Zvirevo
24 Usaitira shanje vanhu vakaipa,
Uye usava neshungu dzekufambidzana navo,+
2 Nekuti mwoyo yavo inofungisisa zvinhu zvemhirizhonga,
Uye miromo yavo inotaura nezvekukonzera dambudziko.
4 Ruzivo runoita kuti dzimba dzayo dzemukati dzizare
Nezvinhu zvinokosha zvemarudzi akasiyana-siyana uye pfuma inofadza.+
12 Kana ukati, “Asi takanga tisingazvizivi,”
Iye anoongorora mwoyo* haazvizivi here?+
13 Mwanakomana wangu, idya uchi, nekuti hwakanaka;
Uchi hwemumazinga hunotapira mukanwa mako.
14 Ziva kuti uchenjeri hwakakunakirawo* saizvozvo.+
Kana ukahuwana, uchava neramangwana rakanaka
Uye tariro yako haizoparadzwi.+
15 Usahwandira pedyo neimba yemunhu akarurama uchida kuita zvakaipa;
Usaparadza nzvimbo yake yaanozororera.
16 Nekuti munhu akarurama angawa kanomwe, asi achasimuka zvakare,+
Asi vakaipa vachagumburwa nedambudziko.+
17 Kana muvengi wako akawa, rega kufara,
Uye kana akagumburwa, usafara nechemumwoyo;+
18 Ukadaro, Jehovha achazviona akasafara,
Uye achabva arega kumutsamwira.+
19 Usagumbuka pamusana pevanhu vakaipa;
Usaitira shanje vanhu vakaipa,
20 Nekuti munhu wese akaipa haana ramangwana;+
Rambi revakaipa richadzimwa.+
21 Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo.+
Ndiani anoziva kuti vachavaparadza* sei?+
23 Mashoko ayawo ndeevakachenjera:
Kusarura pakutonga hakuna kunaka.+
24 Munhu wese anoti kune munhu akaipa, “Wakarurama,”+
Achatukwa nevanhu uye achapiwa mhosva nemarudzi.
26 Vanhu vachatsvoda miromo yemunhu anopindura chokwadi.*+
27 Gadzirira basa rako rekunze, uye gadzirira zvinhu zvako zvese mumunda;
Wozovaka imba yako.
28 Usapa mhosva muvakidzani wako pasina chikonzero.+
Usashandisa miromo yako kunyengera vamwe.+
31 Ndakaona kuti wakanga wazara masora;
Masora anobaya akanga ava pese pese,
Uye rusvingo rwawo rwematombo rwakanga rwaputsika.+
32 Ndakazvicherechedza ndikazviisa mumwoyo;
Ndakazviona uye ndakawana chidzidzo ichi: