Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Guhwa Rakanyanyoipirei?
“Pachikoro changu chepamusoro, rakangofanana nedenda. Hatina zvinodhaka, kana pfuti, hatirwi— tine guhwa. Ndiro chinetso chikuru.”—Michelle ane makore 16.a
VAMWE vanotaura kuti rinofadza. Vamwe vanoti ichepfu. Kufamba kwaro kwakadzikama kunowanikwa mumagazini, mapepanhau, nemumapurogiramu eterevhizheni. Uyewo ndechimwe chinhu chinoita kuti kurukurirano dzakawanda dzinakidze. Chii ichocho? Kutaura kwakajairika pamusoro pevanhu nezvavanoita semunhu vari voga, zvimwe kunozivikanwa seguhwa.
Zvichida hapana chimwe chinhu chinobata pfungwa dzedu nokukurumidza zvikuru kupfuura aya mashoko okuti, “Wati wanzwa zvichangobva kuitika here?” Zvinotevera mashoko iwayo zvingava chokwadi kana kuti kufungidzira—kana zvichida zvishomanana zvezvose. Zvisinei nokuti chii chinenge chaitika, muedzo wokubatanidzwa neguhwa unogona kuva une simba zvikuru. “Zvakaoma zvikuru kusava anoda kuziva zvinhu zviri kuitwa nevamwe vanhu,” anodaro Lori ane makore 17. “Pane kubvumirana kusingataurwi kuri pakati pako neshamwari dzako kwokuti paunowana chimwe chinhu chinonakidza, unofanira kuvaudza.”
Zvatinoriitira
Nei guhwa richinakidza kwazvo? Kutanga, vanhu zvisikwa zvine ushamwari. Nemamwe mashoko, vanhu vanofarira vanhu. Saka zvakajairika kuti kurukurirano yedu nokukurumidza kana kuti gare gare inochinjira kuzvinenge zvichangobva kuitika zvomuupenyu hweshamwari nevatakarovedzana navo.
Izvi zvakaipa here? Kwete nguva dzose. Kazhinji zvikuru, kurukurirano dzenguva dzose dzinogovera mashoko anobatsira, sookuti ndiani ari kuroora kana kuroorwa, ndiani achangobva kuva nemwana, uye ndiani ari kurwara. Kunyange vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vakakurukura zvakanga zvichangobva kuitika zvomuupenyu hwevavaitenda navo. (VaEfeso 6:21, 22; VaKorose 4:8, 9) Chaizvoizvo, kutaura kwenguva dzose nezveshamwari uye vatakarovedzana navo chinhu chinokosha kukukurukurirana kwatinoita nokuchengeta ukama hwakanaka.
Misungo Yokupinda Muguhwa Rinokuvadza
Zvisinei, pane dzimwe nguva kurukurirano pamusoro poupenyu hwevamwe inopesvedzerwa nechimwe chinhu panzvimbo pekuva nehanya. Somuenzaniso, Deidra ane makore 18 anoti: “Vanhu vanoita guhwa kuti vawane mukurumbira. Vanofunga kuti vachava ne[mukurumbira] kuburikidza nokuziva nyaya yakanaka pane iya yavachangobva kuudzwa.” Kuda kufadza vamwe kungatoita kuti muiti weguhwa akanganise chokwadi. “Kana uchiziva nyaya yacho, une simba rokuichinja,” anotsanangura kudaro Rachel ane makore 17. “Zvinoita sokunge kuti ndeyako, uye unogona kuita kuti nyaya yacho isave nechokwadi sezvaunoda.”
Pane dzimwe nguva, guhwa renhema rinoshandiswa senzira yokutsiva nayo. “Ndakaparadzira guhwa renhema pamusoro peshamwari yangu kamwe chete,” anodaro Amy ane makore 12. “Ndakazviita nokuti akanga ataura chimwe chinhu nezvangu.” Zvakaguma sei? “Pakutanga ndaifunga kuti, Heyi, ndazomuwana zvino.” Zvisinei, Amy anopfuurira kutsanangura kuti: “Nokukurumidza hazvina kudzoreka uye ndakatanga kurwadziwa zvakanyanya nemhaka yezvandakanga ndaita panzvimbo pokudai ndakanga ndangonyarara zvangu pakutanga.”
