Mapisarema
2 Ndichati kuna Jehovha: “Ndimi nzvimbo yangu yekupotera nenhare yangu,+
Mwari wangu wandinovimba naye.”+
3 Nekuti achakununura pachiteyeso chemubati weshiri,
Padenda rinoparadza.
Kutendeka kwake+ kuchava nhoo huru+ uye rusvingo runodzivirira.
5 Hauzotyi zvinhu zvinotyisa usiku,+
Kana museve unobhururuka masikati,+
6 Kana denda rinonyangira murima,
Kana kuparadza kunouya masikati.
7 Vane chiuru vachawa kurutivi rwako
Uye vane zviuru gumi vachawa kuruoko rwako rwerudyi,
Asi hapana zvichaitika kwauri.+
9 Nekuti wakati: “Jehovha ndiye nzvimbo yangu yekupotera,”
Wakaita kuti Wekumusorosoro ave nzvimbo yako yekugara;*+
10 Hapana dambudziko richakuwira,+
Uye hapana kana denda richasvika pedyo netende rako.
14 Mwari akati: “Nekuti anondida,* ndichamununura.+
Ndichamudzivirira nekuti anoziva* zita rangu.+
15 Achandishevedza, uye ndichamupindura.+
Ndichava naye pakutambudzika.+
Ndichamununura ndomukudza.