Mapfundo Makuru eBhaibheri Rwiyo rwaSoromoni 1:1–8:14
Rudo Rwechokwadi Runokurira!
Kune rudo rusingatongokundikani. Irwo haruchinji, runotsungirira, runokurira. Rudo rwakasimba rwakadaro rwuri pakati paJesu Kristu no“mwenga” wake, kana kuti ungano yakaberekwa nomudzimu. (Zvakazarurwa 21:2, 9; VaEfeso 5:21-33) Uye rudo irworwu runoratidzirwa zvakaisvonaka sei muRwiyo rwaSoromoni!
Rwakaumbwa makore 3 000 apfuura naMambo akachenjera Soromoni waIsraeri, urwu “rwiyo rukuru” (1:1) runotaura nezvorudo rwuri pakati pomufudzi nomusikana womuruwa wokumusha weShunemi (Shuremi). Nepfuma yake yose nembiri, mambo haana kukwanisa kuwana rudo rwomuShuramiti, nokuti iye akanga akavimbika kumufudzi wake anodiwa.
Apo iri bhuku redetembo rinoraviwa nengwariro yakafanira nokuonga, rinopa vabatiri vasina kuroora navakaroora vaJehovha zvakawanda zvokufunga pamsoro porucheno, unyoro, ruvimbiko, uye rudo rusingagumi runofanira kuva zviratidzo chaizvo zveroorano yechiKristu. Zvamazvirokwazvo, tose zvedu tinogona kubetserwa norwiyo urwu pamsoro porukundo rworudo rwechokwadi.
MuShuramiti Mumusasa waSoromoni
Tapota rava Rwiyo rwaSoromoni 1:1-14. Ari mumatende oumambo, muShuramiti akataura sokunge kuti mufudzi wake anodiwa aivapo. Soromoni akarumbidza runako rwake ndokupikira kumushongedza nezvinhu zvendarama nesirivha. Asi mhandara yakadzivisa nhamburiko dzake ndokumuita kuti azive kuti aiva norudo rwechokwadi bedzi nokuda kwomufudzi wake.
◆ 1:2, 3—Neiko uku kuenzanisa newaini namafuta kwakanga kwakafanira?
Waini inofadza mwoyo ndokusimbisa mweya wakaora mwoyo. (Pisarema 104:15; Zvirevo 31:6) Mafuta aidururirwa pavaenzi vanodiwa nokuda kwokunyaradza kwawo. (Pisarema 23:5; Ruka 7:38) Nokudaro muShuramiti akaora mwoyo akasimbiswa ndokunyaradzwa kupfurikidza nokuyeuka “mashoko orudo” omufudzi ne“zita” rake. Nenzira yakafanana, vakasarira vavateveri vakazodzwa vaKristu vanokurudzirwa nokufungisisa parudo nezvipikirwa zvoMufudzi wavo, Jesu Kristu, kunyange zvazvo ivo vachiri munyika uye vakaparadzaniswa naye.
Chifundo nokuda Kwedu: Soromoni angadai akashongedza muShuramiti ne“zvirukwa zvendarama” ne“zvuma zvesirivheri,” asi iye akadzivisa iyi miedzo yezvinhu zvokunyama ndokusimbisa rudo rwake rusingakundikani nokuda kwomufudzi. (1:11-14) Kufungisisa chimiro chake kunogona kusimbisa chisarudzo cheboka ro“mwenga” chokudzivisa kudisa zvenyika kwenyika kunonyengera ndokuramba vakatendeka kuChikomba chavo chokudenga. Kana tariro dzedu dziri dzapasi uye tiri kurangarira roorano, muenzaniso weiyi mhandara ngautisunde kuita fariro dzomudzimu, kwete dzokunyama, chokuitira hanya chedu chikurusa.
Kushuvana
Rava 1:15–3:5. Mufudzi akapinda mumusasa woumambo ndokutaura rudo rwake nokuda kwomuShuramiti anozvininipisa, uyo akamukudza kupfuura vamwe vose. Apo vakaparadzaniswa, mhandara yakayeuka nguva dzinofadza nomudiwa wayo ndokuteterera kuti amhanyire kurutivi rwake. Usiku, akamushuva.
◆ 2:1-3—Chii chinorehwa naaya madimikira?
