Bhuku reBhaibheri Nhamba 3—Revhitiko
Munyori: Mosesi
Nzvimbo Yakanyorerwa: Renje
Kunyora Kwakapedzwa: 1512 B.C.E.
Nguva Yakafukidzwa: Mwedzi 1 (1512 B.C.E.)
1. (a) Neiko zita rokuti Revhitiko rakakodzera? (b) Ndimamwe mazita api akapiwa kubhuku raRevhitiko?
ZITA rinozivikanwa zvikurusa rebhuku rechitatu reBhaibheri ndiRevhitiko, iro rinobva muna Leu·i·ti·konʹ weSeptuagint yechiGikiri kupfurikidza na“Leviticus” weVulgate yechiLatin. Iri zita rakakodzera, kunyange zvazvo vaRevhi vachingodudzwawo zvavo (pana 25:32, 33), nokuti bhuku racho rakaumbwa zvikurukuru nemirayiro youprista hwavaRevhi, hwakasarudzwa murudzi rwaRevhi, uye mitemo iyo vaprista vaidzidzisa vanhu, kuti: “Nokuti miromo yomuprista ndiyo inofanira kuchengeta zivo, uye mutemo ndiwo uyo vanhu vanofanira kutsvaka pamuromo wake.” (Mar. 2:7, NW) Murugwaro rwechiHebheru, bhuku racho rinotumidzwa zita kubva mushoko raro rokutanga, Wai·yiq·raʼʹ, chaizvoizvo, “Uye iye akapfuurira kudana.” Pakati pavaJudha vapashure, bhuku racho rakanziwo Mutemo waVaprista noMutemo weZvipiriso.—Revh. 1:1, NW, mashoko omuzasi.
2. Ufakazii hunotsigira kuva munyori kwaMosesi?
2 Hapana panikiro yokuti Mosesi akanyora bhuku raRevhitiko. Mhedziso, kana kuti mugumo, unoti: “Ndiyo mirayiro yakarayirwa Mosesi naJehovha.” (27:34, NW) Kutaura kwakafanana kunowanwa pana Revhitiko 26:46. Ufakazi hwacherekedzwa kare hunobvumikisa kuti Mosesi akanyora bhuku raGenesi naEksodho hunotsigirawo kuva kwake munyori webhuku raRevhitiko, sezvo Pentateuch sezviri pachena pakuvamba yakanga iri mupumburu mumwe wamanyoro. Uyezve, bhuku raRevhitiko rakabatanidzwa namabhuku okutanga nechibatanidzo chokuti “uye.” Chipupuriro chakasimba zvikurusa kupfuura zvose ndechokuti Jesu Kristu navamwe vabatiri vakafuridzirwa vaJehovha kazhinji kazhinji vanonokora mashoko kana kuti vanonongedzera kumitemo nenheyo zviri mubhuku raRevhitiko uye vanozviti zvakanyorwa naMosesi.—Revh. 23:34, 40-43—Neh. 8:14, 15; Revh. 14:1-32—Mat. 8:2-4; Revh. 12:2—Ruka 2:22; Revh. 12:3—Joh. 7:22; Revh. 18:5—VaR. 10:5.
3. Inhamboi yenguva inofukidzwa nebhuku raRevhitiko?
3 Bhuku raRevhitiko rinofukidza nhamboi yenguva? Bhuku raEksodho rinoguma nokuvakwa kwetabhenakeri “mumwedzi wokutanga, mugore rechipiri, pazuva rokutanga romwedzi.” Bhuku raNumeri (rinotevera pakarepo nhoroondo yebhuku raRevhitiko) rinotanga nokutaura kwaJehovha kuna Mosesi “pazuva rokutanga romwedzi wechipiri mugore rechipiri rokubuda kwavo munyika yeEgipita.” Naizvozvo, kunodaro kuti usingapfuuri mwedzi mumwe womudenga waigona kuva wakapera nokuda kwezvinoitika zvishomanene zvebhuku raRevhitiko, huzhinjisa hwebhuku racho hwakaumbwa nemitemo nemirayiro.—Eks. 40:17; Num. 1:1; Revh. 8:1–10:7; 24:10-23.
4. Bhuku raRevhitiko rakanyorwa rini?
4 Mosesi akanyora rini bhuku raRevhitiko? Kuno mufungo kugumisa kuti akachengeta chinyorwa chezvinoitika sezvazvaiitika uye akanyora mirayiridzo yaMwari sezvaaiigamuchira. Ikoku kunoratidzirwa nomurayiro waMwari kuna Mosesi kuti anyore shurikidzwo yavaAmereki pashure chaipo pokunge Israeri avakunda muhondo. Musi wapakuvamba unokarakadzwawo nenhau dzakati dziri mubhuku racho. Somuenzaniso, vaIsraeri vakarayirwa kuunza mhuka dzavaida kushandisa nokuda kwezvokudya kumukova wetendi rokusonganira nokuda kwokuuraya. Uyu murayiro waizopiwa ndokunyorwa nokukurumidza pashure pokugadzwa kwouprista. Mirayiridzo mizhinji inopiwa nokuda kwokutungamirira vaIsraeri mukati morwendo rwavo rwomurenje. Kwose ikoku kunonongedzera kukunyora kwaMosesi bhuku raRevhitiko mukati ma1512 B.C.E.—Eks. 17:14; Revh. 17:3, 4; 26:46.
