CHITSAUKO 6
“Ndapota, Teererai Inzwi raJehovha”
1, 2. Vaya vanotevera “nzira yakakurumbira” vanowanzova nemafungiro akadini, uye nei uchifanira kuva akasiyana navo?
MAZUVA ano vanhu vakawanda havadi kuteerera. Vakawanda havasarudzi maererano nemurayiro wakajairika wakadai sewokuti ‘Ita zvakarurama.’ Pane kudaro, zvavanofunga zvingapfupikiswa seizvi, ‘Ita zvaunoda’ kana kuti ‘Ita zvinhu zvisingakupinzi munataisireva.’ Unogona kuona izvi vatyairi pavanorega kuteerera zviratidzo zvomumigwagwa, vanoita zvemari pavanoita zvinopesana nemitemo yezvemari, uye vakuru vakuru pavanotyora mitemo yavangave vakabatsira kudzika. Kuenda ne“nzira yakakurumbira” kwakadaro kwaiitwawo nevakawanda munguva yaJeremiya, kunyange zvazvo kwakaipa uye kuchikuvadza.—Jer. 8:6.
2 Unoziva kuti vaya vanoda kufarirwa naMwari Wemasimbaose havafaniri kungotevera “nzira yakakurumbira.” Zvinokosha kuti Jeremiya akataura kusiyana kwevaya ‘vasina kuteerera inzwi raJehovha’ nevaya vaida kumuteerera. (Jer. 3:25; 7:28; 26:13; 38:20; 43:4, 7) Somunhu mumwe nomumwe tinofanira kuongorora toona patimire panyaya iyi. Nei? Kurwisa kunoita Satani kuvimbika kwevanamati vechokwadi kwanyanya kuipa. Akaita senyoka inenge yakahwandira chinyararire ichimirira kubata mhuka uye inongoerekana yairuma zvinouraya. Kutsunga kwedu kuteerera inzwi raJehovha kunotibatsira kuti titambire kure nemazino enyoka iyoyo. Asi tingasimbisa sei kutsunga kwedu kuteerera Jehovha? Zvakanyorwa naJeremiya zvinogona kutibatsira.
MUNHU WATINOFANIRA KUTEERERA
3. Nei tichifanira kuteerera Jehovha?
3 Nei tichifanira kunyatsoteerera Jehovha? Jeremiya anobudisa pachena chikonzero chimwe chete paanomuti “Muiti wenyika nesimba rake, Iye ari kusimbisa kwazvo nyika inobereka nouchenjeri hwake.” (Jer. 10:12) Jehovha ndiye Changamire wezvinhu zvose. Tinofanira kumutya kupfuura vamwe vatongi vose. Ane kodzero yakakwana yokutiudza kuti titeerere mirayiro yake yokuchenjera, yakatinakira nguva dzose.—Jer. 10:6, 7.
4, 5. (a) VaJudha vakadzidza chokwadi chipi panguva dzokusanaya kwemvura? (b) Vagari vomunyika yeJudha vakatambisa sei “mvura mhenyu” yaibva kuna Jehovha? (c) Unganwa sei “mvura mhenyu” inopiwa naMwari?
4 Zvisinei, Jehovha haasi Mutongi Wezvinhu zvose chete asi Mutsigiri woupenyu—upenyu hwedu. Izvi zvakanyatsobudiswa pachena kuvaJudha vomunguva yaJeremiya. Mvura zhinji yaishandiswa nenyika yeIjipiti yaibva muRwizi rwaNire, asi mamiriro ezvinhu akanga akasiyana muNyika Yakapikirwa. Kazhinji, vanhu vaMwari vairarama nemvura yainaya pamwaka, uye mvura yainge yayerera vaiwanzoichengetera mumigodhi. (Dheut. 11:13-17) Jehovha chete ndiye aigona kunayisa mvura kuti inyorovese ivhu kuitira kuti zvirimwa zvimere. Ukuwo, aigona kuita kuti mvura isanaya. Nokudaro munguva yaJeremiya, vaJudha vakanga vasingateereri vakatarisana nokusanaya kwemvura kukuru kwakatevedzana kwakasiya minda yavo uye mizambiringa yavo yaoma uye matsime avo nemigodhi zvapwa.—Jer. 3:3; 5:24; 12:4; 14:1-4, 22; 23:10.
