Jobho
31 “Ndakaita sungano nemaziso angu.+
Saka ndingatarisa sei mhandara ndichiichiva?+
2 Kana ndikadaro ndingawana mugove wei kuna Mwari ari kumusoro,
Uye ndingawana nhaka yei kune Wemasimbaose ari kumusoro?
3 Dambudziko harina kumirira mutadzi here?
Uye nhamo haina kumirira vaya vanoita zvakaipa here?+
5 Ndakambofamba ndichireva nhema* here?
Tsoka yangu yakambomhanyira kunonyengera here?+
7 Kana nhanho dzangu dzikatsauka munzira+
Kana kuti mwoyo wangu ukatevera maziso angu+
Kana kuti maoko angu akasvibiswa,
8 Regai ndidyare mbeu mumwe munhu odya,+
Uye zvandinenge ndadyara ngazvidzurwe.*
9 Kana ndakatorwa mwoyo nemumwe mukadzi,+
Ndikaramba ndakahwandira+ pasuo remuvakidzani wangu,
10 Mudzimai wangu ngaakuyire mumwe murume,
11 Nekuti ndikadaro ndinenge ndaita zvinonyadzisa,
Uye chitadzo chakadaro chingada kuti ndirangwe nevatongi.+
13 Kana ndairamba kuteerera murandarume kana murandakadzi wangu
Kana paine zvaari kunyunyuta pamusoro pangu,*
Ndingamupindura kuti chii kana akaita kuti ndizvidavirire?+
15 Iye akandiita muchibereko haasi iye akavaitawo here?+
Haasi iye mumwe chete akatiumba tisati tazvarwa* here?+
16 Kana ndainyima varombo zvavaida+
Kana kuti ndaiita kuti chirikadzi isuwe;*+
17 Kana ndaidya ndega mugove wangu wezvekudya
Ndichinyima nherera;+
18 (Nekuti kubvira ndichiri mudiki nherera yakakura neni sekunge kuti ndini ndaiva baba vayo,
Uye ndaitungamirira chirikadzi kubvira ndichiri mudiki.*)
19 Kana ndaiona mumwe munhu achiparara nekushaya chekupfeka
Kana kuti murombo asina chekufuka;+
Paaidziyirwa nemvere dzemakwai angu;
21 Kana ndaisimudzira nherera chibhakera+
Payaida rubatsiro rwangu pamagedhi eguta;*+
22 Ruoko rwangu ngarudonhe* kubva pabendekete rangu,
Uye ruoko rwangu ngarutyoke nepagokora.*
23 Nekuti ndaitya njodzi inobva kuna Mwari,
Uye ndaisakwanisa kumira pamberi pekukudzwa kwake.
25 Kana ndaifarira kuwanda kwepfuma yangu+
Nekuti ndakanga ndawana zvinhu zvizhinji;+
26 Kana ndaiona zuva richipenya*
Kana kuti mwedzi uchifamba nerunako rwawo;+
27 Uye kana mwoyo wangu wakanyengerwa pachivande,
Ndikatsvoda ruoko rwangu ndichizvinamata;+
28 Ikoko kungava kukanganisa kunoda kuti ndirangwe nevatongi,
Nekuti ndinenge ndaramba Mwari wechokwadi ari kumusoro.
31 Vanhu vemutende rangu havana here kuti,
‘Ndiani wamunoziva asina kumbodya zvekudya zvake akaguta?’+
33 Ndakamboedza kufukidza kudarika kwangu sezvinoita vamwe varume here,+
Ndichivanza kukanganisa kwangu muhomwe yehembe yangu?
34 Ndakambotya kuti ruzhinji ruchaita sei here,
Kana kutya kuti ndinozoshorwa nedzimwe mhuri,
Ndichiramba ndakanyarara, uye ndichitya kubuda panze?
35 Dai mumwe munhu ainditeerera!+
Ndainyora zita rangu pamashoko andataura.
Wemasimbaose ngaandipindure!+
Dai mupomeri wangu anyora gwaro rezvaari kundipomera!
36 Ndairitakura papfudzi rangu,
Ndorisungirira mumusoro mangu sekorona.
37 Ndaimuudza zvese zvandainge ndaita;
Ndaiuya kwaari nechivimbo, sejinda.
38 Kana munda wangu wakandichemera
Uye miforo yawo yakachema pamwe chete;
39 Kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingabhadhari,+
Kana kuti ndakaita kuti vaiva varidzi vawo vasare vasina tariro;+
40 Minzwa ngaimere panzvimbo pegorosi
Uye sora rinonhuhwa ngarimere panzvimbo pebhari.”
Mashoko aJobho anoperera pano.