5. Chinangwai chakabatirwa nemitemo pamusoro pezvibayiro nokusachena kwetsika?
5 Neiko bhuku raRevhitiko rakanyorwa? Jehovha akanga aronga kuva norudzi rutsvene, vanhu vakatsveneswa, vakatsaurwa nokuda kwebasa rake. Kubvira panguva yaAbheri, vanhu vakatendeka vaMwari vakanga vave vachipa zvibayiro kuna Jehovha, asi kutanga norudzi rwaIsraeri Jehovha akapa mirayiridzo yakajeka pamusoro pezvipiriso zvechivi nezvimwe zvibayiro. Izvozvi, sezvinotsanangurwa muudzame mubhuku raRevhitiko, zvakaita kuti vaIsraeri vazive uipi hukuru hwechivi uye akaroverera pandangariro dzavo kuti chaivaita vanotsamwisa sei kuna Jehovha. Iyi mirau, sorutivi rwoMutemo, yakabatira somurayiridzi anotungamirira vaJudha kuna Kristu, ichivaratidza kudikanwa kwoMuponesi uye panguva imwe cheteyo ichibatira kuvachengeta savanhu vakaparadzana navamwe vose vasara venyika. Zvikurukuru mitemo yaMwari pamusoro porucheno rwetsika yakabatira chinangwa chapashure.—Revh. 11:44; VaG. 3:19-25.
6. Neiko nhungamiro ine udzame inobva kuna Jehovha zvino yakanga iri chinodikanwa chaicho?
6 Sorudzi rutsva rwaifamba rwakananga kunyika itsva, Israeri aida nhungamiro yakafanira. Rakanga richiri risingasviki gore rimwe kubvira paKubuda, uye mipimo yokurarama yeEgipita pamwe chete nemiitiro yayo yorudzidziso zvakanga zvichiri zvitsva mundangariro. Roorano yehanzvadzi nehanzvadzi yaiitwa muEgipita. Kunamata kwenhema kwaipfuuridzirwa mukukudzwa kwavamwari vazhinji, vamwe vavo vaiva vamwari vemhuka. Zvino iyi ungano huru yakanga ichienda Kanani, uko upenyu nemiitiro yorudzidziso zvakanga zvichitoshatisa zvikuru. Asika tarirazve hako pamusasa waIsraeri. Vaiwedzera ungano vakanga vari vazhinji vakanga vari vechiEgipita chaivo kana kuti rutivi, vazhinji-zhinji vakavhengana vakanga vachigara pakati chaipo pavaIsraeri uye vakanga vaberekwa navabereki vechiEgipita uye vakarerwa ndokudzidziswa munzira, rudzidziso, uye kuvimbika kunyika yavo zvechiEgipita. Nokusapanikira vazhinji vaivava vakanga vapinda mumiitiro inosembura munyika yokumusha kwavo nguva pfupi bedzi pamberi pezvi. Kwaiva madikanwa sei kuti zvino vagamuchire nhungamiro ine udzame inobva kuna Jehovha!
7. Mirau yebhuku raRevhitiko ine chiratidzo chokunyora kwoumwari munzirai?
7 Bhuku raRevhitiko rose rine chiratidzo chefuridziro youmwari. Vanhuwo zvavo vaisagona kuva vakaita mitemo yaro yokuchenjera neyakarurama uye mirau. Mitemo yaro pamusoro pezvokudya, hosha, kusengudza, uye kubatwa kwezvitunha inozivisa zivo yamaidi asati ainzwisiswa navanhu venyika vemishonga kutozosvikira zviuru zvamakore gare gare. Mutemo waMwari pamusoro pemhuka dzisina kuchena dzokudya waizodzivirira vaIsraeri apo ivo vaifamba. Waizovataviridza pahosha yetrichinosis inoparirwa nenguruve, typhoid neparatyphoid dzinoparirwa namarudzi akati ehove, uye utachiona hunoparirwa nemhuka dzinowanwa dzakatofa. Iyi mitemo inoshanda yaifanira kutungamirira rudzidziso rwavo noupenyu hwavo kuti vagoramba vari rudzi rutsvene ndokusvika ndokugara muNyika Yakapikirwa. Nhau inoratidza kuti mirau yakagoverwa naJehovha yakapa vaJudha betsero chaiyoiyo kupfuura marudzi munhau youtano.
