149 Rumbidzai Jah!
Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;+
Murumbidzei muungano yevanhu vakavimbika.+
2 Israeri ngaafarire Muiti wake Mukuru;+
Vanakomana veZiyoni ngavafarire Mambo wavo.
3 Ngavarumbidze zita rake vachitamba,+
Vachiimba vachimurumbidza, vaine tambureni nerudimbwa.+
4 Nekuti Jehovha anofarira vanhu vake.+
Anoshongedza vanyoro neruponeso.+
5 Vakavimbika ngavafarire kwazvo kukudzwa kwavo;
Ngavashevedzere vachifara vari pamibhedha yavo.+
6 Nziyo dzinorumbidza Mwari ngadzive pahuro dzavo,
Uye mapakatwa anocheka nekwese ngaave mumaoko avo,
7 Kuti vatsive marudzi
Uye varange marudzi,
8 Kuti vasunge madzimambo avo necheni
Uye vakuru vakuru vavo nezvisungo zvemumakumbo zvesimbi,
9 Kuti vavape mutongo wakanyorwa nezvavo wavakatongerwa.+
Kukudzwa uku ndekwevanhu vake vese vakavimbika.
Rumbidzai Jah!