Bhuku Rechipiri reMakoronike
16 Mugore rechi36 rekutonga kwaAsa, Mambo Bhaasha+ weIsraeri akaenda kunorwisa Judha, akatanga kuvaka* Rama+ kuti pasava nemunhu aibuda kana kupinda munyika yaMambo Asa weJudha.+ 2 Asa akabva atora sirivha negoridhe kubva maichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha+ nepfuma yeimba yamambo,* akazvitumira kuna Mambo Bheni-hadhadhi weSiriya,+ uyo aigara muDhamasiko, achiti: 3 “Pane chibvumirano* pakati pangu newe uye pakati pababa vangu nababa vako. Ndiri kukutumira sirivha negoridhe. Saka putsa chibvumirano chako* naBhaasha mambo weIsraeri, kuti abve kwandiri.”
4 Bheni-hadhadhi akateerera Mambo Asa, akatuma vakuru vemauto ake kunorwisa maguta eIsraeri, uye vakakunda Ijoni,+ Dhani,+ Abheri-maimu nenzvimbo dzese dzekuchengetera zvinhu dzemaguta aNaftari.+ 5 Bhaasha paakazvinzwa, akabva angomira kuvaka* Rama, akasiya basa raaiita paguta racho. 6 Mambo Asa akabva atora vaJudha vese, uye vakatakura matombo nematanda zveRama+ zvakanga zvichivakiswa naBhaasha,+ achibva azvishandisa kuvaka* Gebha+ neMizpa.+
7 Panguva iyoyo muoni Hananai+ akaenda kuna Mambo Asa weJudha akati kwaari: “Zvawakavimba namambo* weSiriya, ukarega kuvimba naJehovha* Mwari wako, uto ramambo weSiriya rapukunyuka muruoko rwako.+ 8 VaItiopiya nevaRibhiya vakanga vasiri here uto guru chaizvo rine ngoro dzakawanda nevatasvi vemabhiza? Asi Jehovha akavaisa muruoko rwako+ nekuti wakavimba naye. 9 Nekuti maziso aJehovha ari kutarisa-tarisa pasi pese+ kuti aratidze simba rake achibatsira vaya vane mwoyo wakaperera* kwaari.+ Waita zveupenzi panyaya iyi; kubvira zvino uchagara uchirwiswa.”+
10 Zvisinei, Asa akagumbukira muoni wacho, akamuisa mujeri* nekuti akanga amutsamwira zvikuru nemhaka yeizvi. Asa akatanga kuitira vamwe vanhu utsinye panguva iyoyo. 11 Nhoroondo yaAsa, kubva kwainotangira kusvika kwainoperera, yakanyorwa muBhuku reMadzimambo eJudha neeIsraeri.+
12 Mugore rechi39 rekutonga kwake, Asa akava nechirwere mutsoka kusvikira ava kurwara zvakanyanya; asi kunyange mukurwara kwake haana kuenda kuna Jehovha asi akaenda kuvarapi. 13 Asa akazoradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake.+ Akafa mugore rechi41 rekutonga kwake. 14 Saka vakamuviga muguva guru raakanga azvicherera muGuta raDhavhidhi,+ uye vakamuradzika pahwanyanza* yakanga izere nemafuta ebharisamu nemafuta akagadzirwa nemusanganiswa wezvinhu zvakasiyana-siyana.+ Vakamupisirawo moto wakakura chaizvo wekumukudza.*