8. Zviri mubhuku raRevhitiko zvouporofita zvinobvumikisazve sei kufuridzirwa?
8 Kuzadzika kwouporofita nemifananidzo zviri mubhuku raRevhitiko zvinobvumikisazve kufuridzirwa kwaro. Dzose dziri mbiri nhau inoyera neyenyika dzinonyora kuzadzika kwenyevero dzebhuku raRevhitiko pamusoro pemigumisiro yokusateerera. Pakati pezvimwe zvinhu, rakadeya kuzivisa kuti vanamai vaizodya vana vavo vamene nemhaka yenzara. Jeremia anoratidzira kuti ikoku kwakazadzikwa paruparadziko rweJerusarema muna 607 B.C.E., uye Josephus anotaura nezvokuitika kwako paruparadziko rwapashure rweguta, muna 70 C.E. Chipikirwa chouporofita chokuti Jehovha aizovayeuka kana vakapfidza chakazadzika mukudzoka kwavo vachibva Bhabhironi muna 537 B.C.E. (Revh. 26:29, 41-45; Mariro 2:20; 4:10; Ezra 1:1-6) Kunopupurirazve kufuridzirwa kwebhuku raRevhitiko ndiko kunokora mashoko vamwe vanyori veBhaibheri vanoita maari soRugwaro rwakafuridzirwa. Mukuwedzera kuno uko kwadudzwa kare mukutsigira Mosesi somunyori, tapota ona Mateo 5:38; 12:4; 2 VaKorinte 6:16; uye 1 Petro 1:16.
9. Bhuku raRevhitiko rinokudza sei zita noutsvene zvaJehovha?
9 Bhuku raRevhitiko nomutoo unotsinhirana rinokudza zita raJehovha nouchangamire. Pasati pari pasi pekane 36 mitemo yaro inonzi yakabva kuna Jehovha. Zita rokuti Jehovha rimene rinooneka, paavhareji, kane gumi muganhuro rimwe nerimwe, uye nguva nenguva kuteerera mitemo yaMwari kunorovererwa nechiyeuchidzo chokuti “ndini Jehovha.” Musoro woutsvene unowanikwa mubhuku raRevhitiko rose, uyo unodudza ichi chinodikanwa kazhinji kazhinji zvikuru kupfuura rimwe bhuku ripi neripi reBhaibheri. VaIsraeri vaifanira kuva vatsvene nemhaka yokuti Jehovha mutsvene. Vanhu vakati, nzvimbo, zvinhu, uye nhambo dzenguva zvakatsaurwa sezvitsvene. Somuenzaniso, Zuva reYananisiro negore reJubheri zvakatsaurwa semwaka yokuchengeta chaiko mukunamatwa kwaJehovha.
10. Chii chinosimbiswa pamusoro pezvibayiro, uye zvirangoi zvechivi zvinocherekedzwa?
10 Mukuwirirana nokusimbisa kwaro utsvene, bhuku raRevhitiko rinosimbisa rutivi urwo kuteurwa kweropa, ndiko kuti, chibayiro choupenyu, kwaiita mukanganwirwo yezvivi. Zvibayiro zvemhuka zvakanga zvakaganhurirwa kuzvisikwa zvaiva zvose zviri zviviri zvezvipfuyo uye zvakachena. Nokuda kwokureururwa kwezvivi zvakati, kudzorerwa, uye kuripwa kwechirango zvaidikanwa mukuwedzera kuchibayiro. Nokuda kwezvimwezve zvivi, chirango chakanga chiri rufu.
ZVIRI MUBHUKU RAREVHITIKO
11. Bhuku raRevhitiko ringapetwa sei?
11 Bhuku raRevhitiko rakaumbwa zvikurukuru namanyoro okuita mitemo, mazhinji awo ndeouporofitawo. Zvikurukuru bhuku racho rinotevera ndaza yemisoro uye ringakamuraniswa kuva zvikamu zvisere, zvinotevedzana nomutoo une mufungo zvikuru.
12. Marudzii ezvibayiro zveropa aripo, uye anofanira kupiwa sei?
12 Mirau yezvibayiro (1:1–7:38). Zvibayiro zvakasiyana-siyana zvinopinda mumapokawo zvawo maviri: zveropa, zvaiumbwa nen’ombe, makwai, mbudzi, uye shiri; uye zvisina ropa, zvaiumbwa nezviyo. Zvibayiro zveropa zvinofanira kupiwa sezvipiriso (1) zvinopiswa, (2) zveyananisiro, (3) zvezvivi, kana kuti zvimwe (4) zvemhaka. Zvina zvose zvine izvi zvinhu zvitatu zvakafanana: Mupi amene anofanira kuchiunza kumukova wetende yokusonganira, anofanira kuisa maoko ake pachiri, uye ipapo mhuka inofanira kuurawa. Pashure pokusaswa kweropa, chitunha chinofanira kurashwa mukuwirirana norudzi rwechibayiro. Zvino ngatirangarirei zvibayiro zveropa munhevedzano.
