Zvirevo
1 Zvirevo zvaSoromoni,+ mwanakomana waDhavhidhi,+ mambo weIsraeri:+
2 Zvekudzidza* uchenjeri+ uye kurayirwa;
Zvekunzwisisa mashoko euchenjeri;
3 Zvinorayira munhu kuti awane njere,+
Kururama,+ akwanise kunzwisisa nyaya,+ uye ave akatendeka;
4 Kuti zvipe ungwaru+ kune vasina ruzivo;
Zviite kuti jaya rive neruzivo uye rikwanise kunyatsofunga.+
5 Munhu akachenjera anoteerera uye anoramba achidzidza;+
Munhu anonzwisisa anowana mazano euchenjeri+
6 Kuti anzwisise zvirevo nemadimikira,*
Mashoko evakachenjera nezvirahwe zvavo.+
7 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweruzivo.+
Mapenzi chete ndiwo anozvidza uchenjeri uye kurayirwa.*+
10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vakaedza kukufurira, usabvuma.+
11 Kana vakati: “Handei tese.
Ngatihwandirei kuti tideure ropa.
Tichahwanda takamirira vanhu vasina mhosva.
13 Ngatitorei pfuma yavo yese inokosha;
Tichazadza dzimba dzedu nezvatinenge tapamba.
15 Mwanakomana wangu, usavatevera.
Usaita kuti tsoka dzako dzipinde munzira yavo,+
16 Nekuti tsoka dzavo dzinomhanyira kunoita zvakaipa;
Dzinomhanyira kunodeura ropa.+
17 Zvechokwadi kupedza nguva kuteya mambure shiri dzichiona.
20 Uchenjeri hwechokwadi+ hunoshevedzera huri mumugwagwa.+
Hunoramba huchikwidza inzwi huri mumisika.+
21 Hunoshevedzera huri pakona pemigwagwa yakazara vanhu.
Hunotaura huri pamagedhi eguta huchiti:+
22 “Kusvikira riini imi vasina ruzivo muchiramba ruzivo?
Kusvikira riini imi vaseki muchingofadzwa nekuseka?
Uye kusvikira riini imi mapenzi muchingovenga ruzivo?+
23 Teererai* pandinokutsiurai.+
Ndichabva ndakudururirai mweya wangu;
Ndichaita kuti muzive mashoko angu.+
25 Makaramba muchisiya mazano angu ese
Uye muchiramba kutsiurwa neni,
26 Ini ndichasekawo pamuchawirwa nenjodzi;
Ndichakunyombai pachasvika zvamunotya,+
27 Pachasvika zvamunotya sekusvika kunoita dutu,
Uye njodzi yenyu paichasvika sechamupupuri,
Pamunosvikirwa nenhamo nematambudziko.
28 Panguva iyoyo vacharamba vachindishevedza, asi handizopinduri;
Vachanditsvaga nemaziso matsvuku, asi havazondiwani,+
Uye havana kusarudza kutya Jehovha.+
30 Vakaramba zano rangu;
Havana kundiremekedza pese pandaivatsiura.
32 Nekuti kutsauka kwevasina ruzivo kuchavauraya,
Uye kushayiwa hanya kwemapenzi kuchaaparadza.