5 Kunyange zvazvo vaJudha ivavo vaikoshesa mvura chaiyo, vakaramba “mvura mhenyu” yavakapiwa naJehovha vasingabhadhari. Vakaita izvi nokurega nemaune kuteerera Mutemo waMwari uye vachivimba nokubatana kwavaiita nemarudzi akanga akavapoteredza. Kufanana nevaya vanoti kana mvura iri shoma vanoisa mvura mumugodhi unenge wakatsemuka uye usingagoni kuchengeta mvura, vaJudha vakakohwa maererano nezvavakaita. (Verenga Jeremiya 2:13; 17:13.) Zvechokwadi hatina chikonzero chokuti tizvipinze mumukanwa meshumba nokuita zvinhu zvakadaro. Jehovha anoramba achitipa mirayiridzo yakawanda inobva muShoko rake rakafuridzirwa. Zviri pachena kuti “mvura mhenyu” iyoyo inotibatsira chete kana tichiramba tichidzidza kubva mairi uye tichiedza kurarama maererano nayo.
6. (a) Rondedzera kuti Mambo Zedhekiya aiona sei kuteerera Jehovha. (b) Nei uchifunga kuti mambo wacho akanga asina kuchenjera?
6 Zuva raMwari rokuti vaJudha vazvidavirire zvaraiswedera pedyo, zvaikosha kuti vanhu vawedzere kuteerera. Kana muJudha mumwe nomumwe aizofarirwa naJehovha uye aizodzivirirwa naye, aifanira kupfidza otanga kumuteerera. Izvi ndizvo zvaifanira kuitwa namambo Zedhekiya. Akanga asina kutsunga kuita zvakarurama. Machinda ake paakamuudza kuti aida kuuraya Jeremiya, akanga asina ushingi hwokuarambidza. Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, muprofita wacho haana kuurayiwa nokuti akabatsirwa naEbhedhi-mereki uye pave paya akakurudzira Zedhekiya achiti: “Ndapota, teererai inzwi raJehovha.” (Verenga Jeremiya 38:4-6, 20.) Zviri pachena kuti mambo wacho aifanira kuchinja pfungwa dzake kuti zvimunakire: Aizoteerera Mwari here?
Nei zvakanga zvakakodzera kuti Jeremiya arambe achikurudzira vaJudha kuti vateerere Mwari?
VANHU VANOFANIRA KUTEERERA JEHOVHA IYE ZVINO
7. Kuteerera kwaunoita kungaedzwa papi?
7 Mazuva ano, kuteerera kunokosha sezvakwaingoita munguva yaJeremiya. Kutsunga kwako kuteerera Jehovha kwakasimba zvakadini? Kana paIndaneti pakangoerekana pabuda zvinonyadzisira, waizoramba wakatarira here kana kuti waizorwisa muedzo wacho wobva wavhara peji yacho? Zvakadini kana munhu asingatendi waunoshanda naye kana kuti wokuchikoro akati mudanane? Waizova nesimba rokuramba here? Mabhuku evanhu vakatsauka pakutenda kana kuti nzvimbo dzavo dzepaIndaneti zvingakutora mwoyo here kana kuti zvingakusembura? Mumamiriro ezvinhu akadai kana kuti mamwewo, yeuka mashoko ari pana Jeremiya 38:20.
8, 9. (a) Nei kuri kuchenjera kuti uteerere vakuru pavanoedza kukubatsira? (b) Unofanira kuona sei zano rinoramba richipiwa nevakuru?
8 Jehovha aiwanzotuma Jeremiya kuvanhu vake nemashoko okukurudzira akadai seokuti: “Ndapota, mumwe nomumwe ngaatendeuke panzira yake yakaipa, uye itai kuti nzira dzenyu nezvamunoita zvive zvakanaka.” (Jer. 7:3; 18:11; 25:5; verenga Jeremiya 35:15.) Saizvozvowo, vakuru vechiKristu mazuva ano vanoita zvose zvavanogona kuti vabatsire vavanonamata navo vanenge vari pangozi mune zvokunamata. Kana vakuru vakakupa zano pane imwe nguva rokuti udzivise kuita zvisina uchenjeri kana kuti zvakaipa, vateerere. Chinangwa chavo chakafanana nechaJeremiya.