13-16. (a) Ratidzira zvinodikanwa zve(1) zvipiriso zvinopiswa, (2) zvibayiro zveyananisiro, (3) zvipiriso zvezvivi, uye (4) zvipiriso zvemhaka. (b) Mukuwirirana nezvibayiro zveropa, chii chinorambidzwa charambidzwazve?
13 (1) Zvipiriso zvinopiswa zvingaumbwa nenzombe duku, gondohwe, mbudzi, kana kuti njiva kana kuti nehangaiwa, kuchitsamira papfuma yomupi. Chinofanira kuchekwa-chekwa uye, kunze kweganda, chinofanira kupiswa icho chose paatari. Kana iri hangaiwa kana kuti njiva, musoro unofanira kugurwa asi usingabviswi, uye chinhukururu neminhenga zvinofanira kubviswa.—1:1-17; 6:8-13; 5:8.
14 (2) Chibayiro cheyananiso chingava chehono kana kuti zvimwe chehadzi, chen’ombe kana kuti chamakwai. Mativi ane mafuta acho bedzi achapedzwa paatari, chikamu chakati chichienda kumuprista uye chimwe chasara chichiva chinodyiwa nomupi. Chinosanonzi chibayiro cheyananiso, nokuti kupfurikidza nacho mupi anogoverana zvokudya, kana kuti anova neyananiso, sokunge zvakadaro, naJehovha uye nomuprista.—3:1-17; 7:11-36.
15 (3) Chipiriso chezvivi chinodikanwa nokuda kwezvivi zvisiri zvoune, kana kuti zvivi zvinoparwa kupfurikidza nemhosho. Rudzi rwemhuka runopiwa runotsamira pamusoro pokuti chivi chaani chiri kuyananiswa—icho chomuprista, vanhu vose zvavo, muchinda, kana kuti munhuwo zvake. Kusafanana nezvipiriso zvokuzvidira zvinopiswa nezveyananiso zvavanhu vamwe navamwe, chipiriso chezvivi chinomanikidzirwa.—4:1-35; 6:24-30.
16 (4) Zvipiriso zvemhaka zvinodikanwa kuti zvifukidze mhaka yomunhu oga nemhaka yokusatendeka, nyengedzo, kana kuri ugororo. Mune zvimwe zvinoitika mhaka inoda kureurura uye chibayiro mukuwirirana nepfuma yomunhu. Mune zvimwe, muripo wakaenzana nokurasikirwa kubatanidza 20 muzana nechibayiro chegondohwe zvinodikanwa. Mune ichi chikamu chebhuku raRevhitiko chinobata nezvipiriso, kudyiwa kweropa kunorambidzwa nomutoo wakasamarara uye nomutoo unodzokororwa wadzokororwazve.—5:1–6:7; 7:1-7, 26, 27; 3:17.
17. Zvibayiro zvisina ropa zvinofanira kupiwa sei?
17 Zvibayiro zvisina ropa zvinofanira kuumbwa nezviyo uye zvinofanira kupiwa zvisina kukuyiwa, zvakamhazhika, kana kuti zvimwe soupfu hwakatsetseka; uye izvo zvinofanira kugadzirirwa munzira dzakasiyana-siyana, zvakadai sezvakabikwa, zvakabikirwa murwenga, kana kuti zvakakangwa mumafuta akawanda. Zvinofanira kupiwa nomunyu namafuta uye padzimwe nguva nezvinonhuhwira, asi zvinofanira kuva zvisitongorina mbiriso kana kuti uchi. Nezvimwe zvibayiro chikamu chichava chomuprista.—2:1-16.
18. Kugadzwa kwouprista kunopedzwa nechionoi chinosimbisa kutenda?
18 Kugadzwa kwouprista (8:1–10:20). Nguva zvino inosvika yenhambo huru muna Israeri, kugadzwa kwouprista. Mosesi anokuita muudzame hwako hwose, seizvo chaizvo Jehovha akamurayira. “Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarayirwa naJehovha nomuromo waMosesi.” (8:36) Pashure pamazuva manomwe akabatikaniswa nokugadza, panouya chiono chinoshamisa nechinosimbisa kutenda. Ungano yose iripo. Vaprista vachangobva kupa chibayiro. Aroni naMosesi vakomborera vanhu. Ipapo, tarira! “Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. Ipapo mwoto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo.” (9:23, 24) Zvirokwazvo, Jehovha anofanirwa nokuteerera kwavo nokunamata!