MuShuramiti akazvidana amene kuti “ruva rebundo rokuSharoni” nemhaka yokuti iye akanga ari mukadzi muduku anozvininipisa, anozvidukupisa uyo akazvirangarira amene serimwe bedzi ramaruva anozivikanwa navose akawanda. Mufudzi, zvisinei, akaziva kuti iye akanga ari “ruva pakati peminzwa,” nemhaka yokuti iye akanga akanaka, achiita zvakanaka, uye akatendeka kuna Jehovha. Kumhandara, mufudzi akanga akafanana no“muapuri pakati pemiti yokudondo” nemhaka yokuti iye akanga ari murume muduku anofunga zvomudzimu akazvipira zvakafanana kuna Mwari uye ane mavara namano zvinodikanwa zvikuru. MuKristu asina kuroora anotsvaka mukwanyina muupenyu anofanira kuva achitsvaka bedzi mutendi biyake akatendeka ane mavara akafanana naayo omuShuramiti kana kuti mufudzi wake anodiwa.
◆ 3:5—Nemhaka yeiko iyi mhiko yakanga yakabatanidzwa neidzi mhuka?
Mharapara nenondo imhuka nyoro, dzinofadza, uye dzakaisvonaka dzinomhanya uye dzisingawanzotsvedza. Chaizvoizvo, ipapoka, mhandara yakanga ichisunga “vakunda veJerusarema” mumhiko nechose chiri chinofadza nechakaisvonaka. Kupfurikidza neizvi zvisikwa, iye akanga achisungira ava vakadzi kurega kunyandura rudo maari nokuda kwomunhu upi noupi kunze kwomufudzi wake anodiwa.
Chifundo nokuda Kwedu: Mhandara yakaisa “vakunda veJerusarema,” kana kuti vakadzi vapaimba youmambo vaishandira mambo, mumhiko ‘yokusanyandura rudo maari kutozosvikira rwada.’ (2:7; 3:5) Ikoku kunoratidza kuti hakubviri kuva norudo rwenyengano nokuda kwomunhu upi noupi zvake. Mhandara imene haina kunzwa kwezvo nokuda kwaSoromoni. Kuchenjera sei, ipapoka, kuti muKristu asina kuroorwa anorangarira roorano arangarire bedzi munamati akakodzera naakatendeka waJehovha uyo anogona kudiwa zvirokwazvo!—1 VaKorinte 7:39.
Mhandara muJerusarema
Rava 3:6–6:3. Soromoni akadzokera kuJerusarema ane mbiri. Mufudzi akaonana nemhandara imomo ndokumusimbisa namashoko orudo. Muchiroto, iye akanonoka kupindura kugogodza kwomudiwa wake uye akabatwa zvisakafanira navarindiri sezvo akamutsvaka mukupererwa nezano kwose. Achibvunzwa kuti chii chakaita kuti mudiwa wake ave akatanhamara, iye akapa “vakunda veJerusarema” kurondedzerwa kwake kune mbiri.
◆ 5:12—Meso omufudzi akanga ‘akafanana sei nenjiva dzinoshamba mumukaka’?
Pakuvamba, meso omuShuramiti akanga afananidzwa naayo enjiva nemhaka yokuva akapfava, manyoro. (1:15; 4:1) Naizvozvo, mufudzi akanga adana mhandara imene kuti “njiva yangu.” (5:2) Pano mukadzi muduku anorwara norudo akafananidza meso omufudzi nenjiva dzebhuruu-gireyi dzinoshamba mumadziva omukaka. (5:8, 12) Sezvingabvira, uku kufananidza kwakanongedzera kumakasviba mameso omufudzi makapoteredzwa nechichena chinopenya chameso ake.
Chifundo nokuda Kwedu: MuShuramiti akanga akafanana no“munda wakakomberedzwa.” (4:12) Kazhinji kazhinji munda muna Israeri wakare wakanga wakafanana nomunhanga, paradhiso chaiyoiyo ine manyuko akanaka emvura nemhatsa yemiriwo, maruva, uye miti. Kazhinji kazhinji, waikomberedzwa norumhanda kana kuti madziro uye waigona kupindwa bedzi nesuo rakakiiwa. (Isaya 5:5) Kumufudzi, rucheno rwetsika rwomuShuramiti norudo zvakanga zvakafanana nebindu rorunako rwechienzi, chibereko chakaisvonaka, kunhuwira kunofadza, uye kufadza kunofadza. Rudo rwake rwaisawanika kumurume upi noupi zvake, nokuti iye akanga akachena, akafanana no“munda wakakomberedzwa” kuvavhozhokeri vasingadikanwi uye wakazaruka bedzi kumwene wawo wapamutemo. Mukururama kwetsika noruvimbiko muShuramiti nokudaro akagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavakadzi vechiKristu vachigere kuroorwa nhasi.
