Zvirevo
1 Zvirevo+ zvaSoromoni+ mwanakomana waDhavhidhi,+ mambo waIsraeri,+ 2 zvokuti munhu azive uchenjeri+ uye kurangwa,+ azive mashoko okunzwisisa,+ 3 kuti agamuchire kuranga+ kunopa njere,+ kururama+ nokururamisira+ nokutendeka,+ 4 kuti zvipe vasina zivo njere,+ zvipe jaya zivo+ nemano okufunga.+
5 Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo,+ uye munhu anonzwisisa ndiye anowana kutungamirira kwounyanzvi,+ 6 kuti anzwisise zvirevo nemadimikira,+ mashoko evanhu vakachenjera+ nezvirahwe+ zvavo.
7 Kutya Jehovha ndiko kutanga kwezivo.+ Uchenjeri uye kurangwa ndizvo zvinozvidzwa nemapenzi.+
8 Mwanakomana wangu, teerera kuranga kwababa+ vako, uye usasiya mutemo waamai+ vako. 9 Nokuti izvo chishongo chakanaka chomumusoro mako chakaita sehata+ nechishongo chomuhuro chakanaka kwazvo mumutsipa mako.+
10 Mwanakomana wangu, kana vatadzi vakaedza kukunyengedza, usabvuma.+ 11 Kana vakaramba vachiti: “Handei tose. Ngativandirei kuti titeure ropa.+ Ngativandirei vanhu vasina mhosva pasina chikonzero.+ 12 Ngativamedzei vari vapenyu+ sezvinoita Sheori,+ vari zvavari, sezvinoita vaya vanoburukira mugomba.+ 13 Ngatitsvakei zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose.+ Ngatizadzei dzimba dzedu nezvakapambwa.+ 14 Unofanira kukanda mujenya wako patinokanda wedu kuti ubatane nesu. Tose zvedu ngativei nehomwe imwe chete”+— 15 mwanakomana wangu, usafamba navo munzira imwe chete.+ Dzora tsoka dzako mumugwagwa wavo.+ 16 Nokuti tsoka dzavo ndedziya dzinomhanyira zvakaipa,+ uye vanoramba vachichimbidza kunoteura ropa.+ 17 Nokuti hazvibatsiri kuteya mambure shiri dzichizviona.+ 18 Naizvozvo vanovandira kuti vateure ropa radzo;+ vanovandira kuti vauraye mweya yadzo.+ 19 Ndizvo zvakaita makwara evanhu vose vanowana mubereko usina kururama.+ Iwo unouraya mweya wevaridzi vawo.+
20 Uchenjeri+ hwechokwadi hunoramba huchishevedzera huri mumugwagwa.+ Hunoramba huchishevedzera huri munzvimbo dzinoungana vanhu.+ 21 Hunoshevedzera huri kumusoro kunoperera migwagwa ine ruzha.+ Hunotaura mashoko ahwo huri pamasuo emagedhi okupinda muguta huchiti:+
22 “Imi vasingazivi mucharamba muchida kusaziva kusvikira riniko,+ nemi vaseki mucharamba muchida kuseka kwazvo kusvikira riniko,+ uye imi mapenzi mucharamba muchivenga zivo kusvikira riniko?+ 23 Dzokai kana ndakutsiurai.+ Ndichabva ndaita kuti simba rangu rouchenjeri ribude kwamuri;+ ndichaita kuti muzive mashoko angu.+ 24 Nokuti ndaishevedzera asi maingoramba,+ ndaitambanudza ruoko rwangu asi hapana aiva nehanya nazvo,+ 25 munoramba musina hanya nemazano angu ose,+ uye hamuna kugamuchira kutsiura kwangu,+ 26 iniwo ndichakusekai kana mava munjodzi yenyu,+ ndichakunyombai pachasvika zvamunotya,+ 27 pachasvika zvamunotya sezvinoita dutu, panosvika njodzi yenyu pano sezvinoita dutu,+ pamunosvikirwa nokutambudzika nenguva dzakaoma.+ 28 Panguva iyoyo vacharamba vachindishevedza, asi handizopinduri;+ vacharamba vachinditsvaka, asi havazondiwani,+ 29 nokuti vakavenga zivo,+ havana kusarudza kutya Jehovha.+ 30 Havana kubvuma zano rangu;+ havana kuremekedza kutsiura kwangu kwose.+ 31 Naizvozvo vachadya zvibereko zvenzira yavo,+ uye vachagutswa nemazano avo.+ 32 Nokuti kutsauka+ kwevasina zivo ndiko kuchavauraya,+ uye kushayiwa hanya kwemapenzi ndiko kuchaaparadza.+ 33 Munhu anonditeerera achagara akachengeteka,+ asinganetseki nokutya dambudziko.”+