Numeri
34 Uye Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 2 “Udza vaIsraeri kuti: ‘Pamuchapinda munyika yeKenani,+ iyi ndiyo nyika yamuchawana kuti ive nhaka yenyu, nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+
3 “‘Muganhu wenyu wekumaodzanyemba uchatangira kurenje reZini uchitevedza Edhomu, uye muganhu wenyu wekumaodzanyemba nechekumabvazuva uchatangira kunogumira Gungwa reMunyu.*+ 4 Muganhu wenyu uchachinja kwawakananga uchipfuura nekumaodzanyemba kwemukwidza weAkrabhimu+ wopfuurira kuZini, uye uchagumira kumaodzanyemba kweKadheshi-bhaneya.+ Unozopfuurira kuHazari-adhari+ wosvika kuAzmoni. 5 Muganhu uchachinja kwawakananga paAzmoni wonanga kuRwizi* rweIjipiti, uchigumira kuGungwa.*+
6 “‘Muganhu wenyu wekumavirira uchava mahombekombe eGungwa Guru.* Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekumavirira.+
7 “‘Muganhu wenyu wekuchamhembe uchava uyu: Muchatara muganhu wenyu kubvira kuGungwa Guru kusvikira kuGomo reHori. 8 Kubva kuGomo reHori muchatara muganhu wacho kusvikira kuRebhohamati,*+ uye muganhu wacho uchagumira kuZedhadhi.+ 9 Uye muganhu wacho uchapfuurira kuZifroni, uchigumira kuHazari-enani.+ Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekuchamhembe.
10 “‘Munofanira kubva matara muganhu wenyu wekumabvazuva kubvira kuHazari-enani kusvikira kuShefamu. 11 Muganhu wacho uchapfuurira uchibva kuShefamu uchienda kuRibra kumabvazuva kweAini, uye muganhu wacho uchadzika uchiyambuka materu ekumabvazuva eGungwa reKinereti.*+ 12 Muganhu wacho uchadzika kuJodhani, uchigumira kuGungwa reMunyu.+ Iyi ndiyo ichava nyika yenyu+ nemiganhu yayo yakaipoteredza.’”
13 Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza. 14 Nekuti dzinza revaRubheni maererano neimba yemadzibaba avo, nedzinza revaGadhi maererano neimba yemadzibaba avo, nehafu yedzinza raManase vakatowana nhaka yavo.+ 15 Madzinza maviri nehafu akatowana nhaka yawo kunharaunda iri mhiri kwaJodhani pedyo neJeriko, kumabvazuva.”+
16 Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 17 “Aya ndiwo mazita evarume vachakuisirai miganhu munyika yacho kuti mugare mairi: mupristi Eriyezari+ naJoshua+ mwanakomana waNuni. 18 Uye muchatora jinda rimwe chete padzinza rimwe nerimwe kuti vaganhure-ganhure nyika kuti ive nhaka yenyu.+ 19 Aya ndiwo mazita evarume vacho: wedzinza raJudha,+ Karebhi+ mwanakomana waJefune; 20 wedzinza revanakomana vaSimiyoni,+ Shemueri mwanakomana waAmihudhi; 21 wedzinza raBhenjamini,+ Eridhadhi mwanakomana waKisroni; 22 wedzinza revanakomana vaDhani,+ jinda rinonzi Bhuki mwanakomana waJogri; 23 vevanakomana vaJosefa,+ kubva kudzinza revanakomana vaManase,+ jinda rinonzi Hanieri mwanakomana waEfodhi; 24 kubva kudzinza revanakomana vaEfremu,+ jinda rinonzi Kemueri mwanakomana waShiftani; 25 wedzinza revanakomana vaZebhuroni,+ jinda rinonzi Erizafani mwanakomana waPanaki; 26 wedzinza revanakomana vaIsakari,+ jinda rinonzi Paritieri mwanakomana waAzani; 27 wedzinza revanakomana vaAsheri,+ jinda rinonzi Ahihudhi mwanakomana waSheromi; 28 wedzinza revanakomana vaNaftari,+ jinda rinonzi Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.” 29 Ava ndivo vakarayirwa naJehovha kuti vagovanise vaIsraeri nyika yeKenani.+