Rwiyo rwaAsafi.+
82 Mwari akamira panzvimbo yake muungano yake;+
Anotonga ari pakati pavanamwari achiti:+
2 “Kusvikira riiniko muchitonga zvisina kururama+
Uye muchiitira vanhu vakaipa tsvete?+ (Sera)
3 Ivai vatongi vevanhu vakaderera nenherera.+
Tongai zvakarurama vaya vasina mubatsiri uye vanoshayiwa.+
4 Nunurai akaderera nemurombo;
Vaponesei muruoko rweakaipa.”
5 Havazivi, uye havanzwisisi;+
Vari kufamba-famba murima;
Nheyo dzese dzenyika dziri kuzununguswa.+
6 “Ini ndakati, ‘Muri vanamwari,+
Mese muri vanakomana veWekumusorosoro.
7 Asi muchafa sezvinongoita vanhu;+
Uye muchawa sezvinoita mamwe machinda ese!’”+
8 Simukai, haiwa Mwari, mutonge nyika,+
Nekuti marudzi ese ndeenyu.