari vawo, nokuda kwevanhu venyu, vamakadzikinura+ muIjipiti kuti vave venyu? 24 Makazvisimbisira kwazvo vanhu venyu vaIsraeri+ kuti muvaite vanhu venyu nokusingagumi; uye imi, haiwa Jehovha, makava Mwari wavo.+
25 “Zvino, Jehovha Mwari, itai shoko ramakataura pamusoro pomushumiri wenyu uye pamusoro peimba yake nokusingagumi uye itai sezvamataura.+ 26 Zita renyu ngarive guru nokusingagumi,+ muchiti, ‘Jehovha wemauto ndiMwari waIsraeri,’+ uye imba yomushumiri wenyu Dhavhidhi ngaisimbiswe kwazvo pamberi penyu.+ 27 Nokuti imi, Jehovha wemauto Mwari waIsraeri, makazivisa mushumiri wenyu, muchiti, ‘Ndichakuvakira imba.’+ Ndokusaka mushumiri wenyu ashinga kunyengetera kwamuri munyengetero uyu.+ 28 Zvino, haiwa Changamire Ishe Jehovha, ndimi Mwari wechokwadi; uye mashoko enyu ngaave echokwadi,+ zvamunopikira mushumiri wenyu zvinhu izvi zvakanaka.+ 29 Zvino chikomborerai+ henyu imba yomushumiri wenyu kuti irambe iri pamberi penyu nokusingagumi;+ nokuti, haiwa Changamire Ishe Jehovha, imi makavimbisa, uye itai kuti imba yomushumiri wenyu ikomborerwe nokusingagumi nokuda kwechikomborero chenyu.”+