Bhuku Rechipiri raSamueri
22 Dhavhidhi akaudza Jehovha mashoko erwiyo urwu+ pazuva raakanunurwa naJehovha mumaoko evavengi vake vese+ nemuruoko rwaSauro.+ 2 Akati:
“Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare+ yangu uye ndiye anondinunura.+
3 Mwari wangu ndiye dombo rangu,+ wandinopotera kwaari,
Nhoo yangu+ nenyanga yangu yeruponeso, nzvimbo yangu yekupotera+
Uye ndiye nzvimbo yangu yekutizira,+ muponesi wangu;+ imi munondiponesa pandinorwiswa.
4 Ndinoshevedzera kuna Jehovha, uyo akakodzera kurumbidzwa,
Uye ndichaponeswa pavavengi vangu.
5 Mafungu erufu akandikomba kumativi ese;+
Mafashamo evarume vasingabatsiri akandityisa.+
6 Tambo dzeGuva dzakandikomba;+
Rufu rwakateya misungo pamberi pangu.+
7 Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika,+
Ndakaramba ndichishevedzera kuna Mwari wangu.
Akabva anzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,
Uye kuchemera kwangu kubatsirwa kwakasvika munzeve dzake.+
8 Nyika yakatanga kuzunguzika uye kudengenyeka, ichienda mberi neshure;+
Nheyo dzedenga dzakazununguka,+
Uye dzakazunguzikira mberi neshure nekuti iye akanga atsamwiswa.+
9 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake,
Uye moto unoparadza wakabuda mumuromo make;+
Mazimbe emoto akatsvuka aibva paari.
10 Paaiburuka, akakotamisa denga,+
Uye pasi petsoka dzake paiva nerima gobvu.+
11 Akatasva kerubhi+ ndokuuya achibhururuka.
Aioneka ari pamapapiro emweya.+
12 Akabva aita kuti rima rimupoteredze setende,+
Mumakore matema akazara nemvura.
13 Pachiedza chaiva pamberi pake pakatsvuka mazimbe aiva nemoto.
14 Jehovha akabva atanga kutinhira ari kudenga;+
Wekumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike.+
15 Akapfura miseve yake+ akaita kuti vapararire;
Akatuma mheni, akaita kuti vavhiringidzike.+
16 Pasi pegungwa pakaoneka;+
Nheyo dzenyika dzakaiswa pachena nekutuka kwaJehovha,
Nemhepo ine simba yakabuda mumhino dzake.+
17 Akadzikisa ruoko rwake ari kumusoro;
Akandibata, akandibudisa mumvura yakadzika.+
18 Akandinunura pamuvengi wangu ane simba,+
Pavanhu vaindivenga, vaiva nesimba kundipfuura.
19 Vakandivinga pazuva randaiva mudambudziko,+
Asi Jehovha akanditsigira.
20 Akandibudisa, akandiisa munzvimbo isina njodzi;+
Akandinunura nekuti aindifarira.+
21 Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nekururama kwangu;+
Anondipa mubayiro unoenderana nekuchena kwemaoko angu.+
22 Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,
Uye handina kuita zvakaipa ndichisiya Mwari wangu.
23 Mitongo+ yake yese iri pamberi pangu;
Handizotsauki pamirau yake.+
24 Ndicharamba ndisina mhosva+ pamberi pake,
Uye ndichangwarira kuti ndisakanganisa.+
25 Jehovha ngaandipe mubayiro unoenderana nekururama kwangu,+
Maererano nekuchena kwangu pamberi pake.+
26 Makavimbika kumunhu akavimbika;+
Kumunhu asina mhosva munoratidza kuti hamuna mhosva;+
27 Kune vakachena munoratidza kuti makachena,+
Asi kune vasina kururama munoratidza kuti makachenjera.+
28 Nekuti munoponesa vanozvininipisa,+
Asi maziso enyu haafariri vanozvikudza, uye munovaderedza.+
29 Nekuti muri rambi rangu, haiwa Jehovha;+
Jehovha ndiye anondivhenekera pandinenge ndiri murima.+
30 Ndichibatsirwa nemi, ndinogona kumhanya ndichinorwisa boka revapambi;
Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo.+
31 Nzira yaMwari wechokwadi yakakwana;+
Shoko raJehovha rakachena.+
Iye inhoo kune vese vanopotera kwaari.+
32 Nekuti ndiani mumwe Mwari kunze kwaJehovha?+
Nderipi rimwe dombo kunze kwaMwari wedu?+
33 Mwari wechokwadi ndiye nhare yangu yakasimba,+
Uye achaita kuti nzira yangu ive muchechetere.+
34 Anoita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo;
Anoita kuti ndimire panzvimbo dzakakwirira.+
35 Anodzidzisa maoko angu hondo;
Maoko angu anogona kukombamisa uta hwemhangura.
36 Munondipa nhoo yenyu yeruponeso,
Uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.+
37 Munoita kuti nzira yandinofamba ive yakafara;
Tsoka dzangu hadzizotsvedzi.+
38 Ndichadzingirira vavengi vangu ndovaparadza;
Handizodzoki kusvikira vatsvairwa vese.
39 Ndichavatsvaira vese uye ndichavapwanya, kuti varege kusimuka;+
Vachawira pasi ndovatsika.
40 Muchandipa simba rekurwa hondo;+
Muchaita kuti vavengi vangu vadonhe pamberi pangu.+
41 Muchaita kuti vavengi vangu vanditize;+
Ndichaparadza vaya vanondivenga.+
42 Vanochemera kubatsirwa, asi hapana anovaponesa;
Vanotochema kuna Jehovha, asi haavapinduri.+
43 Ndichavakuya-kuya votsetseka seguruva renyika;
Ndichavakuya ndovatsika-tsika sematope emumigwagwa.
44 Muchandinunura pakutsvagirwa mhosva nevanhu vangu.+
Muchandichengetedza kuti ndive mutungamiriri wemarudzi;+
Vanhu vandanga ndisingazivi vachandishandira.+
45 Vanhu vekune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera;+
Zvavanonzwa pamusoro pangu zvichaita kuti vanditeerere.
46 Vanhu vekune dzimwe nyika vachatya;
Vachauya vachibvunda vachibva munhare dzavo.
47 Jehovha mupenyu! Dombo rangu ngarirumbidzwe!+
Mwari weruponeso rwangu ngaakudzwe.+
48 Mwari wechokwadi anotsiva vavengi vangu;+
Anoisa marudzi pasi pangu;+
49 Anondinunura pavavengi vangu.
Munondisimudza+ mondiisa pamusoro pevaya vanondirwisa;
Munondinunura pamunhu anoita zvemhirizhonga.+
50 Ndokusaka ndichakutendai ndiri pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,+
Uye ndichaimba ndichirumbidza zita renyu:+
51 Iye anoitira mambo wake mabasa makuru eruponeso;+
Anoratidza rudo rusingachinji kumuzodziwa wake,
Kuna Dhavhidhi nekuvana vake nekusingaperi.”+