9 Vakuru vangakuyeuchidza nezvendima dzomuMagwaro dzavakatombokuratidza. Ziva kuti kudzokorora zano hakusi nyore, asi kuzviita kwakatonyanya kuoma kana munhu ari kuda kubatsirwa akaita sezvakaitwa nevaJudha vakawanda vakanzwa Jeremiya achitaura. Edza kuona zvinoramba zvichiitwa nevakuru kuti vakubatsire sokuratidzwa kwerudo rwaJehovha. Yeukawo kuti Jeremiya aisafanira hake kuramba achidzokorora kunyevera kudai vanhu vacho vakanga vateerera. Chokwadi kukurumidza kushandisa zano ndiyo nzira yokuti zano risadzokororwe.
JEHOVHA ANOKANGANWIRA PACHENA ASI HAZVINGOEREKANI ZVAITIKA
10. Nei Jehovha asingangoerekani akanganwira zvivi?
10 Hatigoni kuteerera Jehovha zvakakwana munyika ino pasinei nokuti tinoedza zvakadini. Saka tinomutenda nokuti anoda kutikanganwira zvikanganiso zvedu. Kunyange zvakadaro, haangoerekani akanganwira zvivi. Nei? Nokuti Jehovha anosemeswa nechivi. (Isa. 59:2) Naizvozvo, anoda kuva nechokwadi chokuti tinokodzera kukanganwirwa naye.
11. Nei zvisingaiti kuvanza zvivi zvinoitwa pakahwanda?
11 Sezvataona, vaJudha vakawanda vomunguva yaJeremiya vaiva netsika yokusateerera Mwari zvokuti vakashandisa zvisina kufanira mwoyo murefu nengoni zvake. Mazuva ano mushumiri waMwari angava netsika dzakadaro here? Hungu, kana akarega kuteerera zviyeuchidzo zvaJehovha otanga kuva netsika yokuita chivi. Pane dzimwe nguva, izvi zvave zvichiitika pachena, mumwe munhu paanosiyana newaakaroorana naye pasina chikonzero chomuMagwaro oroorana nomumwe. Asi kunyange kana vamwe vanhu vakasaona chivi chacho, uya anenge asiri kuteerera Jehovha ari pangozi. Munhu anenge achirarama upenyu huviri angafunga kuti, ‘Hapana anombozozviziva.’ Asi chokwadi ndechokuti Mwari anoona mupfungwa nomumwoyo uye anogona kuona zvinenge zvichiitika pakahwanda. (Verenga Jeremiya 32:19.) Saka chii chinofanira kuitwa kana munhu aita zvinopesana nezvinodiwa naMwari?
12. Dzimwe nguva vakuru vanofanira kuitei kuti vadzivirire ungano?
12 VaJudha vakawanda vakatsvinyira kubatsirwa kwavaiitwa nguva nenguva naJehovha achishandisa Jeremiya. Saizvozvowo, mazuva ano munhu anenge aita chivi chakakura angasapfidza, achiramba rubatsiro rwevakuru. Pazvinenge zvakadaro, vakuru vanofanira kutevedzera zvinotaurwa neMagwaro kuti vadzivirire ungano nokudzinga mutadzi wacho. (1 VaK. 5:11-13; ona bhokisi rinoti “Kurarama Pasina Mutemo,” riri papeji 73.) Asi izvi zvinoreva here kuti mutadzi wacho haazombovi netariro, uye haachafi akakwanisa kudzoka kuna Jehovha? Kwete. VaIsraeri vakanga vava nenguva yakareba vachipanduka; asi Mwari akati: “Dzokai, imi vanakomana vakatsauka. Ndichagadzirisa kutsauka kwenyu.” (Jer. 3:22)a Jehovha anokumbira vatadzi kuti vadzoke kwaari. Chokwadi anovatungamirira kuti vaite kudaro.
Nei kuri kuchenjera kutsvaka kukanganwirwa naMwari patinenge tatadza?
