Dheuteronomi
27 Mozisi nevakuru vaIsraeri vakabva varayira vanhu vachiti: “Chengetai mirayiro yese yandiri kukupai nhasi. 2 Musi wamuchayambuka Jodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, mumise matombo makuru moadzurura.*+ 3 Munyore paari mashoko ese eMutemo uyu pamunenge mayambuka, kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera uchi nemukaka, sezvamakapikirwa naJehovha, Mwari wemadzitateguru enyu.+ 4 Kana mayambuka Jodhani, munofanira kumisa matombo aya paGomo reEbhari+ moadzurura,* sezvandiri kukurayirai nhasi. 5 Muvakirewo Jehovha Mwari wenyu atari ipapo, atari yematombo. Hamufaniri kushandisa midziyo yesimbi pamatombo acho.+ 6 Munofanira kuvaka atari yaJehovha Mwari wenyu nematombo asina kuvezwa, mopa Jehovha Mwari wenyu zvibayiro zvinopiswa pairi. 7 Mupe zvibayiro zverugare+ mozvidyira ipapo,+ uye muchafara muri pamberi paJehovha Mwari wenyu.+ 8 Uye munyore zvakajeka mashoko ese eMutemo uyu pamatombo acho.”+
9 Mozisi nevapristi vedzinza raRevhi, vakabva vataura nevaIsraeri vese vachiti: “Ramba wakanyarara, uteerere, iwe Israeri. Nhasi wava rudzi rwaJehovha Mwari wako.+ 10 Unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uchengete mitemo yake nemirau yake,+ yandiri kukurayira nhasi.”
11 Musi iwoyo Mozisi akarayira vanhu achiti: 12 “Aya ndiwo madzinza achamira paGomo reGerizimu+ kuti akomborere vanhu kana mayambuka Jodhani: Simiyoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa, naBhenjamini. 13 Uye ava ndivo vachamira paGomo reEbhari+ kuti vataure kutukwa kwacho: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuroni, Dhani, naNaftari. 14 Uye vaRevhi vachataura kuvaIsraeri vese nenzwi guru vachiti:+
15 “‘Ngaatukwe munhu anogadzira ovanza mufananidzo wakavezwa+ kana kuti mufananidzo wesimbi,+ chinhu chinosemesa Jehovha,+ basa remaoko emhizha.’* (Vanhu vese vachadavira vachiti, ‘Ameni!’*)
16 “‘Ngaatukwe munhu anozvidza baba vake kana amai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
17 “‘Ngaatukwe munhu anochinja pane zviratidzo zvemuganhu+ wemuvakidzani wake.’ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
18 “‘Ngaatukwe munhu anoita kuti bofu rirasike nzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
19 “‘Ngaatukwe munhu anotonga mhosva yemutorwa, nherera, kana kuti chirikadzi+ achitsaudzira.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
20 “‘Ngaatukwe munhu anorara nemudzimai wababa vake, nekuti azvidza baba vake.’*+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
21 “‘Ngaatukwe munhu anorara nemhuka chero ipi zvayo.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
22 “‘Ngaatukwe munhu anorara nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake kana mwanasikana waamai vake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
23 “‘Ngaatukwe munhu anorara naamai vemudzimai wake.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
24 “‘Ngaatukwe munhu anohwandira muvakidzani wake omuuraya.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
25 “‘Ngaatukwe munhu anobvuma chiokomuhomwe kuti auraye munhu asina* mhosva.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)
26 “‘Ngaatukwe munhu asingazoshandisi mashoko eMutemo uyu achiatevedzera.’+ (Vanhu vese vachati, ‘Ameni!’)