Sarudza Upenyu Munyika Itsva Iyoyo
SEZVIRI pachena, Mwari akanga ane donzo mukusika urwu rutivi rwechienzi ruduku rwechisiko. Uye akasarudza vanhu kuti vave norutivi runokosha mariri. (Isaya 45:18) Mugariro wakashata uyo pasi redu rakapinda mauri hauunzi rukudzo kuna Mwari. Asi unodavira zvomenemene here kuti achabvumira uyu mugariro kupfuurira? Zvirokwazvo kwete!
Kushuva kwomunhu nyika itsva kuri chaizvoizvo mukudavidza kukushuviwa kwechimwe chinhu rudzi rwomunhu rwakambova nacho. Iyoyo yakanga iri paradhiso yapasi chaiyoiyo, yaioneka. Vaviri vokutanga vohunhu vakaiswa mumusha wakadaro, uye rakanga riri donzo rapakuvamba roMusiki kuti rudzi rwomunhu rufarikanye Paradhiso iyoyo pasi pano nokusingaperi.—Genesi 1:28.
Jehovha Mwari zvino ari kukupa banza nokuda kwoupenyu munyika yake itsva, umo achakomborera vanhu vakatendeka nezvishuvo zvemwoyo yavo. (Pisarema 10:17; 27:4) Uchasarudza kurarama imomo here?
Une Chisarudzo
VaIsraeri vakanzwa mashoko okuoneka aMosesi vakanga vane chisarudzo chakafanana chokuita. Vaifanira kusarudza kutonga kwaMwari kana kuti uko kwamarudzi enguva iyoyo. Heino pangiro yaMosesi: “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu, . . . naizvozvo tsaura upenyu, kuti urarame, iwe navana vako; kuti ude Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.” (Dheuteronomio 30:19, 20) Hungu, chisarudzo chako inhauwo youpenyu norufu.
Ichi ndicho chikonzero nei idzi nyaya pamusoro penyika itsva yaMwari dzichibudiswa—kuti dzibate mwoyo wako kuti ugohusarudza panzvimbo pokuisa tariro yako muzvipikirwa zvisina maturo zvavanhu zvokusika nyika itsva. Kune zvinhu zvakawanda zvinoshamisa zvaunofanira kudzidza pamusoro penyika itsva yaMwari.
Somuenzaniso, ufakazii huripo hwokuti iyi nyika itsva yava pedyo? Ichatsiva sei hurumende dzose dzapasi? Ndizvinoitikai zvichatungamirira kuna ikoku? Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti izvo Bhaibheri rinopikira zvichaitika?
Mhinduro dzeiyi mibvunzo nemimwe yakawanda dzinowanika. Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukuratidza ndima mukopi yako yeBhaibheri dzinorondedzera kwete bedzi zvikomborero zvenyika itsva yaMwari asiwo dzinoratidzira kuti hurumende yaMwari inovamba kutonga kwayo sei uye rini chaizvo uye pakupedzisira ichifutunura kutonga ikoko kuti kudzore pasi rose.
Unokurudzirwa kupindura sezvakaita vaBherea vomuzana rokutanga ramakore avo vakateerera muapostora Pauro. Vakapedza nguva “vachinzvera magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo.” (Mabasa 17:11) Nokuchenjera, unofanira kuita zvimwe chetezvo. Iva nechokwadi chokuti kurukurirano dzako dzeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha dzichakuunzira gutsikano huru yomudzimu sezvaunodzidza pamusoro penguva yemberi inofadza iyo Mwari anotipikira.
Unofanira kuita chisarudzo—zvimwe chokubatira Mwari nefariro dzehurumende yoUmambo hwake kana kuti kuisa chivimbo chako netariro munhamburiko dzavanhu dzokuzvitonga. Tinokukurudzira kudzidza zvakawanda sezvaunogona pamusoro pezvipikirwa zvaMwari kuitira kuti chisarudzo chako chive chokuziva. Kuwana zivo yeBhaibheri hakusati kuchingosimbisa bedzi tariro yako nokuda kwenguva yemberi asi kuchabetsera kukuchengeta uri mupenyu mumudzimu kusvikira kumazuva okupedzisira okutonga kwavanhu.—2 Timotio 1:13.
Makore mazhinji omunhu okushuva nyika itsva zvino oda kupfuura. Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuti uwane kupinda munyika itsva iyoyo ndokufarikanya upenyu nokusingaperi. Izvozvo ndizvo zvinodawo Mwari. Kunokarirwa zvapachokwadi kuti uchasarudza nyika itsva yaMwari. Kana ukadaro, ipapo uchaona kuti kushuva kworudzi rwomunhu nyika itsva hakuna kutongova pasina.