Bhuku Rekutanga raSamueri
3 Panguva iyi, mukomana wacho Samueri akanga achishumira+ Jehovha pamberi paEri, asi shoko raibva kuna Jehovha rakanga risingachanyanyi kunzwika mazuva iwayo; kwakanga kusina zviratidzo+ zvakawanda.
2 Rimwe zuva Eri akanga akarara panzvimbo yake yemazuva ese, uye maziso ake akanga ava kudzima; akanga asisaoni.+ 3 Rambi raMwari+ rakanga risati radzimwa, uye Samueri akanga akarara mutemberi*+ yaJehovha, maiva neAreka yaMwari. 4 Jehovha akabva ashevedza Samueri. Iye akapindura achiti: “Ndiri pano.” 5 Akamhanyira kuna Eri akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.” Asi iye akati: “Handina kukushevedza. Dzokera unorara.” Saka akaenda akanorara. 6 Jehovha akashevedzazve achiti: “Samueri!” Samueri akabva amuka, akaenda kwaiva naEri, akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.” Asi iye akati: “Handina kukushevedza mwanakomana wangu. Dzokera unorara.” 7 (Samueri akanga asati ava kuziva Jehovha, uye akanga asati atanga kuziviswa shoko raJehovha.)+ 8 Jehovha akashevedzazve kechitatu achiti: “Samueri!” Iye akabva amuka, akaenda kwaiva naEri akati: “Ndauya nekuti mandishevedza.”
Eri akabva aziva kuti Jehovha ndiye akanga achishevedza mukomana wacho. 9 Saka Eri akati kuna Samueri: “Enda unorara, kana akakushevedza, unofanira kuti, ‘Taurai henyu Jehovha, nekuti muranda wenyu akateerera.’” Samueri akabva aenda akarara panzvimbo yake.
10 Jehovha akauya akamira ipapo, akashevedza sezvaakanga amboita achiti: “Samueri, Samueri!” Samueri akati: “Taurai henyu, nekuti muranda wenyu akateerera.” 11 Jehovha akati kuna Samueri: “Inzwa! Ndava kuita chimwe chinhu muIsraeri, chichaita kuti nzeve dzemunhu wese achachinzwa dziunge.+ 12 Pazuva iroro ndichaitira Eri zvese zvandakataura nezveimba yake, kubvira pane chekutanga kusvikira pane chekupedzisira.+ 13 Unofanira kumuudza kuti ndichaunza mutongo uchagara uripo paimba yake nemhaka yekukanganisa kwaanoziva,+ nekuti vanakomana vake vari kutuka Mwari,+ asi iye haasi kuvatsiura.+ 14 Ndokusaka ndakapika kuimba yaEri kuti kukanganisa kweimba yaEri hakuzomboyananiswi nezvibayiro kana nemipiro.”+
15 Samueri akaramba akarara kusvikira mangwanani; akabva avhura masuo eimba yaJehovha. Samueri aitya kuudza Eri zvaakanga aratidzwa. 16 Asi Eri akashevedza Samueri akati: “Samueri, mwanakomana wangu!” Iye akati: “Ndiri pano.” 17 Akamubvunza kuti: “Akuudzei? Ndapota, usandivanzira. Mwari ngaakurange zvinorwadza kwazvo kana ukandivanzira chimwe chinhu pane zvese zvaakuudza.” 18 Saka Samueri akamuudza zvese, uye haana kana chaakamuvanzira. Eri akabva ati: “NdiJehovha. Ngaaite zvaanoona kuti ndizvo zvakanaka.”
19 Samueri akaramba achikura, uye Jehovha aiva naye+ uye haana kurega chero shoko ripi zvaro raakataura richikundikana.* 20 VaIsraeri vese kubvira kuDhani kusvikira kuBheeri-shebha vakaziva kuti Samueri ndiye akanga agadzwa kuti ave muprofita waJehovha. 21 Jehovha akaramba achizviratidza muShiro, nekuti Jehovha akazviratidza kuna Samueri muShiro achishandisa shoko raJehovha.+