Murangariro weBhaibheri
Bhaibheri Harikurudziri Rusununguko Rwokufunga Here?
MARIMI anongandukira kudenga sezvo mwoto mukuru unoparadza mabhuku anokosha anokandwa mauri navakuru vakuru veGermany. Ndichinoitika chinobva kuNazi Germany here? Hungu, asi chinogonawo kuva chinoitika chinobva mugore ra 1199, apo bhishopi mukuru weRoma Katurike akaraira kuti maBhaibheri ose omutauro wechiGermany apiswe.
Zvomenemene, zvinoitika zvokupiswa kwamabhuku—chiratidzo chenyika yose chokudzvinyirirwa kworusununguko rwokufunga nokutaura—zvakaitika munyika zhinji uye mumazana amakore mazhinji. Kazhinji kazhinji, zvakakuchidzirwa navatungamiriri vorudzidziso vaitya tapuro iyo rusununguko rwokufunga rwaizova narwo pamunhuwo zvake.
Hakushamisi kuti vazhinji nhasi vanofunga kuti Bhaibheri rinoraira ganhuriro dzorumano mukupesana nokutsvakwa kwezivo kwapamhene. Asi rinodaro chaizvoizvo here? Bhaibheri rinokurudzira ganhuriro parusununguko rwokufunga here?
‘Ida Jehovha Nokufunga Kwako Kwose’
Bhaibheri rinokurudzira kushandiswa kwendangariro. Kutaura idi, Jesu akakurudzira mumwe nomumwe wedu ‘kuda Jehovha nendangariro yedu yose.’ (Marko 12:30) Ushumiri hwake hunoratidza kuti akanga aine fariro yapachokwadi muzvinoitika zvapanguva dzacho (Ruka 13:1-5), fundo yezvinhu zvipenyu (Mateo 6:26, 28; Marko 7:18, 19), urimi (Mateo 13:31, 32), uye muzvarirwo womunhu (Mateo 5:28; 6:22-24). Mienzanisiro yake inoratidza kuti ainzwisisa zvakajeka nheyo dziri muShoko raMwari uye mugariro namafungiro zvavateereri vake uye kuti aisanofunga nzira yokuunza nayo pamwe chete zviviri zvacho.
Pauro akakumbira vaKristu vose kupa basa ravo kuna Mwari ne“mano omufungo.” (VaRoma 12:1, NW) Akakurudzira vaTesaronika kusarega ‘kutaura kwakafuridzirwa [kunotsausa] kuchivazunungusa pakufunga kwavo.’ (2 VaTesaronika 2:2) Akanga aine ruzivo rwenhetembo dzechiGiriki nedzechiKrete (Mabasa 17:28; Tito 1:12) uye rwezvombo nemiitiro nezvombo zvehondo (VaEfeso 6:14-17; 2 VaKorinte 2:14-16). Uye akanga achicherekedza nokukurumidza tsika dzomunzvimbomo.—Mabasa 17:22, 23.
Kunyange zvazvo Jesu naPauro vakafarikanya rusununguko rukuru zvikuru rwokufunga, havana kuzvirangarira vamene sechiremera choga bedzi pachakarurama nechakaipa. Panzvimbo pokuramba Bhaibheri nokuda kwokurangarira kwake amene, Jesu akanokora anokorazve muMagwaro. Mhinduro yake yokukurumidzira neyakakomba apo Petro akamukurudzira kurangarira nzira yakasiyana nerufu rwechibairo urwo rwakanga ruri kuda kwaMwari nokuda kwake inoratidza kuti aisazorangarira kunyange nenzira iyoyo yokufunga. (Mateo 16:22, 23) Nenzira yakafanana, Pauro akaudza vaKorinte, kuti: “Pandakauya kwamuri, kwakanga kusati kuri nokuzviratidza kupi nokupi kwokunaka kwokutaura kana kuti uzivi, asi kuzongokuudzai izvo Mwari akasimbisa.” (1 VaKorinte 2:1, The Jerusalem Bible) Kufanana naJesu, kurangarira kwake kwakanga kwakavakirwa zvakasimba paMagwaro.—Mabasa 17:2.
