Isaya
31 Vane nhamo vaya vanodzika kuIjipiti kuti vanobatsirwa,+
Vanovimba nemabhiza,+
Vanovimba nengoro dzehondo nekuti izhinji,
Uye nemabhiza ehondo nekuti ane* simba.
Asi havatarisi kuMutsvene waIsraeri,
Uye havatsvagi Jehovha.
2 Asi iye akachenjerawo uye achaunza dambudziko,
Uye haazochinji zvaataura.
Acharwisa imba yevanoita zvakaipa
Uye vaya vanobatsira vanoita zvisina kururama.+
Jehovha paachatambanudza ruoko rwake,
Wese anopa rubatsiro achagumburwa
Uye wese anobatsirwa achawa;
Vese vachaparara panguva imwe chete.
4 Nekuti Jehovha ati kwandiri:
“Sekuhon’a kunoita shumba, shumba ine simba,* ichihon’era mhuka yayabata,
Panoshevedzwa boka rese revafudzi kuti vazoirwisa,
Iyo isingatyi inzwi ravo
Kana kutyiswa nemheremhere yavo,
Saizvozvowo Jehovha wemauto achaburuka
Kuzorwira Gomo reZiyoni nechikomo charo.
5 Seshiri dziri kuyangarara mudenga, Jehovha wemauto achadzivirirawo Jerusarema.+
Acharidzivirira, oriponesa.
Acharichengetedza, orinunura.”
6 “Dzokerai kuna iye wamakapandukira musina kana nyadzi, haiwa imi vanhu veIsraeri.+ 7 Nekuti zuva iroro mumwe nemumwe acharamba vanamwari vake vesirivha vasina zvavanobatsira navanamwari vake vegoridhe vasina maturo, vakagadzirwa nemaoko enyu muchiita chivi.
Achatiza bakatwa,
Uye majaya ake achaitiswa basa rekumanikidzwa.