Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Njiva Yakanyarara Iri Kure.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Paakabatwa nevaFiristiya kuGati.+
56 Ndinzwireiwo nyasha, Mwari, nekuti ndiri kurwiswa nevanhu.
Vanoswera vachindirwisa uye vachindidzvinyirira.
2 Vavengi vangu vanoramba vachindibvambura zuva rese;
Vakawanda vanondirwisa vachizvikudza.
3 Pandinenge ndichitya,+ ndinovimba nemi.+
4 Ndinovimba naMwari, uyo ane shoko randinorumbidza;
Ndinovimba naMwari; handityi.
Munhu wenyama angandiitei?+
7 Varambei nemhaka yeuipi hwavo.
Wisirai marudzi pasi makatsamwa, haiwa Mwari.+
8 Munocherechedza kudzungaira kwandinoita.+
Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.*+
Handiti yakanyorwa mubhuku renyu?+
9 Vavengi vangu vachadzokera shure musi wandinoshevedzera ndichida kubatsirwa.+
Ichi ndicho chivimbo chandiinacho: Mwari ari kurutivi rwangu.+
10 Ndinovimba naMwari, uyo ane shoko randinorumbidza;
Ndinovimba naJehovha, uyo ane shoko randinorumbidza;
Munhu wenyama angandiitei?+