Ezekieri
30 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 2 “Mwanakomana wemunhu, profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha:
“Ridzai mhere muchiti, ‘Maiwee zuva riya riri kuuya!’
3 Nekuti zuva racho rava pedyo, chokwadi, zuva raJehovha rava pedyo.+
Richava zuva rine makore+ uye nguva yakasarudzirwa marudzi.+
4 Bakatwa richauya kuzorwisa Ijipiti, uye vaItiopiya vachatya kwazvo vanhu pavachati katakata vaurayiwa muIjipiti;
5 Itiopiya,+ Puti,+ Rudhi, nevanhu vese vekune dzimwe nyika,
NeKubhi, nevanakomana vemunyika yesungano,*
Vese vachaurayiwa nebakatwa.”’
6 Zvanzi naJehovha:
‘Vatsigiri veIjipiti vachawawo,
Uye simba rayo rinoita kuti izvikudze richapedzwa.’+
“‘Vachaurayiwa nebakatwa munyika yacho kubva kuMigdhori+ kusvika kuSiene,’+ ndizvo zvinotaurwa naChangamire Ishe Jehovha. 7 ‘Nharaunda dzavo dzichaitwa matongo ekupedzisira, uye maguta ayo achava matongo ekupedzisira.+ 8 Vachaziva kuti ndini Jehovha pandichabatidza moto muIjipiti, ndoparadza vese vakabatana nayo. 9 Zuva iroro ndichatuma nhume mungarava kuti dzidederese Itiopiya inozvikudza; vachabatwa nekutya pazuva riri kuuya paIjipiti, nekuti zuva racho richatouya chete.’
10 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichapedza gurumwandira revanhu veIjipiti ndichishandisa ruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi.+ 11 Iye nemauto ake, ivo vanhu vane utsinye kupfuura vamwe vese,+ vachaunzwa kuzoparadza nyika yacho. Vachavhomorera Ijipiti mapakatwa avo, vozadza nyika yacho nezvitunha.+ 12 Ndichaomesa migero yaNire+ uye ndichatengesa nyika yacho kuvanhu vakaipa. Ndichaparadza nyika yacho nezvese zviri mairi ndichishandisa maoko evanhu vekune imwe nyika.+ Ini Jehovha ndataura.’
13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndichaparadzawo zvidhori zvinosemesa* ndoparadza vanamwari vasina zvavanobatsira veNofi.*+ Munyika yeIjipiti hamuzovi nejinda, uye ndichaita kuti vanhu vemuIjipiti vatye.+ 14 Ndichaita kuti Patrosi+ ive dongo, ndobatidza moto muZoani, ndoita zvandakatongera No.*+ 15 Ndichadururira hasha dzangu paSini, iyo nhare* yeIjipiti, ndoparadza vanhu vemuNo. 16 Ndichabatidza moto muIjipiti; Sini ichabatwa nekutya, No ichapazwa uye Nofi icharwiswa masikati machena! 17 Majaya ekuOni* nePibheseti achaurayiwa nebakatwa, uye maguta acho achatapwa. 18 MuTehafinehesi muchava nerima pandichatyora majoko eIjipiti imomo.+ Simba rayo rayaizvikudza naro richapera.+ Ichavharwa nemakore uye maguta ayo madiki achatapwa.+ 19 Ndichaitira Ijipiti zvandakaitongera, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
20 Zvino mugore rechi11, mumwedzi wekutanga, pazuva rechi7 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti: 21 “Mwanakomana wemunhu, ndatyora ruoko rwaFarao mambo weIjipiti; haruzombosungwi kuti rupore kana kumonerwa jira kuti rusimbe zvekugona kubata bakatwa.”
22 “Saka zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: ‘Ndiri kurwisa Farao mambo weIjipiti,+ uye ndichatyora maoko ake ese, ruoko rune simba nerwakatyoka,+ uye ndichaita kuti bakatwa ridonhe muruoko rwake.+ 23 Ndichabva ndaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika.+ 24 Ndichasimbisa maoko amambo* weBhabhironi+ ndomupa bakatwa rangu.+ Ndichatyora maoko aFarao, uye achagomera kwazvo ari pamberi pake* semunhu ava kufa. 25 Ndichasimbisa maoko amambo weBhabhironi, asi maoko aFarao achati regwede; uye vachaziva kuti ndini Jehovha pandichapa mambo weBhabhironi bakatwa rangu, orishandisa kurwisa nyika yeIjipiti.+ 26 Ndichaparadzira vaIjipiti kune mamwe marudzi ndoita kuti vapararire nenyika,+ uye vachaziva kuti ndini Jehovha.’”