19. Kudarikai kunoitika, kuchiteverwa nechii?
19 Bva kune kudarikwa kwoMutemo. Somuenzaniso, vanakomana vaAroni Nadhabhi naAbhihu vanopa mwoto usingatenderwi pamberi paJehovha. “Ipapo mwoto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya, vakafa pamberi paJehovha.” (10:2) Kuti vape chibayiro chinogamuchirika ndokufarikanya tendero yaJehovha, vanhu navaprista nomutoo wakafanana vanofanira kutevera mirayiridzo yaJehovha. Pashure chaipo paikoku, Mwari anopa murayiro wokuti vaprista havafaniri kunwa zvinwiwa zvinodhakisa apo vanenge vachibatira patabhenakeri, kureva kuti kudhakwa kungave kwakaparira chakaipa chavanakomana vaAroni.
20, 21. Miraui inofukidza rucheno noutsanana hwakafanira?
20 Mitemo pamusoro porucheno (11:1–15:33). Ichi chikamu chinobata norucheno rwetsika nerwoutsanana. Mhuka dzakati, dzose dziri mbiri dzinopfuiwa nedzomusango, hadzina kuchena. Zvitunha zvose hazvina kuchena uye zvinoparira avo vanozvibata kuva vasina kuchena. Kuberekwa kwomwana kunounzawo kusachena uye kunoda kuparadzana nezvibayiro chaizvo.
21 Hosha dzakati dzeganda, dzakadai samaperembudzi, dzinoparirawo kusachena kwetsika, uye kuchenesa kunofanira kushanda kusati bedzi kuri kuvanhu asi kunyange kuzvipfeko nedzimba. Kusengudza kunodikanwa. Kuenda kumwedzi nokubuda kwourume nomutoo wakafanana zvinoparira kusachena, sezvinoita zvinobuda zvinoyerera. Kuparadzana kunodikanwa mune izvi zvinoitika, uye pakunaya, mukuwedzera, kugezwa kwomuviri kana kuti kupa zvibayiro kana kuti zvose zviri zviviri zvinodikanwa.
22. (a) Neiko ganhuro 16 rakatanhamara? (b) Ndoupi uri muitiro weZuva reYananisiro?
22 Zuva reYananisiro (16:1-34). Iri iganhuro rakatanhamara, nokuti rine mirayiridzo yezuva rinokosha zvikurusa raIsraeri, Zuva reYananisiro, rinosvika pazuva rechigumi romwedzi wechinomwe. Izuva rokurwadzisa mweya (sezvingabvira zvikurusa kupfurikidza nokutsanya), uye pariri hakuna basa renyika richabvumidzwa. Rinotanga nokupiwa kwenzombe duku nokuda kwezvivi zvaAroni neveimba yake, ndudzi yaRevhi, kuchiteverwa nokupiwa kwembudzi nokuda kwavamwe vasara vorudzi. Pashure pokupiswa kwezvinonhuhwira, rimwe reropa remhuka imwe neimwe rinofanira kupinzwawo, muNzvimbo Tsvene Tsvene yetabhenakeri, kuti risaswe pamusoro pechifunhiro cheAreka. Gare gare zvitunha zvemhuka zvinofanira kubudiswa kunze kwomusasa ndokupiswa. Pane iri zuva mbudzi mhenyu inofanirawo kupiwa pamberi paJehovha, uye zvivi zvose zvavanhu zvinofanira kutaurwa pairi, pashure pacho inofanira kupinzwa murenje. Ipapo makondohwe maviri anofanira kupiwa sezvipiriso zvinopiswa, rimwe nokuda kwaAroni neimba yake uye rimwe racho nokuda kwavamwe vasara vorudzi rwacho.
23. (a) Ndapapi patinowana kumwe kwokutaura kwakajeka zvikurusa kweBhaibheri pamusoro peropa? (b) Ndimimwe miraui inotevera?
23 Mirau pamusoro peropa nedzimwe nhau (17:1–20:27). Ichi chikamu chinoratidzira mirau mizhinji yavanhu. Zvakare ropa rinorambidzwa muno kumwe kwokutaura kwakajeka zvikurusa pamusoro peropa kunofanira kuwanwa kupi kana kupi muMagwaro. (17:10-14) Ropa ringashandiswa nomutoo wakafanira paatari, asi kwete nokuda kwokudya. Miitiro inonyangadza, yakadai sevatano yehama dzokunyama, vatano yavarume, uye vatano nemhuka, inorambidzwa. Kune mirau yokutaviridzwa kwavanotambudzika, varombo, uye vokumwe, uye murayiro unopiwa, “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.” (19:18) Garikano yechaunga nomugariro wemari zvorudzi inochengetwa, uye ngozi dzomudzimu, dzakadai sokunamatwa kwaMoreki uye kushandisa midzimu, hazvitenderwi nomutemo, zvine rufu sechirango. Zvakare Mwari anosimbisa kuparadzana kwavanhu vake: “Munofanira kuva vatsvene kwandiri; nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, ndakakutsaurai pakati pedzimwe ndudzi, kuti muve vangu.”—20:26.
