Kuberekwazve Chinhu Chinokosha Kuzvakavanzika Zvoupenyu Here?
Wakamborarama here?
Uchararamazve here muchimiro chakati choupenyu pashure pokunge wafa?
Mibvunzo iyoyi ingakuyeuchidza nezvedzidziso yokuberekwazve.
The New Encyclopædia Britannica rinorondedzera “kuberekwazve” munzira inotevera: “Chitendero mukuberekwa patsva kwomweya kuvapo kumwe kana kuti kwakawanda kunotevedzana, uko kungava munhu, mhuka, kana kuti, muzvimwe zvinoitika, chirimwa.”
Kuberekwazve kunoita rutivi runokosha mumarudzidziso okuMabvazuva, zvikurukuru ayo akavamba muIndia, zvakadai sechiBuddha, chiHindu, chiJain, uye chiSikh. Pakati pavaHindu vomuIndia, somuenzaniso, upenyu hunorangarirwa kuva gango rinopfuurira rorufu nokuberekwa patsva.
Zvisinei, munguva dzichangobva kupfuura idzi zvikuru pfungwa yokuberekwazve yakakwezva vakawanda vanogara muWestern Hemisphere, kubatanidza chiverengero chakati chavanhu vaduku. Mukuwirirana nomurongi wenhau anonyora muSunday Star yeCanada, chikonzero chezvizhinjisa zveiyi fariro “ndiwo muuyo wesimba repfungwa dzorudzidziso dzokuMabvazuva pachaunga chedu chokuMadokero, iro rakavamba muma 1960.”
Chimwe chikonzero chefariro mukuberekwazve ndechokuti vakatanhamara vakati vakataura vamene pamhene uye vakabvuma nomutoo wakakomba kuti ivo vakararama upenyu humwe hwekare kana kuti kupfuura. Uyewo, nhepfenyuro, TV, magazini, uye zvimwe zvinobudisa nhau zvakaratidza fariro mukuberekwazve, sezvakaita vanhu vari nyanzvi vakasiyana-siyana zvakadai savanachiremba navadzidzisi.
Kose ikoku kwakamutsa kuda kuziva kukurusa. Nokudaro, mukuwirirana nedzimwe nzvero, chinodokuva chikamu chimwe chamativi mana chavanhu muCanada neUnited States chakataura kugamuchirwa kwakati kwokuberekwazve.
Kutaurwa Kwezvinoitika Zvoupenyu Hwekare
Mutambikadzi Shirley MacLaine mubvunzurudzano naPhyllis Battelle muLadies’ Home Journal akataura kuti iye akaita “nzendo” dzinoverengeka shure murudungwe rwenguva. “Ndinoyeuka hwakawanda hwoupenyu hwangu hwomunguva yakapfuura—padzimwe nguva ndaiva munhurume, padzimwe nguva munhukadzi,” akataura kudaro.
Mubhuku rinonzi Coming Back, Dr. Raymond Moody akarondedzera kuedza kwaakaita pakati pavadzidzi vake navamwe. Akataura kuti kupfurikidza nehope dzisiri dzomuzvarirwo akavaendesa shure kunguva yapamberi pokuberekwa kwavo, uye vakataura kuti vakava neyeuko dzinovambira paupenyu hwavo hwekare. Mumwe munhu akataura kuti akanga amborarama somuEskimo munzanga yavaEskimo. Mumwe akabvuma kuti akanga amborarama mukati me‘stone age,’ zviuru zvamakore zvakapfuura.
Dr. Moody amene akataura kuti akamborarama hupenyu hupfumbamwe. Ihwohwu hwaisiyana kubva muupenyu muunhengenya hwemiti sorudzi rwakati rwo“munhu weape” kusvikira kuupenyu mumazuva oUmambo hweRoma, apo, iye akati, akadenhwa ndokuurawa neshumba munhandare.
Kushandiswa kwehope dzisiri dzomuzvarirwo kudzorera vanhu vanobvunzisisa shure kunguva inofungidzirwa pamberi pokuberekwa kwavo kwakarondedzerwawo kuva kunobetsera nokuda kwavamwe. Vanachiremba vakadzishandisa mukurapa vhiringidziko dzemirangariro. Kunotaurwa kuti kutya zvakavanzika kwakabviswa kupfurikidza nokuronda chinetso kudzokera shure kuchinoitika chakati muupenyu hwekare. Pfungwa iyoyi inoshanda sei?
Zvinoitika Zvokudokufa Zvinorondedzerwa
Zvinoitika zvokudokufa zvinorondedzerwa navamwe vanhu zvakabatira kukurumbirisa pfungwa yokuberekwazve. Mubhuku rinonzi Life After Life, Dr. Moody anoshuma zviwanwa zvake pamusoro pezvinoitika zvokudokufa zvinobva kuvanhu 50.
Nepo zvinoitika zvavo zvakasiyana, Moody anofunga kuti zvinoumba muenzaniso. Ava vanhu vakanga vaine kunzwa kwokufamba nomumukoto murefu, wakasviba. Vakanzwa sokunge kuti vakanga vaparadzaniswa nemiviri yavo, vachitapatira norusununguko. Vakanzwa kuti vakanga vachikwira nokuchimbidza mukoto vachinanga chiedza chakajeka zvikuru, uye pamugumo womukoto, vakaona mitezo yemhuri yakafa kare. Pakupedzisira, vakamuka vari mumiviri yavo vamene. Zvisinei, havaziri vose vakapfuura nomune imwe neimwe yeidzi nhano.
Kunotaurwa kuti zvinoitika zvakadaro zvakava netapuro yakanaka pana avo vakava nazvo. Kana zvakadaro, kunofanira kuve kwakavabetsera kurasikirwa nokutya kwavo rufu uye kunofanira kuve kwakavapa chivimbo chokuti kune revo kuupenyu. Asika ikoko nguva dzose kwave kusina kudaro. Vakawanda vanopfuurira kutya rufu uye vanoshaiwa chivimbo mukuvapo kwerevo chaiyoiyo kuupenyu.
Avo vanodavira mukuberekwazve vanotaura kuti vanowana muzvinoitika zvakadaro tsigiro yepfungwa yokuti mweya womunhu unoberekwa patsva muzvimiro zvakasiyana-siyana zvoupenyu. Asika chivimbo chipi nechipi chinogona kupiwa kune iyi dzidziso here? Kuberekwazve kunogovera chaizvoizvo chinhu chinokosha kuzvinhu zvakavanzika here? Tinogona kuwana mhinduro ipi neipi yeiyi mibvunzo here, Wakamborarama here? Uchararamazve here? Vanhu vane mweya unosiya muviri parufu here? Iyi mibvunzo ichakurukurwa munyaya dzinotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Kuberekwazve kunokosha kumarudzidziso okuMabvazuva
[Mufananidzo uri papeji 19]
Vhiri rechiHindu roupenyu