147 Rumbidzai Jah!
Zvakanaka kuimbira Mwari wedu tichimurumbidza;
Zvinofadza uye zvakakodzera kumurumbidza!+
2 Jehovha ari kuvaka Jerusarema;+
Anounganidza vanhu vakapararira vaIsraeri.+
3 Anoporesa vakaora mwoyo;
Anosunga maronda avo.
4 Anoverenga uwandu hwenyeredzi;
Anodzishevedza dzese nemazita.+
5 Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;+
Kunzwisisa kwake hakugoni kuyerwa.+
6 Jehovha anosimudza vanyoro,+
Asi anokandira vakaipa pasi.
7 Imbirai Jehovha muchimuonga;
Imbai muchirumbidza Mwari wedu nerudimbwa,
8 Uyo anofukidza matenga nemakore,
Uyo anopa nyika mvura,+
Uyo anoita kuti uswa hukure+ mumakomo.
9 Anopa mhuka zvekudya,+
Nemanyana emakunguo anochemera zvekudya.+
10 Haafariri simba rebhiza;+
Uye hapana chinomushamisa pakusimba kwemakumbo emunhu.+
11 Jehovha anofarira vaya vanomutya,+
Vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji.+
12 Kudza Jehovha, iwe Jerusarema.
Rumbidza Mwari wako, iwe Ziyoni.
13 Anosimbisa mazariro emagedhi ako;
Anokomborera vanakomana vako vauinavo.
14 Anoita kuti munharaunda yako muve nerugare;+
Anokugutsa negorosi rakanakisisa.+
15 Anotuma murayiro wake panyika;
Shoko rake rinomhanya kwazvo.
16 Anotuma chando chakachena semvere dzemakwai;+
Anoparadzira chando semadota.+
17 Anodzikisa chimvuramabwe sezvimedu zvechingwa.+
Ndiani angamira kana kuine chando chake?+
18 Anotuma shoko rake, chonyunguduka.
Anoita kuti mhepo yake ivhuvhute,+ mvura yoyerera.
19 Anozivisa Jakobho shoko rake,
Uye mirau nemitongo yake kuna Israeri.+
20 Haana kuita izvozvo nerumwe rudzi rupi zvarwo;+
Havana kana zvavanoziva nezvemitongo yake.
Rumbidzai Jah!+