3 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,
Uye mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu,
2 Nekuti zvichakuwedzera mazuva akawanda
Nemakore eupenyu nerugare.+
3 Usarega rudo rusingachinji nekutendeka zvichikusiya.+
Zvisungirire muhuro mako;
Zvinyore pahwendefa remwoyo wako;+
4 Uchabva wawana nyasha uye uchanzi unonyatsonzwisisa
Pamberi paMwari nevanhu.+
5 Vimba naJehovha+ nemwoyo wako wese,
Urege kuvimba nekunzwisisa kwako.+
6 Funga nezvake munzira dzako dzese,+
Uye iye acharuramisa makwara ako.+
7 Usazviona sewakachenjera.+
Itya Jehovha ubve pane zvakaipa.
8 Izvi zvichaporesa muviri wako
Uye zvichasimbisa mapfupa ako.
9 Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha,+
Nezvibereko zvako zvekutanga pazvinhu zvako zvaunowana;+
10 Matura ako achabva anyatsozara,+
Uye munopinda waini yako yasvinwa muchafashukira newaini itsva.
11 Mwanakomana wangu, usaramba kurayira kwaJehovha,+
Uye usasema kutsiura kwake,+
12 Nekuti Jehovha anotsiura vaanoda,+
Sezvinoita baba kumwanakomana wavanofarira.+
13 Anofara munhu anowana uchenjeri+
Uye munhu anowana ungwaru;
14 Kuhuwana kuri nani pane kuwana sirivha,
Uye kuva nahwo kuri nani pane kuva negoridhe.+
15 Hunokosha kupfuura matombo ekorari;
Hapana chaunoshuva kuva nacho chingaenzaniswa nahwo.
16 Upenyu hurefu huri muruoko rwahwo rwerudyi;
Pfuma nekukudzwa zviri muruoko rwahwo rweruboshwe.
17 Nzira dzahwo dzinofadza,
Uye makwara ahwo ese ane rugare.+
18 Ihwo muti weupenyu kune vaya vanohubata,
Uye vaya vanoramba vakahubatisisa vachanzi vanofara.+
19 Jehovha akasika nyika neuchenjeri.+
Akamisa denga zvakasimba neungwaru.+
20 Neruzivo rwake mvura yakadzika yakakamurwa
Uye denga rine makore rakadonhedza dova.+
21 Mwanakomana wangu, usabvisa pfungwa dzako pazviri.
Chengetedza uchenjeri hunobatsira uye gara uchishandisa pfungwa;
22 Zvichakupa upenyu,
Zvova chishongo chemuhuro mako;
23 Uchabva wafamba panzira yako wakachengeteka,
Uye tsoka yako haizogumburwi.+
24 Paunorara, unenge usina chekutya;+
Ucharara, uye uchanakirwa nehope.+
25 Hauzotyi chero chinhu chinotyisa chinouya usingafungiri+
Kana dutu riri kuuya pane vakaipa.+
26 Nekuti uchakwanisa kunyatsovimba naJehovha;+
Achaita kuti tsoka yako isabatwa.+
27 Usarega kuitira zvakanaka vaya vanoda kubatsirwa+
Kana uchikwanisa kubatsira.+
28 Usati kumuvakidzani wako, “Chimboenda wozodzoka! Ndichakupa mangwana,”
Iwe uchigona kumupa iye zvino.
29 Usarongera muvakidzani wako zvakaipa+
Iye achigara newe achifunga kuti akachengeteka.
30 Usapopotedzana nemunhu pasina chikonzero,+
Kana pasina chakaipa chaakuitira.+
31 Usachiva munhu anoita zvemhirizhonga+
Kana kusarudza imwe yenzira dzake,
32 Nekuti Jehovha anosema munhu anonyengera,+
Asi ishamwari yepedyo yevakarurama.+
33 Kutuka kwaJehovha kuri paimba yemunhu akaipa,+
Asi anokomborera musha weakarurama.+
34 Nekuti anonyomba vaya vanotsvinya,+
Asi anofarira vanyoro.+
35 Vakachenjera vachawana nhaka yekukudzwa,
Asi mapenzi anorumbidza kusakudzwa.+