TEERERA JEHOVHA NOKUDZOKA KWAARI
13. Kana munhu achida kudzoka kuna Jehovha, anofanira kuzivei?
13 Sezvakaratidzwa naJeremiya, kuti munhu adzoke kuna Mwari anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndakaiteiko?’ Zvadaro, achitarisa zvinotaurwa neMagwaro, anofanira kunyatsobvuma zvaakaita chaizvo. VaJudha vasingapfidzi vemunguva yaJeremiya vakanzvenga kuzvibvunza mubvunzo iwoyo. Vakaramba kubvuma kukura kwakanga kwakaita zvivi zvavo, saka Jehovha haana kuvakanganwira uye aisagona kudaro. (Verenga Jeremiya 8:6.) Kusiyana neizvi, mutadzi anopfidza anoziva kuti nokusateerera Jehovha, akaita kuti zita raMwari uye ungano yechiKristu zvizvidzwe. Munhu anopfidza zvechokwadi anosuruvariswawo zvikuru nokurwadzisa kwaanenge akaita vanhu vasina mhosva. Anofanira kuziva kuti paanobvuma migumisiro yezviito zvake zvakaipa ndipo chete apo kukumbira kwake kukanganwirwa kunova kunokosha kuna Jehovha. Kunyange zvakadaro, kudzokazve kuna Mwari kunosanganisira zvakawanda.
14. Munhu ‘anodzokera kuna Jehovha chaiko’ sei? (Taurawo zviri mubhokisi rinoti “Kupfidza Kunorevei?”)
14 Munhu anenge apfidza zvechokwadi anoongorora vavariro dzake, zvaanoda uye zvaanowanzoita. (Verenga Mariro 3:40, 41.) Achaongorora paanoratidza kusava nesimba muupenyu hwake, zvakadai sokushamwaridzana nevanhurume ari munhukadzi kana kuti vanhukadzi ari munhurume, kushandisa kwaanoita doro kana kuti fodya, Indaneti, kana kuti zvaanoita mune zvebhizimisi. Sezvo mudzimai wepamba achikwesha kunyange nzvimbo dzakahwanda dzomukicheni make kuti imba yake igare yakachena uye iine utsanana, munhu anopfidza anofanira kushanda nesimba kuti achenese pfungwa dzake uye zvaanoita ari oga. Anofanira ‘kudzokera kuna Jehovha chaiko’ nokuita zvinodiwa naMwari uye kurarama maererano nemitemo yake. Vamwe vaJudha vomunguva yaJeremiya vakadzokera kuna Jehovha “zvokungonyepedzera.” Vainyepedzera kuzvidemba asi havana kumbochinja mwoyo yavo kana mararamiro avo. (Jer. 3:10) Kusiyana navo, munhu anokumbira kukanganwirwa zvechokwadi haaedzi kunyengedza Jehovha neungano yake. Pane kungoda kuchengetedza zita rake kana kuti kuita kuti awadzanezve nevoukama kana kuti nevamwe vari muchokwadi, anoda kusiya zvachose zvakaipa zvaakaita kuti akwanise kukanganwirwa uye kufarirwa naMwari.
15. Munhu anenge apfidza zvechokwadi anoita minyengetero yakadini kuna Mwari?
15 Munyengetero unokosha pakupfidza. Kare, zvakanga zvakajairika kuti vanhu vasimudze maoko avo pavainyengetera. Mazuva ano, munhu anenge apfidza zvechokwadi paanonyengetera, ‘anosimudzira mwoyo wake pamwe chete nezvanza zvake kuna Mwari,’ sokutaurwa kwazvakaitwa naJeremiya. (Mari. 3:41, 42) Kuzvidemba kunoita kuti mutadzi anenge apfidza ararame maererano nechikumbiro chake chokukanganwirwa. Minyengetero yake ndeyechokwadi, ichibva pamwoyo chaipo.
16. Nei zviine musoro kudzokera kuna Mwari?
16 Pasina mubvunzo unoziva kuti mutadzi angatoda kurega kuzvikudza kuti abvume zvikanganiso zvake. Asi ichokwadi chinokosha kuti Jehovha anoda kuti vatadzi vadzoke kwaari. Mwari paanoona kuzvidemba kwechokwadi mumwoyo womunhu, mwoyo wake unodavirawo. Anova asina “kugadzikana” norudo nokuti anoda kukanganwira vose vanopfidza zvivi zvavo, kunyange sezvaakaitira vaIsraeri vakadzoka vachibva kuutapwa. (Jer. 31:20) Zvinokurudzira zvikuru kuziva kuti Mwari anopa rugare netariro vaya vanomuteerera! (Jer. 29:11-14) Vanogona kuvazve pakati pevashumiri vake vakazvitsaurira.