24. Bhuku raRevhitiko rinoratidzirei pamusoro pezvikwaniriso zvouprista nemitambo yemwaka?
24 Uprista nemitambo (21:1–25:55). Maganhuro matatu anotevera anobata zvikurukuru nokunamata kwenguva dzose kwaIsraeri: mirau inodzora vaprista, zvikwaniriso zvavo zvomuviri, uyo ivo vangaroora, uyo angadya zvinhu zvitsvene, uye zvinodikanwa zvemhuka dzakanaka dzinofanira kushandiswa muzvibayiro. Mitambo yomwaka yorudzi mitatu inorayirwa, ichigovera nhambo dzo“kufara pamberi paJehovha Mwari wenyu.” (23:40) Somunhu mumwe, rudzi rwacho neiyi nzira ruchatendeudzira ngwariro, rumbidzo, uye kunamata kuna Jehovha, kuchisimbisa ukama hwarwo naye. Iyi mitambo inoitirwa Jehovha, kokorodzano tsvene dzegore negore. Paseka, pamwe chete noMutambo weZvipapata Zvisina Kuviriswa, inorongerwa kuvamba kwechirimo; Pentekosta, kana kuti Mutambo weVhiki, inotevera mukupera kwechirimo; uye Zuva reYananisiro noMutambo waMatumba wamazuva masere, kana kuti woKuunganidza, zviri mukupera kwomunakamwe.
25. (a) Kunoratidzwa sei kuti “Zita” rinofanira kukudzwa? (b) Mirau inobatanidza nhamba ye“nomwe”?
25 Muganhuro 24, murayiridzo unopiwa pamusoro pechingwa namafuta zvinofanira kushandiswa mubasa rapatabhenakeri. Panotevera chinoitika umo Jehovha anorayira kuti munhu upi noupi anobata zvisino kufanira “Zita”—hungu, iro zita rokuti Jehovha—anofanira kutakwa namabwe kusvikira kurufu. Iye ipapo anotaura mutemo wechirango mumutsa, “ziso neziso, zino nezino.” (24:11-16, 20) Muganhuro 25, mirayiro inowanwa pamusoro peSabata regore rose, kana kuti gore rezororo, rinofanira kuitwa gore riri rose rechi7 uye Jubheri gore riri rose rechi50. Mune iri gore rechi50, rusununguko runofanira kuziviswa munyika yose, uye pfuma yenhaka yakatengeswa kana kuti yakaregwa mukati mamakore 49 akapfuura inofanira kudzorerwa. Mitemo inodzivirira kodzero dzavarombo nedzavaranda inopiwa. Mune ichi chikamu nhamba ye“nomwe” inooneka nomutoo wakatanhamara—zuva rechinomwe, gore rechinomwe, mitambo yamazuva manomwe, nhambo yamavhiki manomwe, uye Jubheri, raizosvika pashure pamakore manomwe anowanziridzwa nakanomwe.
26. Bhuku raRevhitiko rinosvika mugumo waro nechii?
26 Migumisiro yokuteerera nokusateerera (26:1-46). Bhuku raRevhitiko rinosvika mugumo waro mune iri ganhuro. Jehovha muno anoronga tuso dzokuteerera nezvirango zvokusateerera. Panguva imwe cheteyo, anopa tariro nokuda kwavaIsraeri kana ivo vakazvininipisa vamene, achiti: “Ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeEgipita pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.”—26:45.
27. Bhuku raRevhitiko rinoguma sei?
27 Mimwe mirau (27:1-34). Bhuku raRevhitiko rinogumisa nemirayiridzo pamusoro pokutarisira zvipiriso zvemhiko, pamusoro pedangwe nokuda kwaJehovha, uye pamusoro porutivi rwechigumi runova rutsvene kuna Jehovha. Ipapo kunouya mhedziso pfupi: “Ndiyo mirayiro yavana vaIsraeri yakarayirwa Mosesi naJehovha pagomo reSinai.”—27:34.
ZVIRI MUBHUKU
28. Bhuku raRevhitiko nderebetseroi kuvaKristu nhasi?
28 Sorutivi rwaMagwaro akafuridzirwa, bhuku raRevhitiko nderebetsero huru kuvaKristu nhasi. Nderebetsero inoshamisa mukunzwisisa Jehovha, mavara ake, uye nzira dzake dzokubata nadzo nezvisikwa zvake, seizvo iye akaratidzira zvakajeka kwazvo naIsraeri musungano yoMutemo. Bhuku raRevhitiko rinotaura nheyo zhinji huru idzo dzichashanda nguva dzose, uye rine mifananidzo mizhinji youporofita, pamwe chete nouporofita, izvo zvinosimbisa kutenda kurangarira. Zhinji dzenheyo dzaro dzinodudzwazve muMagwaro echiGiriki echiKristu, dzimwe dzadzo dzichiva dzinonokorwa mashoko zvakananga. Mapfundo manomwe akatanhamara anokurukurwa pasi apa.