Bhaibheri rinokurudzira kushandiswa kwamano okurangarira omunhu zvakazara asi pasina kusava neganhuriro yose. Zvisinei, mutwaro womutoro wokuchengeta kufunga kwedu mukutsinhirana nouko kwaJehovha unoiswa pamuKristu mumwe nomumwe, kwete ungano. Nokudaro, apo chiverengero chakati chavaEfeso chakasiya pamhene muitiro wacho wokutaura nemidzimu ndokuva vaKristu, Pauro haana kuzvipa mutoro kupisa mabhuku avo, asi “vamwe vazhinji vaiita un’anga, vakaunganidza bhuku dzavo vakadzipisa pamberi pavose.” (Mabasa 19:19) Neiko ava vaKristu vakakunzwa kuri madikanwa kupisa mabhuku avo vamene?
Mutoo Wokutanga Wedziviriro
Rangarira uyu muenzanisiro. Dziviriro yeuto inobudirira kazhinji kazhinji inobatanidza mitsara inoverengeka yedziviriro. Hapana mukuru mukuru anobudirira aizonzwa kuti upi noupi weiyi haukoshi uye unofanira kukandiswa mapfumo pasi pasina kurwa. Muhondo yomuKristu mukurwisana nechivi, pane mitsara inoverengeka yedzivirirowo.
Jakobho 1:14, 15 inodudza kuti “mumwe nomumwe unoidzwa kana achikwehwa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi.” Danho rokutanga mukuita chivi ndiko kusakurirwa kwechishuvo chakaipa mundangariro. Nokudaro, mutoo wokutanga wedziviriro kudzivisa kusakurira chishuvo chacho—kudzora kufunga kwako.
Imhaka yeiyi batano pakati pemifungo nezviito iyo Bhaibheri rinotinyevera, kuti: “Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.” (VaKorose 3:2) Apo vaKristu vanoramba kufungisisa mumurangariro pamusoro poutere, kutaura nemidzimu, kana kuti kuwa pakutenda, vanoita ichi chisarudzo, kwete nemhaka yokuti vanotya kuti idzi pfungwa dzingabvumikisa kuva dzakakwirira kuzvokwadi dzeBhaibheri, asi nemhaka yokuti vanoshuva kudzivisa chinhu chipi nechipi icho chinogona kuvakwevera munzira yechivi.
‘Zvinhu Zvose Zvakafukurwa’
Chimwe chikonzero chinokosha nei tichifanira kudzora kufunga kwedu ndirwo rudo rwedu nokuda kwaJehovha uye ruremekedzo nokuda kwamano ake okuziva mifungo yedu. Fungidzira kuti une shamwari inokosheswa kana kuti hama yapedyo iyo yakanga ichitapurika zvikurukuru netsvina kana kuti huruva. Waizorega here kukoka shamwari yako mumusha mako, usingadi kuita kuchenesa kwomuraudzo uko imba yako yaizoda? Rudo harwaizokusunda here kuita nhamburiko yomuraudzo inodikanwa kuchengeta zvinhu zvakachena? Kutapurika kwaJehovha kumifungo yedu yomukatikati kunoratidzwa pana Pisarema 44:21, rinoti: “Unoziva zvakavanzika zvomwoyo.” Pauro akati tinozvidavirira nokuda kwemifungo iyoyo: “Hakune chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.”—VaHebheru 4:13; Pisarema 10:4; Zvirevo 6:16, 18.
Jobho akabvuma mutoro womunhu kuna Mwari nokuda kwemifungo yake. “Jobho . . . ndokupisa zvipiriso zvinopiswa . . . ; nokuti Jobho wakati: Zvimwe vanakomana vangu vakatadza, vakashovora Mwari pamwoyo.” (Jobho 1:5) Kurangarira kwokuzvidira kwenzira yakaipa kungagona makuri kumene kurangarirwa naJehovha sechivi.—Enzanisa naEksodho 20:17.
RusunungukoRwechokwadi Rwokufunga
Bhaibheri rinokurudzira muKristu mumwe nomumwe kugadza senharidzano kuunzwa kwe“mifungo yose kuti iterere Kristu.” (2 VaKorinte 10:5) Ikoku kunowanwa, kwete kupfurikidza neganhuriro dzinoiswa navatungamiriri vorudzidziso, asi kupfurikidza nokushandisa kwomunhu mumwe nomumwe kuzvidzora uye kupfurikidza norudo rwake nokunzwisisa nokuda kwaJehovha nenheyo Dzake. Nokuwanwa kweiyi nharidzano kunouya rusununguko rwechokwadi rwomufungo, runoganhurirwa bedzi nemipimo youmwari uye runokudziridzwa nomufaro wokuziva ikoko, kunyange mumifungo yedu, tiri kufadza kuna Jehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]
Kubva mubhuku rinonzi Bildersaal deutscher Geschichte