KUTEERERA KUNOGONA KUKUDZIVIRIRA
17, 18. (a) VaRekabhi vaiva vanaani? (b) Sezvinoratidzwa papeji 77, vanozivikanwa nokuda kwechii?
17 Kunyatsoteerera Jehovha kunoita kuti munhu ave akachengeteka. Tinogona kuona izvozvo pane zvakaitwa nevaRekabhi vomunguva yaJeremiya. Anopfuura mazana maviri emakore izvi zvisati zvaitika, Jehonadhabhi tateguru wavo wechiKeni, uyo akatsigira Jehu akavimbika, akanga avapa mirayiro yakawanda yairambidza zvimwe zvinhu. Mumwe wacho wairambidza kunwa waini. Jehonadhabhi akanga ava nenguva yakareba afa, asi vaRekabhi vakaramba vachimuteerera. Achivaedza, Jeremiya akaenda navo kuimba yokudyira mutemberi ndokuisa waini pamberi pavo, akavakurudzira kuti vanwe. Vakamuudza kuti: “Hatisi kuzonwa waini.”—Jer. 35:1-10.
18 Kuteerera tateguru wavo akanga ava nenguva refu afa kwaikosha kuvaRekabhi. Vanamati vechokwadi vanofanira kushingaira zvikuru kuteerera mirayiro yaMwari mupenyu. Kutsunga kwakanga kwakaita vaRekabhi kuteerera kwakafadza Jehovha, uye kwakaita kuti vanyatsosiyana nevaJudha vakanga vasingateereri. Mwari akavimbisa kuti aizodzivirira vaRekabhi panjodzi yaizouya. Tichishandisa chidzidzo ichocho mazuva ano, hazvina musoro here kuti vaya vanonyatsoteerera Jehovha vanovimbiswa kuti vachadzivirirwa naye pakutambudzika kukuru?—Verenga Jeremiya 35:19.
Nei kupfidza chivi chakakura kuri chinhu chinokosha pakuteerera? Kuteerera kungabatsira sei munhu kuti adzivise zvinhu zvinoita kuti azofanira kupfidza?
VAYA VANOTEERERA JEHOVHA HAVASI VOGA
19. Mwari angakudzivirira sei kana ukamuteerera?
19 Hatifaniri kuona sokuti Mwari aingodzivirira vanhu vake vekare chete. Kunyange iye zvino, Jehovha anodzivirira vanhu vanoteerera pangozi mune zvokunamata. Rusvingo rwakakwirira zvarwaidzivirira maguta ekare kuti asarwiswa, mutemo waMwari unodzivirira vaya vanoudzidza voramba vachiushandisa. Ucharamba here uri mukati merusvingo runodzivirira rwemirayiro yaMwari yetsika? Unogona kuva nechokwadi chokuti zvichakufambira zvakanaka kana ukaita izvozvo. (Jer. 7:23) Zvinhu zvakawanda zvakaitika zvinoratidza kuti ichocho ichokwadi.—Ona bhokisi rinoti “Kuteerera Jehovha Kunoita Kuti Tidzivirirwe.”
20, 21. (a) Ungava nechokwadi chei sezvaunoshumira Jehovha? (b) Mambo Jehoyakimu akaita sei kumashoko aMwari akanyorwa naJeremiya?
20 Vanhu vanopikisa vanoita kuti kushumira Mwari kuome, vangava mumhuri yako, kubasa kana kuti kuchikoro, kana kuti vanhu vane simba vari kwaunogara. Zvisinei, unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukanyatsoteerera Jehovha muzvinhu zvose, achakutsigira kunyange zvinhu pazvinenge zvakaoma zvikuru. Usakanganwa kuti Mwari akavimbisa kuti aizotsigira Jeremiya pakupikiswa kunotyisa kwaaizoitwa, uye Jehovha akaita izvozvo chaizvo. (Verenga Jeremiya 1:17-19.) Kutsigira kwaMwari kwakavawo pachena mumazuva aMambo Jehoyakimu.