29-31. Bhuku raRevhitiko rinosimbisa sei ruremekedzo nokuda kwo (a) uchangamire, (b) zita, uye (c) utsvene zvaJehovha?
29 (1) Uchangamire hwaJehovha. Iye ndiye Mupi wemitemo, uye isu sezvisikwa zvake tinozvidavirira kwaari. Nomutoo wakarurama anotirayira kumutya. SaChangamire weChisiko Chose, haashiviriri kukwikwidzana, ikoko kungava muchimiro chokunamata zvidhori, kushandisa midzimu, kana kuti mamwe mativi oudhemoni.—Revh. 18:4; 25:17; 26:1; Mat. 10:28; Mabasa 4:24.
30 (2) Zita raJehovha. Zita rake rinofanira kuchengetwa riri dzvene, uye hatitsungi kuunza ruzvidzo pariri kupfurikidza namashoko kana kuti kupfurikidza nezviito.—Revh. 22:32; 24:10-16; Mat. 6:9.
31 (3) Utsvene hwaJehovha. Nemhaka yokuti iye mutsvene, vanhu vake vanofanirawo kuva vatsvene, ndiko kuti, vakatsveneswa, kana kuti vakatsaurwa nokuda kwebasa rake. Ikoku kunobatanidza kuramba takaparadzana nenyika isina umwari yakatipota.—Revh. 11:44; 20:26; Jak. 1:27; 1 Pet. 1:15, 16.
32-34. Inheyoi dzinoratidzirwa pamusoro pe (a) chivi, (b) ropa, uye (c) mhaka duku?
32 (4) Uipi hwakanyanyisa hwechivi. NdiMwari anosarudza chiri chivi, uye tinofanira kurwisana nacho. Chivi nguva dzose chinoda chibayiro chinoyananisira. Mukuwedzera, chinodawo kwatiri reururo, rupfidzo, uye kuita yananisiro kutambanuko inobvira. Nokuda kwezvivi zvakati hapagoni kuva nekanganwiro.—Revh. 4:2; 5:5; 20:2, 10; 1 Joh. 1:9; VaH. 10:26-29.
33 (5) Utsvene hweropa. Nemhaka yokuti ropa idzvene, haringapinzwi mumuviri muchimiro chipi nechipi. Kushandiswa bedzi kunobvumirwa kweropa kuri seyananisiro yechivi.—Revh. 17:10-14; Mabasa 15:29; VaH. 9:22.
34 (6) Wirirano mumhaka nechirango. Hazvisati zviri zvivi zvose navaiti vezvivi zvairangarirwa nenzira yakafanana. Kana basa rakanga riri rakakwirira zvikuru, mutoro nechirango zvaiva zvikuru nokuda kwechivi. Chivi choune chairangwa nomutoo wakakomba zvikuru kupfuura chivi chisiri choune. Zvirango zvaiyerwa kazhinji kazhinji mukuwirirana nokukwanisa kuripa. Iyi nheyo yewirirano yaishandawo munzvimbo dzisati dziri dzechivi nechirango, zvakadai somukusachena kwetsika.—Revh. 4:3, 22-28; 5:7-11; 6:2-7; 12:8; 21:1-15; Ruka 12:47, 48; Jak. 3:1; 1 Joh. 5:16.
35. Bhuku raRevhitiko rinopfupikisa sei misengwa yedu kumunhu biyedu?
35 (7) Ruramisiro norudo. Richipfupikisa misengwa yedu kuno munhu biyedu, bhuku raRevhitiko 19:18, rinoti: “Unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe.” Ikoku kunobatanidza chinhu chiri chose. Kunodzivisa kuratidza rusaruro, kuba, kureva nhema, kana kuti kuchera, uye kunoda kuratidza kurangarira vakaremara, varombo, mapofu, uye matsi.—Revh. 19:9-18; Mat. 22:39; VaR. 13:8-13.
36. Chii chinobvumikisa bhuku raRevhitiko kuva rinobetsera nokuda kweungano yechiKristu?
36 Dzinobvumikisawo kuti bhuku raRevhitiko nomutoo wakatanhamara ri“nobetsera nokuda kwokudzidzisa, nokuda kwokutsiura, nokuda kwokururamisa zvinhu, nokuda kwokuranga kuri mukururama” muungano yechiKristu ndidzo nongedzero dzinodzokororwa dzadzokororwazve dzakaitwa kwariri naJesu navaapostora vake, zvikurukuru Pauro naPetro. Ivava vakadanira ngwariro kumifananidzo mizhinji youporofita nemimvuri yezvinhu zvinouya. Sokutaura kwakaita Pauro, “Mutemo une mumvuri wezvinhu zvakanaka zvinouya.” Anoonesa “mufananidzo wokufananidzira uye mumvuri wezvinhu zvokudenga.”—2 Tim. 3:16, NW; VaH. 10:1, NW; VaH 8:5.