“Murazvo waJah”
Rava 6:4–8:14, “NW.” Soromoni akarumbidza runako rwemhandara, asi iyo yakamuramba ndokuzivisa kuzvipira kwayo kumufudzi. Asingakwanisi kuwana rudo rwayo, Soromoni anoirega ichienda kumusha. No“mudiwa” wayo parutivi rwayo, iyo yakadzokera kuShunemi somukadzi akura wedzikamo yakabvumikiswa. Rudo rwapakati payo nomufudzi rwakanga rwakasimba sorufu, uye kupisa kwarwo so“murazvo waJah.”
◆ 6:4, NW—Chii chakanga chiri “Guta Rinofadza”?
Uku kutaura kunogona kushandurwa kuti “Tirza,” kureva kuti “Kufadza, Mufaro.” Tirza rakanga riri guta rorunako rwakakurumbira iro rakava dzimbahwe rokutanga roumambo hwokuchamhembe hwaIsraeri.—1 Madzimambo 14:17; 16:5, 6, 8, 15.
◆ 7:4—Mutsipa wemhandara wakanga “wakaita [sei] seshongwe yorunyanga rwenzou”?
Sezviri pachena iwo wakanga une kupfava kworunyanga rwenzou nokureba nokutetepa kweshongwe. Pakuvamba, mutsipa wake wakanga wafananidzwa ne“shongwe yaDhavhidhi,” zvichida shongwe yeImba yaMambo parusvingo rwokumabvazuva rweJerusarema. Pairi ‘pakanga pakaturikwa nhovo dzine chiuru dzavarume vane simba,’ kukarakadza kuti mutsipa wakaisvonaka womuShuramiti wakanga une nekiresi yaiva nezvishongo zvakatenderera kana kuti mabwe anokosha.—4:4; Nehemia 3:25-27.
◆ 8:6, 7—Rudo “rune simba [sei] sorufu”?
Rufu rwakada nenzira yokusakundikana upenyu hwavanhu vanotadza, uye rudo rwechokwadi rwakasimba kudaro. Mukuomerera kwarwo nokuzvipira kwachose chose, rudo rwakadaro rwakasimba sezvakaita Sheori (makuva) mukuda miviri yavakafa. Sezvo Jehovha Mwari akaisa simba rorudo mukati mavanhu, iri vara rinobva kwaari uye rinonzi nenzira yakakodzera “murazvo waJah.” Kunyange naMambo Soromoni aisagona kutenga rudo rwakadaro.
Chifundo nokuda Kwedu: Chinoitika chomuShuramiti naMambo Soromoni chakanga chiri muedzo wakakomba uyo iye akakunda nenzira inobudirira. Iye akanga asiri asina kutsiga murudo norunako, kufanana nesuo risingatani kuvheya pamahinji aro nokuda kupfigwa nepuranga romusidhari kudzivisa kuvhurika kwaro kumumwe munhu asingafarirwi kana kuti asina kunaka. Aiwa, mhandara yakakurira nyengedzo dzamambo, ichimira yakafanana norusvingo pazvinokwezva zvose zvokunyama zvenyika ino. Nokuvimba naMwari kupfurikidza nokuyeuka muenzaniso wakaisvonaka womuShuramiti, vakadzi vechiKristu nhasi vanogona nenzira yakafanana kubvumikisa chimiro chavo savanhu vakasimba munheyo dzakanaka kurumbidzwo yaJehovha.—8:8-10.
Zvirokwazvo, urwu “rwiyo rukuru,” rune rudo somusoro warwo, runokudza kunzwisisa kwedu chisungo chiripo pakati paJesu naavo vakasarudzwa kuva “mwenga” wake wokudenga. Asi majaya ose nemhandara pamwe chete navarume navadzimai vakazvipira kuna Jehovha vanogona kubetserwa nokutsvaka kutevedzera perero yomuShuramiti nomufudzi mukutarisana nemiedzo nezviedzo. Uye ichi chikamu chakaisvonaka cheShoko raMwari chinofanira kusunda tose zvedu kuramba takavimbika nguva dzose kuna Jehovha, Manyuko orudo runokurira.