21 Vatongi vashomanana vaIsraeri vakapikisa vatauriri vaMwari nehasha sezvakaitwa naJehoyakimu. Tinogona kuona izvi pane zvakaitika kumuprofita Urija, akararama panguva imwe chete naJeremiya. Jehoyakimu, mambo akaipa akanga achida kuti ateverwe kunyange zvazvo akanga ayambuka miganhu yedzimwe nyika. Muprofita waJehovha Urija paakanga adzoswa, mambo akaita kuti aurayiwe. (Jer. 26:20-23) Mugore rechina rokutonga kwaJehoyakimu, Jehovha akarayira Jeremiya kuti anyore mashoko ose aakanga ataura kusvika panguva iyoyo uye kuti aaverenge zvinonzwika patemberi. Jehoyakimu akawana mupumburu waJeremiya achibva aita kuti jinda rimuverengere. Sezvawaiverengwa, mambo akaubvarura ndokukanda chidimbu chimwe nechimwe mumoto, kunyange zvazvo mamwe machinda akamukurudzira kuti asaite izvozvo. Akabva atuma varume kunosunga Jeremiya naBharuki. Chii chakaitika? “Jehovha akaramba akavavanza.” (Jer. 36:1-6; verenga Jeremiya 36:21-26.) Jehovha haana kubvumira Jehoyakimu kuti akuvadze varume vaviri ivavo vakanga vakatendeka.
22, 23. Zvakaitika kune chimwe Chapupu chinogara nechepakati peAsia zvinokuratidzei nezvokutsigira kwaMwari?
22 Kana Jehovha achiona zvakakodzera, anogonawo kuvanza vashumiri vake vemazuva ano kuti vasapinda mungozi. Asi kakawanda anovapa ushingi neuchenjeri kuti vamuteerere uye kuti varambe vachiparidza mashoko akanaka. Vamwe amai vanorera vana vari voga vatichati Gulistan vane vana vana. Vave vachitsigirwa naJehovha. Kwenguva yakareba, vaingova Chapupu vari voga munzvimbo yakakura nechepakati peAsia, kune zviremera zvinorambidza kuparidzwa kweUmambo. Pane daro remakiromita anopfuura 400 kuenda kuungano iri pedyo zvikuru naye, saka kashoma kuti Gulistan awadzane nevaKristu vakakura mune zvokunamata. Pasinei nokupikiswa uye mamwe matambudziko, anoparidza paimba neimba uye anowana vanhu vakawanda vanofarira. Maererano nemushumo uchangobva kubuda, anoitisa zvidzidzo zveBhaibheri vanhu vanoda kusvika 20 uye anobatsira mune zvokunamata boka riri kukura remakwai aJehovha.
23 Sokungobatsira kwaakaita Jeremiya uye Zvapupu zvakadai saGulistan, Mwari akagadzirira kukubatsira iwe nevamwe vashumiri vake vanoteerera. Tsunga kumuteerera soMutongi panzvimbo pevanhu. Ipapo, kupikiswa uye zvimwe zvipingamupinyi hazvizokutadzisi kurumbidza pachena Mwari wechokwadi chete pamberi pevaya vari mundima yenyu.—Jer. 15:20, 21.
24. Iye zvino kuteerera kunokubatsira sei?
24 Hatigoni kuwana mufaro wechokwadi uye kugutsikana kana tichirarama tisingatungamirirwi noMusiki wedu. (Jer. 10:23) Pashure pokunge wadzidza zvakanyorwa naJeremiya nezvokuteerera, unoona here nzira dzaungarega Jehovha achitungamirira nhanho dzako zvakazara? Mirayiro yake ndiyo chete inogona kutitungamirira kuti tirarame upenyu hunoita kuti tifare uye tibudirire zvakakwana. “Teererai inzwi rangu,” Jehovha anokurudzira kudaro, “kuti zvikufambirei zvakanaka.”—Jer. 7:23.
Muukama hwako naMwari, ungashandisa sei zvidzidzo zvokuteerera zviri mubhuku raJeremiya?
a Pano Jehovha aitaura kuumambo hwaIsraeri hwokuchamhembe. Pakataurwa mashoko aya naJeremiya, vaya voumambo ihwohwo hwemadzinza gumi vakanga vava nemakore anenge 100 vakatapwa. Akabvuma kuti kusvikira kunguva yaakararama, rudzi irworwo rwakanga rusina kupfidza. (2 Madz. 17:16-18, 24, 34, 35) Kunyange zvakadaro, vanhu vaigona kudzokazve kuna Mwari uye kunyange kudzoka vachibva kuutapwa.