Mapisarema
137 Pedyo nenzizi dzeBhabhironi,+ ndipo patakagara pasi.
Takachema patakayeuka Ziyoni.+
3 Nekuti ikoko vakanga vakatitapa vakatikumbira kuti tivaimbire rwiyo,+
Vaya vaitiseka vaida kuti tivafadze vachiti:
“Tiimbirei rumwe rwenziyo dzekuZiyoni.”
4 Tingaimba sei rwiyo rwaJehovha
Tiri mune imwe nyika?
6 Rurimi rwangu ngarunamatire mukanwa mangu
Kana ndikasakuyeuka,
Kana ndikasaita kuti Jerusarema rive
Chikonzero changu chikuru chekufara.+
7 Yeukai, haiwa Jehovha,
Zvakataurwa nevaEdhomu zuva rakaparadzwa Jerusarema, vachiti:
“Rikoromorei! Rikoromorei kusvikira pafaundesheni yaro!”+