Zviri nyore kuona kuti guhwa rinogona sei kuva “rakangofanana nerimi remoto usingadzoreki nokukurumidza,” sekurondedzera kunoita imwe nyanzvi inoona nezveutano hwakanaka hwepfungwa. (Enzanisa naJakobho 3:5, 6.) Kana izvi zvaitika, mugumisiro wacho unogona kuva unoparadza. Somuenzaniso, zvakadini kana chimwe chinhu chikaparadzirwa nepo chaifanira kuchengetwa chakavanzika? Kana kuti zvakadini kana guhwa racho riri nhema uye kuburikidza nokuriparadzira woshatisa zita rakanaka romumwe? “Mumwe weshamwari dzangu akatanga guhwa rokuti ndinoshandisa zvinhu zvinodhaka, chisiri chokwadi,” anodaro Bill ane makore 12. “Izvozvo zvinorwadza chaizvo.”
Kumisa Guhwa Routsinye
Nechikonzero chakanaka Bhaibheri rinotaura kuti “rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu.” (Zvirevo 18:21) Hungu, mashoko edu anogona kuva sezvokushandisa pakuvaka kana kuti sezvombo zvokuparadza. Zvinosuruvarisa kutaura kuti, vakawanda nhasi vanoshandisa rurimi rwavo nechinangwa chapedzisira kutaurwa pamusoro apa. Vakangofanana nevamwe vakarondedzerwa nomunyori wepisarema Dhavhidhi kuti “vakarodza rurimi rwavo somunondo, vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava; kuti vafure wakarurama, vakavanda ivo.”—Pisarema 64:2-4.
Avo vanoda kufadza Mwari havafaniri kuparadzira mishumo isiri yechokwadi, nokuti Bhaibheri rinoti “miromo, ine nhema inonyangadza Jehovha.” (Zvirevo 12:22) Kutanga kana kupfuuridzira runyerekupe uchiziva kuti hachisi chokwadi inhema, uye Bhaibheri rinotaura kuti vaKristu vanofanira ku‘bvisa nhema’ vo‘taurirana chokwadi, mumwe nomumwe kune muvakidzani wake.’—VaEfeso 4:25.
Saka usati wataura chimwe chinhu nezvemumwe munhu, zvibvunze kuti: ‘Ndinoziva zvakaitika chaizvoizvo here? Zvandichataura zvichaita kuti muteereri wangu asaremekedze munhu wandiri kutaura nezvake here? Kana zvakadaro, chii chiri vavariro yangu pakuzvitaura?’ Yeuka izvi: Nemhaka yokuti chimwe chinhu ichokwadi hazvipi chikonzero chokuchiparadzira—kunyanya kana mashoko acho achiipisa zita remumwe.
Mumwe mubvunzo wokuzvibvunza ndowokuti, ‘Ko kuita kwangu guhwa kuchaitei pazita rangu?’ Hungu, neguhwa unotaura chimwe chinhu pamusoro pezvauri. Somuenzaniso, Kristen anoti: “Kana uchikwanisa kuwana nguva yakawanda yokutaura nezvavamwe vanhu, naizvozvo upenyu hwako haufaniri kuva hunofadza zvakanyanya.” Lisa akawana kuti mukurumbira wake semuzvinaguhwa wakamuita kuti arasikirwe nekuvimbwa neshamwari yake yepamwoyo. “Zvakasvika panguva yandaisava nechokwadi kana ndaigona kuvimbwa,” anodaro. “Zvaisafadza—ndaifanira kuratidzira kuti aigona kuvimba neni.”
Kana uchizivikanwa semuzvinaguhwa, vanhu vanosvika pakukuona semunhu angangokonzera njodzi, uye havambotsvaki ushamwari newe. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Guhwa rinopararira richizivisa zvakavanzika; usava nechipi nechipi chokuita nemunhu unoshamisa muromo wake nguva dzose.” (Zvirevo 20:19, Beck) Asi waiziva here kuti unogona kuita kuti guhwa rinokuvadza ripararire usina kumbotaura shoko rimwe zvaro?
Kuteerera—Rumwe Rutivi Rweguhwa
Zvinoda vanhu vanenge vaviri kuita guhwa—mutauri nemuteereri. Kunyange zvazvo muteereri angaratidzika seane mhaka duku pane mutauri, Bhaibheri rinoratidza maonero akasiyana panhau iyi. Pana Zvirevo 17:4, tinorava kuti: “Munhu, unoita zvakaipa, unoteerera miromo yakaipa. Murevi wenhema unorerekera nzeve yake kururimi rwakashata.” Nokudaro muteereri weguhwa ane mutoro unorema. “Mune zvimwe zvinoitika zvingatova zvakaipisisa kuteerera guhwa pane kuritaura,” anodaro mumwe munyori anonzi Stephen M. Wylen. Nei zvakadaro? “Kuburikidza nokunyanyoda kuteerera,” Wylen anopfuurira kuti, “unokurudzira mutauri kuti apfuurire.”
Saka unofanira kuitei, apo unonzwa guhwa rinokuvadza? Usingaiti seunozviruramisa, unogona nyore nyore kuti: ‘Ngatichinjei nyaya yacho’ kana kuti, ‘Handinzwi zvakanaka chaizvoizvo kutaura izvi. Pashure pezvose, haasi pano kuti azvipindurire pachake.’
Asi zvakadini kana vanhu vakabva kwauri nemhaka yokuti unoramba kuzvibatanidza mukurukurirano dzavo? Neimwe pfungwa izvi zvingashanda sedziviriro yako. Sei? Hungu, yeuka kuti munhu anotaura guhwa kwauri nezvavamwe angangotaurawo guhwa pamusoro pako kune vamwe. Naizvozvo, unogona kudzivisa zvinetso zvakawanda kuburikidza nokuva pedyo nevaduku uye vakuru vasingatauri zvakaipa nezvavamwe. Wylen anotaura kuti: “Kungava kurasikirwa kupi nokupi kwaunotambura nokusaita guhwa, nokukurumidza uchawana kuti hapana chawarasikirwa nacho asi mukana wokuita kuti usafare. Pakupedzisira uchava panzvimbo iri nani nokuti uchazviwanira zita remunhu uya anonzi anovimbwa.”
Chinokosha zvakanyanya ndechokuti uchawana zita rakanaka naMwari. Anofarira nzira yatinotaura nayo nezvavamwe, nokuti Jesu Kristu akanyevera kuti: “Shoko rimwe nerimwe risina maturo, rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga. Nokuti namashoko ako ucharuramiswa, uye namashoko ako uchagurwa.”— Mateo 12:36, 37.
Saka, kuchenjera kutevedzera zano romuapostora Pauro rinoti: “Shingairirai kuva norugare, mumwe nomumwe abate zvake, muchibate basa namaoko enyu, sezvatakakurairai.” (1 VaTesaronika 4:11) Kuita saizvozvo kuchakubatsira kuchengetedza ukama hwakanaka nevamwe neukama hwakanaka naMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita ari munyaya ino achinjwa.
[Bhokisi riri papeji 25]
“Injini Huru Kwazvo Yeguhwa Munyika”
Wati wanzwa zvichangobva kuitika here? Nokuvapo kwenzira dzokutumira nadzo tsamba nekombiyuta, uye E-mail, guhwa zvino razoenda pokutanga muzvinogadzirwa nesayenzi. Kutaura chokwadi, munyori Seth Godin anoti E-mail “ndiyo injini huru kwazvo yeguhwa munyika.” Kunyange achibvuma kubatsira kwayo, anonyevera kuti: “Mumwe munhu anogona kutanga chimwe chinhu chechokwadi kana kuti shoko rinenge rataurwa zvisiri izvo, uye nokukurumidza zviuru zvavanhu zvongobvawo zvabvumirana naro.”
E-mail inogona kusvika vanhu vakawanda—uye nokukurumidza. Godin anoti: “Ndiyo gadziriro itsva yokutanga yekurukurirano inobatanidza pfungwa dzinokosha nedzakanyatsofungwa dzechimwe chinhu chakanyorwa nokukurumidza uye chinoda ngwariro yechimbichimbi yenhare.” Saka nokuchenjera, paunotumira E-mail, iva nechokwadi chokuti zvinoreva mashoko ako zvakajeka. Nenzira iri yose, usapfuudza mashoko asati ava nechokwadi kushamwari.
[Miufananidzo iri papeji 24]
Munhu anotaura guhwa kwauri nezvavamwe . . . angangotaurawo guhwa pamusoro pako kune vamwe