Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
138 Ndichakurumbidzai nemwoyo wangu wese.+
Ndichaimba ndichikurumbidzai
Ndiri pamberi pevamwe vanamwari.*
2 Ndichakotama ndakatarisa kutemberi* yenyu tsvene,+
Uye ndicharumbidza zita renyu+
Nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji uye kutendeka kwenyu.
Nekuti makakudza zvamakataura uye zita renyu kupfuura zvimwe zvinhu zvese.*
4 Madzimambo ese epanyika achakurumbidzai, haiwa Jehovha,+
Nekuti achange anzwa vimbiso dzamakataura.
6 Kunyange zvazvo Jehovha akakwirira, anocherechedza vanozvininipisa,+
Asi vanozvikudza anongovaziva vari kure.+
7 Kunyange ndikafamba ndichipinda nepane njodzi, muchandichengetedza ndiri mupenyu.+
Munotambanudza ruoko rwenyu muchidzivisa hasha dzevavengi vangu;
Ruoko rwenyu rwerudyi ruchandiponesa.
8 Jehovha achandiitira zvinhu zvese.