37. Kuzadzikai kwemifananidzo kunorondedzerwa muna VaHebheru?
37 Tabhenakeri, uprista, zvibayiro, uye zvikurukuru Zuva reYananisiro regore negore zvakanga zvarayirwa zvine revo yokufananidzira. Pauro, mutsamba yake kuvaHebheru, anotibetsera kuziva mifananidzo yomudzimu yeizvi zvinhu muwirirano ne“tende yechokwadi” yokunamatwa kwaJehovha. (VaH. 8:2) Muprista mukuru Aroni anofananidzira Kristu Jesu “somuprista mukuru wezvinhu zvakanaka zvakaitika, kupfurikidza netende huru zvikuru uye yakakwana zvikuru.” (VaH. 9:11; Revh. 21:10, NW) Ropa rezvibayiro zvemhuka rinodeya kufananidzira ropa raJesu, iro rinowana “kununura kusingaperi nokuda kwedu.” (VaH. 9:12, NW) Kamuri romukati-kati retabhenakeri, Nzvimbo Tsvene Tsvene, umo muprista mukuru aipinda bedzi paZuva reYananisiro regore negore kundopa ropa rechibayiro, “mufananidzo weiri chaiyoiyo,” “denga rimene,” uko Jesu akakwira “kundooneka pamberi paMwari nokuda kwedu.”—VaH. 9:24, NW; Revh. 16:14, 15.
38. Zvibayiro zvokufananidzira zvakazadzikwa sei muna Jesu?
38 Vananyajambwa chaivoivo vechibayiro—mhuka dzakanaka, dzisina kuremara dzaipiwa sezvipiriso zvinopiswa kana kuti zvezvivi—vanomirira chibayiro chakakwana chisina kuremera chomuviri wohunhu waJesu Kristu. (VaH. 9:13, 14; 10:1-10; Revh. 1:3) Nomutoo unofadza, Pauro anokurukurawo rutivi rweZuva reYananisiro apo zvitunha zvemhuka nokuda kwechipiriso chezvivi zvaibudiswa kunze kwomusasa ndokupiswa. (Revh. 16:27) “Nokudaro Jesuwo,” anonyora kudaro Pauro, “akatambura kunze kwesuo. Ipapo, ngatibudire kwaari kunze kwomusasa, takatakura ruzvidzo rwaakatakura.” (VaH. 13:12, 13, NW) Kupfurikidza nokududzira kwakadaro kwakafuridzirwa, miitiro yetsika inoratidzirwa mubhuku raRevhitiko inova nerevo yakawedzerwa, uye tinogona zvamazvirokwazvo kuvamba kunzwisisa maitire akaita Jehovha ipapo nomutoo unoshamisa mimvuri inotyisa inonongedzera mberi kuzvinhu chaizvoizvo zvaigona kujekeswa bedzi nomudzimu mutsvene. (VaH. 9:8) Kunzwisisa kwakadaro kwakafanira kunokosha nokuda kwaavo vachabetserwa negadziriro youpenyu iyo Jehovha anoita kupfurikidza naKristu Jesu, “muprista mukuru paimba yaMwari.”—VaH. 10:19-25.
39. Bhuku raRevhitiko rinobatana sei no“Rugwaro rwose” mukuzivisa zvinangwa zvoUmambo hwaJehovha?
39 Kufanana neveimba youprista yaAroni, Jesu Kristu soMuprista Mukuru ane vaprista vaduku vanosonganirana naye. Ivava vanotaurwa nezvavo so“uprista hwoumambo.” (1 Pet. 2:9, NW) Bhuku raRevhitiko rinonongedzera zvakajeka uye rinotsanangura basa rokuyananisira zvivi roMuprista Mukuru zvikuru waJehovha naMambo nezvikwaniriso zvakaiswa pamitezo yeveimba Yake, avo vanotaurwa nezvavo sa“vanofara uye vatsvene” uye savari ‘vaprista vaMwari navaKristu uye vanobata ushe samadzimambo pamwe chete naye kwamakore ane chiuru.’ Zvikomborero zvakadini zvichaita basa irero rouprista mukusvitsa rudzi rwomunhu runoteerera kukukwana, uye mufaro wakadini uchaunza Umambo ihwohwo hwokudenga kupfurikidza nokudzorera rugare nokururama kupasi! Zvirokwazvo, isu tose tinofanira kuonga Mwari mutsvene, Jehovha, nokuda kwokugadzirira kwake Muprista Mukuru naMambo uye uprista hwoumambo kuti azivise kwakafara zvakaisvonaka Zvake mukutsveneswa kwezita Rake! Zvirokwazvo, Bhuku raRevhitiko rinobatana nomutoo unoshamisa no“Rugwaro rwose” mukuzivisa chinangwa choUmambo hwaJehovha.—Zvak. 20:6.