Isaya
34 Swederai pedyo munzwe, imi marudzi,
Uye teererai, imi marudzi.
Nyika nezvese zviri mairi ngazviteerere,
Nyika nezvibereko zvayo zvese.
Achaaparadza;
Achaita kuti aurayiwe.+
3 Vanhu vawo vakaurayiwa vachakandwa kunze,
Uye kunhuhwa kwezvitunha zvavo kuchakwira;+
Makomo achanyunguduka neropa ravo.+
Uto rawo rese richasvava rodonha,
Seshizha rasvava rinodonha kubva pamuzambiringa
Uye seonde raputana rinodonha kubva pamuonde.
5 “Nekuti bakatwa rangu richaguta kudenga.+
Richaburuka kuzotonga Edhomu,+
Ivo vanhu vandakati ndichavaparadza.
6 Jehovha ane bakatwa uye richazara neropa.
Nekuti Jehovha ane chibayiro kuBhozra,
Mhuka dzakawanda dzichaurayiwa munyika yeEdhomu.+
7 Nzombe dzemusango dzichadzikawo pamwe chete nadzo,
Nzombe diki pamwe chete nedzine simba.
Nyika yavo ichaguta neropa,
Uye guruva ravo richazara nemafuta.”
9 Hova dzayo* dzichachinjwa kuva namo,
Uye guruva rayo kuva sarufa,
Uye ivhu rayo richava senamo iri kubvira.
10 Haizodzimwi usiku kana masikati;
Utsi hwayo hucharamba huchikwira nekusingaperi.
Ichagara yakaparara kwezvizvarwa nezvizvarwa;
Hapana munhu achapfuura nemairi nariini nariini.+
11 Dhadha remuromo murefu nenungu zvichagara imomo,
Uye mazizi ane nzeve refu nemakunguo zvichagara imomo.
Achaiyera netambo kuti aratidze kuti ichasara isina chinhu
Achaiyera netambo inoshandiswa kururamisa mudhuri pakuvaka* kuti aratidze kuti ichava dongo.
12 Hapana vakuru vakuru vayo vachashevedzwa kuti vave paumambo,
Uye machinda ayo ese achasara asisiri chinhu.
13 Minzwa ichamera mushongwe dzayo dzakasimba,
Tumakwenzi tunobaya neutumbambeva* zvichamera munhare* dzayo.
14 Mhuka dzemugwenga dzichasangana nemhuka dzinoungudza,
Uye mbudzi yemusango ichashevedza imwe yayo.*
Chokwadi dahwa richagara imomo rowana nzvimbo yekuzororera.
15 Nyoka inoita semuseve ichagadzira musha wayo imomo, yokandira mazai,
Uye ichachochonya, younganidza vana vayo pasi pemumvuri wayo.
Shiri dzinonzi ngavi dzichaungana imomo, imwe neimwe iine sheche yayo.
16 Tsvagai mubhuku raJehovha muriverenge zvinonzwika:
Hapana kana chimwe chete chazvo chichashayikwa;
Hapana chichange chisina hadzi yacho,
Nekuti muromo waJehovha ndiwo wapa murayiro wacho,
Uye mweya wake ndiwo wazviunganidza.
Icharamba iri yazvo;
Zvichagara mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa.