Dzivirira Mwana Wako Patsaona
NEMUNYORI WEMUKAI! MUSWEDEN
HANNA, aiva nemakore anenge matatu, aiva nevabereki vake, Karl-Erik naBirgitta, sezvavaichenesa imba yemumwe muvakidzani akanga afa. Pashure penguva yakati, Hanna akabuda mune rimwe kamuri akabata bhodhoro remapiritsi. Akanga adya mamwe acho. Paakatarisisa mubhodhoro, Birgitta akarohwa nehana. Rakanga riri bhodhoro remapiritsi emwoyo remuvakidzani wacho.
Nokukurumidza, Hanna akaendeswa kuchipatara, uko akapedzera usiku hwose ari munotarisirwa varwere vanorwarisisa. Pasinei nemapiritsi ayo aigona kudai akakuvadza utano hwake zvachose, haana kuzorwadziwazve pashure. Nemhaka yei? Nokuti akanga adya bota shomanana asati amedza mapiritsi acho. Mumwe wemuchetura wacho wakasvetwa nebota racho, iro rakabuda paakarutsa.
Chiitiko chaHanna hachimboshamisi. Zuva nezuva, zviuru zvevana munyika yose zvinosangana netsaona dzinoita kuti vafanire kuenda kwachiremba kana kuti kuchipatara. Gore roga roga, mwana mumwe pavasere voga voga muSweden anorapwa pashure petsaona. Saka, kana uri mubereki, kune mikana yakati kuti yokuti zvinhu zvakafanana zvinogona kuitika pamwana wako.
Hazvishamisi kuti vana vanowanzokuvara munzvimbo dzakajairika, dzakadai sepamba nenzvimbo dzakapapoteredza. Makuvarire avanoita anochinja sezvavanokura. Mucheche angadonha nyore nyore patafura yake yokuchinjira munapukeni kana kuti angadzipwa nechidimbu chezvokudya kana kuti chimwe chinhu chiduku chingarambira pahuro yake. Vana vaduku vanowanzodonha pavanokwira kana kuti kutsva kana kuti kucheturwa pavanobata kana kuravira zvimwe zvinhu zvavanosvikira. Vana vezera rokuchikoro vanowanzokuvara mutsaona dzemotokari kana kuti pavanenge vachitamba kunze.
Dzakawanda dzetsaona idzi dzinokwanisa kudzivirirwa. Unogona kubetsera kudzivirira kukuvara kana kuti kunyange tsaona dzinouraya nekuva anofanoona zvishoma nokuziva makurire emwana wako. Izvi zvave zvichiratidzwa nechirongwa chakarongwa chekuchengetedza vana chave chichiitwa muSweden kubvira muna 1954. Nguva iyoyo isati yasvika, vana vanopfuura 450 vaifa gore negore netsaona. Nhasi, nhamba yevanofa pagore yaderera kusvika kuvanenge 70.
Mumba
“Haungagoni kudzidzisa mwana ane gore rimwe, ane makore maviri, kana kuti ane makore matatu kuti adzivise njodzi uye wobva wavatarisira kuti vayeuke,” inodaro nyanzvi yekushanda kwepfungwa dzevana inonzi Kerstin Bäckström. Saka, mutoro wekubetsera mwana wako kuti adzivise tsaona uri pauri semubereki—kana kuti pane vamwe vakuru vanogara nemwana wacho nguva nenguva.
Kutanga, tarira-tarira musha wako wose. Shandisa zvokuongorora nazvo zvakarongwa mubhokisi riri pedyo. Zvichida zvinhu zvokudzivirira hazviwanikwi munyika dzose kana kuti hazviwanikwi pamutengo uri nani. Asi neunyanzvi hushoma uye kukwanisa kufungidzira, zvimwe unogona kufunga nezvenzira yokuita nayo ichashanda mumamiriro ezvinhu ako chaiwo.
Somuenzaniso, kana madhirowa ako emukicheni ane zvibatiso zviya zveburi, unogona kuakiya nokupinza chimuti pazvibatiso zvacho. Izvozvo zvingashandawo pakukiya dhoo rehovhoni. Mabhegi epurasitiki haanyanyi kuva nengozi kana ukaasunganidza kuita pfundo pakuachengeta.
Zvichida unogona kufunga nezvedzimwe nzira dziri nyore dzokudzivirira tsaona mukati nekunze kwemusha uye unogona kuudza shamwari dzako nevanhu vaunoziva vane vana vaduku.
Kunze
Tarisisa nzvimbo dzinotambira mwana wako. Kukuvara kuzhinji kunoita vana vane makore anopfuura mana kunoitika pavanotamba kunze. Vanodonhera pasi ndokuzvikuvadza kana kuti zvimwe vanodonha pamabhasikoro avo. Tsaona dzinouraya dzakajairika zvikuru dzinoitika kunze kuvana vane makore ari pakati pematatu nemanomwe itsaona dzemotokari uye kunyura mumvura.
Paunoongorora nhandare yokutambira, tarisisa kuti uone kana chokutambisa chacho chiri kushanda zvakanaka kuti mwana asazokuvara paanochishandisa. Nzvimbo iri pasi pemizerere, climbing frames uye zvinhu zvokutambisa zvakafanana ndeyezvinhu zvakapfava here, sejecha, kuitira kuti mwana asakuvara kana akadonha?
Pedyo nemusha wako pane madziva emvura kana kuti hova here? Masendimita mashomanana bedzi emvura anogona kuita kuti mwana ane gore rimwe kana maviri anyure. “Mwana muduku paanodonhera mudziva remvura nekumeso, anorasikirwa nepfungwa yekuti kumusoro ndekupi uye pasi ndepapi,” inodaro nyanzvi yekushanda kwepfungwa dzevana inonzi Bäckström. “Mwana wacho haatombogoni kuzomukazve.”
Saka, mutemo unokosha zvikuru ndouyu: Usamborega mwana ane makore ari pakati perimwe nematatu achitamba oga kunze pasina mukuru anomutarisira. Kana kune mvura yakawanda munharaunda, mirira kusvikira mwana ati kurei usati wamutendera kundotamba kunze asina anomutarisira.
Mumotokari
Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi kana mune motokari munharaunda yomusha wako. “Mwana wokukireshi anogona bedzi kunzwisisa zviratidzo zvakajeka uye zvakanyatsotsanangurwa ndokuita chinhu chimwe panguva,” anodaro Bäckström. “Asi mitemo yemotokari yakazara nezvinhu zvakaoma kunzwisisa nezvisina kujeka.” Usarega mwana wako achidarika mugwagwa oga asati ava wezera rokuenda kuchikoro. Maererano nenyanzvi, vana havanzi vakura zvakakwana kuti vachovhe mabhasikoro voga mumigwagwa inofamba motokari dzakawanda kusvikira vava nemakore 12 kana kupfuura.
Dzidzisa mwana wako kushandisa heremeti yokudzivirira paanenge achichovha bhasikoro, akatasva chipfuwo, achifamba neshangu dzine mavhiri, kana kuti achitsvedza nechireyi. Maronda emumusoro anonetsa kurapa uye anogona kukuvadza zvachose—kana kuti kutouraya! Pane imwe kiriniki yevana, 60 muzana yeavo vakarapwa vaita tsaona nemabhasikoro vakaita maronda mumusoro nekumeso, asi avo vaishandisa maheremeti havana kuita maronda akanyanya mumusoro.
Uyewo, iva nechokwadi chokuti mwana wako akachengeteka paunofamba nemotokari. Nyika dzakawanda dzine mitemo inoda kuti vana vaduku vasungirirwe muzvigaro zvakagadzirirwa vana kuti vave vakachengeteka. Izvi zvakaderedza zvikuru mwero wekukuvara nekufa kwevana vanoita tsaona nemotokari. Kana zvigaro zvokuva akachengeteka zvichiwanikwa kwaunogara, kushandisa chimwe kunogona kuita kuti uve akachengeteka. Asi iva nechokwadi chokuti chigaro chacho chakatenderwa nomutemo. Zivai kuti zvigaro zvevacheche zvakasiyana nezvevana vanobvira pamakore anenge matatu.
Vana vedu zvipo zvinokosha zvinobva kuna Jehovha, uye tinoda kuvangwarira munzira dzose. (Pisarema 127:4) Sevabereki vakanaka, Karl-Erik naBirgitta vave vane hanya nekudzivirira vana vavo nguva dzose—chiitiko chaHanna chisati chaitika uyewo chaitika. “Asi chokwadi takava vakachenjerera zvikuru pashure pechiitiko ichocho,” anobvuma kudaro Karl-Erik. “Zvino tine vazukuru, uye nguva dzose tinova nechokwadi chokuti mishonga yedu yakakiyirwa,” anogumisa achidaro Birgitta.
[Bhokisi riri papeji 22]
Kuchengeteka Mumusha Mako
● Mishonga: Ichengete pasingasviki vana mukabhati yakakiyiwa. Izvozvowo zvinoshanda kumishonga inotengwa isina kurayirwa nachiremba uye mishonga yemidzi. Uyewo, kumbira vaenzi vanorarapo kuti vachengete mishonga yavo pasingasvikiri mwana.
● Makemikoro emumba: Achengetere pasingasvikiri mwana mukabhati inokiyiwa. Achengetere mumidziyo yawo chaiyo kuitira kuti azivikanwe zvakajeka. Ramba uchingwarira chaizvo zvinhu zvacho sezvaunozvishandisa, uye nguva dzose zvibvise, kunyange kana uri kubuda mumba kwekanguva kaduku bedzi. Usambosiya mushonga wekugezesa unosarira mumuchina wokusukira ndiro.
● Chitofu: Nguva dzose tenderedza mibato yemapani kuti itarire mukati pachitofu. Isa chokudzivirira mapani kana chiripo. Isa pachitofu chinhu chinoita kuti chisarereka kuitira kudzivirira mwana kana akakwira padhoo rehovhoni rinenge rakavhurika. Dhoo rehovhoni rinofanira kuiswa chimwe chinhu chinokiyiwa. Mwana angazvipisa nokubata dhoo rehovhoni here? Saka, isa chinhu chinodzivirira kana kuti chitanda kuitira kuti asagona kubata dhoo rinopisa.
● Midziyo yemumba ine ngozi: Mapanga, zvigero, uye zvinhu zvine ngozi zvinofanira kuchengeterwa mumakabhati kana kuti mumadhirowa ane kiyi kana kuti ane zvinhu zvinosunga kana kuti kuiswa pasingasvikiri mwana. Paunenge uchishandisa midziyo yakadaro uye uchimboiisa parutivi kwenguva shoma, iise kure nemucheto wetafura kana kaunda, pasingasvikiri mwana. Machisi nemabhegi epurasitiki zvine ngoziwo pavana vaduku.
● Masitepisi: Isa magedhe, akakwirira anenge masendimita 70-5, kumicheto yose yemasitepisi.
● Mahwindo nemisuo zvepavharanda: Aise zvinhu zvinodzivirira vana kana kuti cheni dziri kumusoro kana kuti zvimwe zvokudzivirira nazvo zvinodzivirira mwana kuti asazvivhura kana kuti asatsvikinyidza kupinda nepazviri pazvinenge zvakavhurwa kuitira kuti mhepo ipinde mumba.
● Masherefu emabhuku: Kana mwana achida kukwira ndokurembera pazvinhu, sungirira masherefu emabhuku neimwe fanicha yakareba kumadziro, kuti zvisadonha.
● Panopfekerwa mapuragi emagetsi netambo dzemagetsi: Panopfekerwa mapuragi pasiri kushandiswa panofanira kuiswa chimwe chinhu chokupavhara nacho. Tambo dzemarambi epatafura nezvimwe zvakadaro zvinofanira kunamatidzwa kumadziro kana kuti pafanicha kuitira kuti mwana asazodhonzera rambi racho pasi ndokutemwa naro. Kana izvozvo zvisingagoneki, bvisa marambi acho. Usambosiya ayini yemagetsi pabhodhi rokuchisira, uye usaregera tambo yacho ichirembera pasi.
● Mvura inopisa: Kana uchigona kuchinja tembiricha yemvura yako inopisa, unofanira kuidzikisa kusvika kumadhigirii Celsius anenge 50 kuti mwana arege kutsva kana akavhura pombi.
● Zvokutambisa: Rasa zvokutambisa zvine micheto kana kuti makona akapinza. Rasa zvokutambisa zviduku kana kuti zvokutambisa zvingadamburwa kuita zvidimbu zviduku, sezvo zvingadzipa mwana kana zvikaiswa mukanwa. Maziso nemhinho zviri pazvidhori zvomwana zvinofanira kunyatsosungwa. Dzidzisa madzikoma nehanzvadzi dzakura kuti vabvise zvokutambisa zvavo zviduku mwana paanenge ari pauriri.
● Zvihwitsi nezvokudya zvakareruka: Usasiya zvihwitsi nezvokudya zvakareruka, zvakadai senzungu kana kuti zvihwitsi zvakaomarara, paanosvikira. Zvinogona kurambira pahuro yomwana.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva mashoko aya: The Office of the Children’s Ombudsman
[Bhokisi riri papeji 22]
Kana Pakaitika Tsaona
● Muchetura: Kana mwana amedza zvinhu zvakaita mvura mvura zviri muchetura, dzumburudza mukanwa make chaizvo uye mupe girazi rimwe kana maviri emvura kana kuti mukaka kuti anwe. Pashure pacho, ridzira chiremba runhare kana kuti nzvimbo inopa mashoko pamusoro pomuchetura kuti upiwe mazano. Kana mwana wacho ane chimwe chinhu chinoita ngura muziso rake, kurumidza kudzumburudza nemvura yakawanda kwemaminiti anenge gumi.
● Maronda okutsva: Pakatsva zvishoma, isa mvura inotonhora (kwete inotonhora zvakanyanya) paronda racho kwemaminiti anenge 20. Kana ronda racho rakakura kudarika chanza chemwana kana kuti riri kumeso, papfundo, kana kuti pazasi pedumbu kana panhengo yokubereka nayo, unofanira kuenda nemwana wacho kuchipatara. Maronda eganda akadzika nguva dzose anofanira kurapwa nachiremba.
● Kudzipwa: Kana chimwe chinhu charambira pagurokuro remwana, chinhu chacho chinofanira kubviswa nokukurumidza. Mumwe mutoo unobudirira waungashandisa ndewokudzvanya padumbu. Kana usina kuujaira, ona chiremba wako kuti uwane mamwe mashoko pamusoro pemutoo uyu, kana kuti ita zvidzidzo zvetsaona dzevana kana kuti kosi yefirst-aid uko mutoo iwoyu unodzidziswa.
[Kwazvakatorwa]
Kwakabva mashoko aya: The Swedish Red Cross
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kupfeka heremeti yekuzvidzivirira pabhasikoro
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kuchengeteka muchigaro chemumotokari