Isaya
62 Handizorambi ndakanyarara nekuda kweZiyoni,+
Uye handizorambi ndakangopeta maoko nekuda kweJerusarema
Kusvikira kururama kwaro kwapenya sechiedza chinobwinya+
Uye kuponeswa kwaro kwabvira semwenje.+
Uchashevedzwa nezita idzva,+
Rauchapiwa nemuromo waJehovha pachake.
Asi iwe uchanzi Iye Wandinofarira,+
Uye nyika yako ichanzi Uya Akaroorwa.
Nekuti Jehovha achakufarira,
Uye nyika yako ichaita semunhu akaroorwa.
5 Nekuti sezvinoita jaya rinoroora mhandara,
Vanakomana vako vachakuroora.
Sekufarira kunoita murume mudzimai waari kuroora,
Mwari wako achakufarira.+
6 Haiwa Jerusarema, ndaisa varindi pamusoro pemasvingo ako.
Ngavarege kunyarara siku nesikati.
Imi munotaura nezvaJehovha,
Musazorora,
7 Uye musamuzorodza kusvikira asimbisa Jerusarema,
Kusvikira aita kuti rive guta rinorumbidzwa panyika.”+
8 Jehovha apika achishandisa ruoko rwake rwerudyi, ruoko rwake rune simba achiti:
“Handizopizve vavengi vako zvirimwa zvako kuti zvive zvekudya zvavo,
Uyewo vekune imwe nyika havazonwi waini yako itsva yawakabudira ziya.+
9 Asi vaya vari kuzvikohwa ndivo vachazvidya uye vacharumbidza Jehovha;
Uye vaya vari kuunganidza mazambiringa ndivo vachanwa waini yacho muzvivanze zvangu zvitsvene.”+
10 Budai, budai nepamagedhi.
Gadzirirai vanhu nzira.+
Gadzirai, gadzirai mugwagwa mukuru.
Ubvisei matombo.+
Simudzirai marudzi chiratidzo.*+
11 Inzwai! Jehovha azivisa kumigumo yenyika achiti:
“Itii kumwanasikana weZiyoni,
‘Inzwa! Ruponeso rwako ruri kuuya.+
Inzwa! Mwari ane mubayiro waanawo,
Uye mubhadharo waanopa uri pamberi pake.’”+